Go to full page →

Kuziva Kuti Une Chivi TaH 62

Danho rekutanga pakuyanana naMwari kubvuma kuti une chivi, ” Mumwe nomumwe unoita zvivi unodarika murairowo; zvivi ndiko kudarika murairo” (1 John 3:4; vaRoma 3:20). Kuti aone mhosva dzake mutadzi anofanira kuedza chimiro chake kubudikidza nechionioni chaMwari icho chinoratidza kunaka kwakaperera kwechimiro zvoita kuti aone kwazvo kuipa kwake mutadzi. TaH 62.2

Murairo unorati munhu kuchivi chake asi haupi mushonga wechivi. Unotaura kuti rufu ndiwo mubairo wemutadzi. Vhangeri raKristu chete ndiro rinomusunungura pamhosva nekusvibisa kwechivi. Anofanira kujaira kutendeuka kuna Mwari muridzi wemutemo wakaputswa, nerutendo munaKristu uyo akazvipira kuti tichenurwe. Saka anowana ” Iye wakagadzwa naMwari kuti ave muyananiso nekutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregererwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu” (vaRoma 3:25) ova mwana waMwari. TaH 63.1