Go to full page →

Ruregerero Runotisunungura kuti Tisateerere Here? TaH 65

Mutadzi aregererwa wasununguka kudarika murairo waMwari here? Pauro anoti, “Tinoshaisa mutemo simba here nokuda kwekutenda? Mwari anoramba izvi, tinotozadzisa murairo”. ” Ko isu takafa kuzvivi torarama sei mazviri?” anodaro Johani (vaRoma 3:31; vaRoma 6:2; 1 Johani 5:3; vaRoma 8:4; Mapisa 119:97). TaH 65.1

Pasina murairo munhu haana chinomuzivisa nezve chivi uye haanzwi kuda kana kuona chikonzero chekutendeuka. Havaoni chavangadira ropa raJesu rinochenura. Tariro yeruponeso inogamuchirwa asi ipo pasina kushanduka kwemwoyo, kutendeuka nekutanga patsva muhupenyu.Nokudaro kungoteukawo kwekubatira pamusoro kwazara mumakereke, uye vazhinji vopinda mumakereke vasina kuyanana naKristu. TaH 65.2