Go to full page →

Kusagutsikana Pamusoro peBaiberi TaH 32

Dzidziso dzenhema mumakereke dzinobvisa zvimiso zvakaiswa neshoko raMwari. Vazhinji vanorasa zvidzitsi zvechokwadi kusvikira vave vakaipa kwazvo. TaH 32.1

Nhema dzedzidziso dzezvitendero zvinembiri dzakarasisa vazhinji kuti varege kugutsikana neBaiberi. Hazvigoni kuti munhu agamuchire dzidziso yagara ichipikisana nekururamisira kwake uye netsitsi. Nokuti izvi zvinomirira kudzidzisa kweBaiberi uyu anotoramba kugamuchira seshoko raMwari. TaH 32.2

Shoko raMwari rinotariswa nekushora nokuti rinotsiura chitema. Vose vanoramba kuteerera zvarinoreva vanozama kupidigura hushe nekutonga kwaro. Vazhinji vanotadzira Mwari vachida kupa chikonzero chekusaita basa sezvarinofanirwa. Vazhinji vanonzwa sezvakanaka kumira kudivi rekusatenda nekusateerera. Vakadai vanenge vazere nekuzvida nekuzvivimba. Vazhinji vanofarira kuwana chimwe mumagwaro chekushamisa nekuvhundutsa nacho vamwe. Vamwe vanorasika nokuda kwekufarira gakava chete. Asi vanoratidza kusatenda kwavo pachena, vanobatana nevasingadi Mwari. TaH 32.3