Go to full page →

Kutenda Kunogara TaH 98

Nguva yekutambura nekushungurudzwa iri mberi kwedu inotoda kutenda kunokurira kuneta, kunonokerwa,uye nzara, kutenda kusingazoperi kunyangwe kukayedzwa sei. Kukunda kwaJakobo chiratidzo chesimba remunamato wakapfuma nezvose. Vose vacharambira pavimbiso dzaMwari sezvakaita Jakobo, vachibudirirawo sekubudirira kwaakaita. Mutsimba naMwari; vashoma sei vanoziva zvazvinoreva? Apo mafungu ekunetseka nekushaiwa tariro anobitirira mutendi aneta; vashoma sei vanoramba vakabatirira kuvimbiso dzaMwari. TaH 98.1

Zvichaitika zvinotyisa kwazvo zvisina kujairika muchadenga zvichiratidza simba remadhimoni achiita minana. Mweya yakaipa ichaenda “kumadzimambo enyika” nemupasi rose kuti vabatane naSatani kuti vaite chinhu chimwe (mubatanidzwa) mukukakati rana kukuru kwekupedzi s ira nehurumende yekudenga. Vachamuka vanhu vachizviita saKristu chaiye voita mabasa anoshamisa- eminana. Vanotaura sekunonzi vane zvakazarurwa zvavabva nazvo kudenga asi zvinenge zvichipesana nezviri muBaiberi. TaH 98.2