Vanotenda kuti munhu wese achaponeswa vanomonyorora magwaro. Mufundisi anoramba achidzokorodza nhema dzenyoka muEden, ” Hamungafi zvirokwazvo. Nezuva ramunoudya nawo meso enyu achazaruka mukava savaMwari”. Anoti mutadzi mukurusa, mbavha, mhondi nemhombwe vose vachaenda kuhupenyu husingaperi huzere nemufaro mushure mekufa kwavo. Inhema dzinotapira kwazvo idzi dzakarongerwa kufadza mwoyo unoda zvenyika. Dai raive idi kuti munhu wese aingoenda kudenga pakufa taitochiva kufa pane kurarama. Vazhinji vakarasiswa nenhema idzi ndokuzviuraya. Waremerwa nematambudziko nekukuhuniswa zvinoita senyore kugumisa hupenyu hwako kuti ubhururuke uchienda kunyika isingaperi izere nerufaro. TaH 39.2
Mwari akapa shoko rake humbowo hwekuti acharanga vanodarika murairo wake. Anetsitsi dzakadaro dzekuti dzekusvika pakururamisira mutadzi here? Tarira kumuchinjikwa weKarivari. Rufu rweMwanakomana wemunhu runopupura kuti, ” Mubairo wéchivi ndirwo rufu” (vaRoma 6:23), kuitira kuti kuputswa kwemutemo waMwari kupi zvako kupihwe murango wako. Kristu asina kutadza akawa chivi panzvimbo yemunhu. Akatakura mhaka yemutadzi nekuvanzirwa chiso nababa vake kusvikira mwoyo wake watsemuka uye hupenyu hwake hwaparara- zvose izvi kuitira kuti vatadzi vadzikinurwe. Mweya wose unoramba kutorawo rudzikunuro urwu rwakauya nenzira inodhura zvakadaro unofanira kutakura pachawo mhosva dzekudarika murairo. TaH 40.1