Go to full page →

Kuguma Kunorwadza Kwevakaipa TaH 123

Hunhu hwaSatani hahushanduki. Kumukira kwake kunosimukazve sedutu guru remvura. Azvipira zvino kuti haazombodzokera mumashure pahondo yekupedzisira iyi. Asi pamhomho yose yaakanyengera iyi hapasisina anobvuma kuti Satani mukuru kupinda vose vedenga. Vakaipa vanozadzwa neruvengo rumwe chete rwasutsa Satani asi vobva vaona kuti havakundi muhondo iyi. TaH 123.2

Mwoto unobva kudenga kunaMwari. Nyika inozaruka. Marimi emwoto anoyambukira. Mabgwe chaiwo anotsva. Zvose zvinovaka nyika zvinonganduma zvonyauka nekuda kwekupisa kusingatuvidzwi ( 2 Pet 3:10). Nyika inoita sekunge chibhora chakanyungudika chiri mudziva remwoto. ” Nokuti Jehovha unezuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Zioni” (Isaya 34:8). TaH 123.3

Vakaipa vanorangwa zvinoenderana nekutadza kwavo. Satani haazorangirwi zvivi zvake chete asi nezvavose vanavaMwari vaakakonzeresa kuita zvivi. Mumarimi emwoto aya vakaipa vose vanoparadzwa, mudzi nedavi-Satani ndiye mudzi wacho, vateveri vake ndivo matavi. Murango wemurairo wazadziswa, kururamisira kwaitika. Kuparadza kwaSatani kwaguma narini. Zvino zvisikwa zvaMwari zvadzikinurwa nekusingaperi kubva mukuyedzwa. TaH 124.1

Apo nyika inenge yakaputirwa nemwoto uyu, vakarurama vanenge vagere zvakanaka muguta dzvene. Kune vakaipa Mwari mwoto unoparadza asi kune vanhu vake, Mwari chidzitiro (Zvaka 20:6; Mapisa 84:11). TaH 124.2