Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    KUIDZWA KWE UDZIDZI

    Ndizvozvo kuti munhu arikuna Kristu, ari chisikwa chitsva: zviro zvekare zva pfuura; vona, zviro zvese zvaitwa zvitswa.” 2 Wakorinte 5: 17.MKK 41.1

    Munhu haanga goni gutaura nguva chaiyo kana nzvimbo, kana kutevedzera zvese se mudungwe vazvo mubasa re kupinduka; asi izvi hazvi vonisi kuti haana kusanduka. Kristu akati kuna Nikodimu, “Mhepo inovuvuta apo inoda, unonzva kuvuvuta kwayo, asi hauzivi apo inobva ne apo inoenda: vakadaro vese vanobarwa nge Mudzimu.” Johane 3:8. Se mhepo, isingavoniki, asi mabasa ayo anonzvika ne kuvonekwa, ndizvo zvakaita Mudzimu va Mwari mukusanda kwavo mu mwoyo ve munhu. Simba rekumutsidzira, iro pasina ziso re munhu ringavone, rinobara upenyu utsva mu mweya; rinosika munhu mutsva mu mufananidzo va Mwari. Ipapo kana basa re Mudzimu rakanyarara risinga-voneki, basa ravo rino pangidzva. Kana mwoyo uchinge vaitwa mutsva ne Mudzimu va Mwari, upenyu hunozopa umbovo kuna izvozvo. Apo tinonga tisinga goni kupindura mwoyo yedu, nekuzviunza muku kwadzana na Mwari, ipapo hatisaka fanira kusimbira zvese kwatiri kana kumabasa edu akanaka, upenyu hwedu hunozopangidza zvimwe tsitsi dza Mwari dziri kugara mukati medu? Kupinduka kunozovonekwa muchimiro, tsika, nezvo tinoita. Muenzaniso unozovonekwa pachena pakati pekuti zvakange zvakadini nekuti zvino zvadini. Chimiro chinopangidzva, kusikuti ne mabasa akanaka neakaipa enguva ne nguva, asi nekuna ka kwakarerekera tsika mukutaura ne mukuita zviro.MKK 41.2

    Idi kuti kungave nekuzvipangidza kwe kunze kwanaka asi pasina simba rekuitwa patsva ra Kristu. Kuda kwe kunzvana zvakanaka ne vamwe ne kuda kusimudzira vamwe kungatipe rugare rwe upenyu hwakanaka. Kuzvida kungatitungamirire mukuda chakaipa. Mwoyo unembayo ungaite mabasa emutsa. Zvino tingazive sei kuti tiri kudivi ripi?MKK 41.3

    Ndiani ane mwoyo yedu? Pfungwa dzedu dziri kuna ani? Tinoda kutaura ne zva ani? Ndiani ane rudo rwedu runodziya ne masimba edu? Kana tiri va Kristu, pfungwa dzedu dzina Iye, nepfungwa dzedu dzinotapira nge dzake. Zvese izvo tinazvo ne zvatiri zvakayeresva kuna Iye. Tinodisa kutakura mufananidzo Wake, kufema Mudzimu Wake, kuita kuda kwake, nekumfadza mune zviro zvese.MKK 41.4

    Avo vanova zvisikwa zvitsva kuna Kristu Jesu vachabuditsa michero ye Mudzimu, “rudo, rufaro, runyararo, kutiva, kupfava, kunaka, kudavira, kuzvirereka, kuzviramba.’’ Magarati 5: 22, 23. Havazozviumbi muchimiro chekusuva kwavo kwe zviro zvekare, asi ngerudaviro rwe Murumbwana va Mwari vanozotevera matsiko Ake, vachipenyesa chimiro chake, nekuzvichenura sezvo Iye akachena. Zviro izvo vakange vachivenga kare zvino wave kuzvida; zviro izvo vakange vachida kare zviro wave kuzvivenga. \ aidada ne kuganza wave vakapfava nevanozvirereka mumwoyo. Ve nhando nevanozvidza wamwe nepfungwa dzakadzika havachadi kubudirira zita. Vararadzi vasvinura ne vanogara munezvakaipa nguva dzese vachena. Tsika dze nhando dze nyika dzaisva kurutivi. Ma Kristu haatsvaki “kushonga kwekunze,” asi “kwe munhu akasvisva ve mwoyo, mu izvo zvisingavori, zve mweya vakapfava ne vakanyarara.” 1 Pita 3: 3, 4.MKK 42.1

    Hapana umbovo hunovonekwa hwekupinduka chaiko kunze kwekuti husande kupindura. Kana akadzosa zve rubatsiro, akadzosera zve izvo akange apamba, akarevurura zvitadzo zvake, akada Mwari ne hama dzake, munyangadzi angave ne chokwadi chekuti apfuura kubva mukufa kuenda mu upenyu.MKK 42.2

    Apo isu se vanhu vanokanganisa, vanoita zvitema, tichiuya kuna Kristu tichiva vakoverwi ve ruregerero rwe tsitsi dzake, rudo runokura mu mwoyo. Vese mutoro unoreruka; ngekuti joki iro Kristu anoisa nrinyore. Basa rinova rerufaro, nekuzvipira kunova kunofadza. Nzira yakange ichivonekwa pakutanga sekunge yakapfekedzva ne dima inozopenya ne maranzi anobva ku zuva re Kururama.MKK 42.3

    Kunaka kwe chimiro cha Kristu kuchazo vonekwa kune vateveri Wake. Kwaive rufaro rwake kuita kuda kwa Mwari. Rudo kuna Mwari, simba rekuchamira Mbiri Yake, ndiro raive simba raitonga upenyu hwa Muponesi vedu. Rudo rwakanatsa rukapa ushe muzviito zvake zvese, rudo ngerwa Mwari. Mwoyo usina kuyeresva haunga goni kuva narwo. Runovanikwa mu mwoyo umo Jesu anotonga. “Tinomuda zvo akatanga kutida.” 1 Johane 4: 19, R.V. Mumwoyo vaitwa mutsva ne tsitsi dze denga, rudo ndivo mutemo verusando. Runonatsiridza chimiro, uchitonga zvinokurumidzirwa ne mwoyo, ruchi dziva hasha, nekupedza u mhandu, ruchi kudza mu ushe. Urwo rudo, ruchichengetwa mu mweya, runonatsa upenyu, ruchiparadzira mweya vakasambidzika kune wese vakakutenderedza.MKK 42.4

    Pane kukanganisa kuviri uko vana va Mwari — zvikuru avo vachikuvamba kusimbira mutsitsi dzake — vakafanira kuzvichengeta. Chekutanga, icho tambotaura kare, kunangisa mabasa avo, kusimbira kune zvese izvo vanogona kuita, kuti vazviunze mukukwadzana na Mwari pachavo mbune.. Uyo anoedza kuzviyeresa pachake mbune nge mabasa ake ekuchengeta mutemo arikuedza kuita chiro chisingaitiki. Zvese izvo munhu anoita asina Kristu zvakasvipisva ne mbayo ne chitema. Itsitsi dza Kristu chete, kubudikidza ngekudaira, dzinga tiite vatsvene.MKK 43.1

    Kukanganisa kwakapesana naikoko asi kune ngozi vo kudaira kuna Kristu uko kunoita vanhu vasununguke mukusachengeta mutemo va Mwari; kuti zvino izvo ngerudaviro chete tichiva vakoverwi ve tsitsi dza Kristu, mabasa edu haanei ne ruponeso rwedu.MKK 43.2

    Asi vona apa kuti kuterera basi handichiratidzo chekubvuma kwekunze chete, asi rusando rwe rudo. Mutemo va Mwari ndiko kutaura kwe chimiro chake chaicho; ndivo munhu ve mutemo wake mukuru ve rudo, kubvira ipapa ndipo pane nheyo ye Hummende yake ye kudenga ne pasi. Kana mwoyo yedu ikaitwa mitsva mu mufananidzo va Mwari, kana rudo rwe denga rukadyarwa mu mweya, mutemo va Mwari haungatakurwi muupenyu here Kana mutemo ve rudo vadyarwa mu mwoyo, nekunge munhu aitwa mutsva mu mufananidzo va Iye akamusika, chitenderano chitsva chinonga chazadzisva, “Ndinoisa mitemo yangu mu mwoyo yavo, ndino inemba mupfungwa dzavo.” Mahebru 10: 16. Zvino kana mitemo yanembwa mu mwoyo, haigadziri upenyu mu mamiriro kwavo here? Ruterero — rusando ne rukudzo rwe rudo — ndicho chivoneso ehe chokwadi ehe udzidzi. Ndizvo Tsamba inoti, Urwu rudo rwa Mwari, rwekuti tichengete mitemo Yake.” Uyo anotaura kuti ndinomuziva, asingachengeti mitemo Yake, ari munyepi, idi hariri kuna iye.” 1 Johane 5: 3; 2: 4. Pachinzvimbo chekusunungura vanhu kubva mukuterera, rudaviro, basa, runotiita tive vakoverwi ve tsitsi dza Kristu, dzinotiita tive ne ruterero.MKK 43.3

    Hativani ruponeso ngekuterera kwedu; ngekuti ruponeso chipo chakasununguka ehe pachena cha Mwari, chinotambirwa ngerudaviro. Asi ruterero muchero ve rudaviro. “Munozivakuti vakavonisva kuvonisva kuzobvisa zvitema zvedu; hakuna chitema kuna Iye. Uyo anogara kuna iye haaite chitema: uyo anoita chitema haasaka muvona, haasakamuziva.” 1 Johne 3:5, 6. Uku ndiko kuedzva kwechokwadi. Kana tichigara kuna Kristu, kana rudo rwa Mwari ruchigara kunesu, kunzva kwedu, pfungwa dzedu, zviito zvedu, zvinozokwadzana nekuda kwa Mwari sezvinotaurwa mu mitemo ye mutemo Unoyera. “Vapwere, musanyengedzve nge munhu; uyo anoita zvakarurama akarurama, sezvo Iye akarurama. 1 Johane 3:7. Kururama kunotsanangurwa nge mamiriro e mutemo vaMwari unoyera, sekutaurwa kwe mu mitemo gumi yakapiva pa Sinai.MKK 44.1

    Urwo runonzi rudaviro runosungira munhu mubasa re kuterera Mwari, handi rudaviro, asi rwekufungidzira chete. “Zvo makaponesva nge tsitsi, nge rudaviro.” Asi rudaviro, kuti rusina mabasa rwakafa.” Maefesu 2: 8; Jakobe 2: 17. Jesu akati pachake, kutanga asati auya pano pasi, “Ndinofara kwazvo kuita kwenyu, Mwari wangu, zvirokwazvo, Murairo venyu uri mu mwoyo mangu.” Mapisarema 40: 8. Zvino kutanga zve asati akwira kudenga akadaidzira, “Ndakachengeta mitemo ya Baba wangu ndichigara murudo Rwake.” Johane 15: 10. Tsamba inoti, “Nge izvi tinoziva kuti tinomuziva, kuti tichichengeta mitemo Yake. . . . Uyo anotaura kuti anogara kuna Iye, vakafanira kufamba iye mbune sezvo akafamba.” 1 Johane 2: 3-6. “Zvo Kristu akati tambudzikira, achiti regera muenzaniso, kuti titevere tsoka dzake ” Pita 2: 21.MKK 44.2

    Mamiriro eupenyu usingagumi achakangodaro sezvo akange akaita kare —sezvo zvakange zvakandoita mu Paradise kutanga kwe kuputsika kwe vabereki vedu ve kutanga — kuterera kwakaperera ku mutemo va Mwari, kururama kwakaperera. Dai upenyu husingaperi hwakapiva pasina izvi, rufaro rwe zviro zvese zviripo pasi nekudenga runodai ruri mu ngozi. Nzira yechitema inodai yakazaruka, ne mudungwe vayo vese ve nhamo ne matambudziko, yekuti zvisafe.MKK 45.1

    Zvaigona kuitika kuna Adamu, kutanga kwekuputsika kwake, kuti aumbe chimiro chakarurama ngekuteerera mitemo ya Mwari. Asi akatadza kuzviita izvi, zvino pamsana pechitadzo chake zvimiro zvedu zvaputsika, haticha kwanisi kuzviruramisa. Zvino izvo tiri vanyangadzi, vasingayeri, hatingagoni kunyatso terera mutemo unoyera. Hatina kururama kuri kwedu mbune kwe kusangana nako nemutemo va Mwari. Asi Kristu akati itira nzira yekutiza nayo, zvino arikuzvipira kuti atore zvitema zvedu Iye atipe kururama kwake. Kana uka zvipira kuna Iye, uchi mugashira sa Muponesi wako, zvino kana upenyu hwako, hwange hurivekutadza sei, nemhaka Yake unozoitwa akarurama. Chimiro cha Kristu chinomira munzvimbo yechako, ive vogashirwa pamberi pa Mwari sekunge usina kumbo tadza.MKK 45.2

    Kupinda izvi, Kristu anopindura mwoyo. Anogara mu mwoyo wako nge rudaviro. Ive unozochengeta uku kubatana na Kristu nge rudaviro nekuramba uchizvipira kuda kwake kwa Ari; kana uchiita izvi, anozo sanda kuneve kuti ude nekuita zvakanaka zvinofadza Iye. Ndizvo ungati, “Upenyu uhwo ndinogara munyama zvino, ndinowugara nge rudaviro kune Murumbwana va Mwari, vakandida akazvipira ini. Magarati 2: 20. Ndizvo Jesu akati kune vadzidzi Wake, “Ngekuti handimi munotaura, asi Mudzimu va Baba venyu unotaura panemwi.” Mateyu 10: 20. Zvi-no na Kristu achisanda kunemwi, munozovonesa mweya vakafanana ne mabasa akafanana — mabasa ekururama, ruteerero.MKK 45.3

    Zvino hatina icho tingaganze nacho isu. Hatina nzvimbo yekuzvikudza isu. Nzvimbo yedu ibasa rekusimbira chete mukururama kwa Kristu uko takapiva, ne uko kunoitwa ne Mudzimu uchisanda mukati ne kuburikidza kwatiri.MKK 45.4

    Kana tichitaura nezve rudaviro, pane chiri chikuru chakafanira kuchengetwa mupfungwa. Pane rudzi rwe chitendero chakapesana zvinovonekwa ngekuzara kubva murudaviro. Kuvapo kwe simba ra Mwari, chokwadi ehe Izvi Rake, zviri idi rekuti kana Satani ne mbiri yake haanga zvirambi pamwoyo. Baiberi rinoti, “mashavi zve anodavira, adedera.” (Jakobe 2: 19); asi urwu handi rudaviro. Apo panonga pasina rudaviro basi mu Izvi ra Mwari, asi kuzviisa pasi pekuda kwake; apo mwoyo unopirwa kwa Ari, rudo ruchiisva kwaari, pane rudaviro — rudaviro runosanda rudo, ruchichenura mweya. Kuburikidza nge rudaviro urwu mwoyo unoitwa mutsva mu mufananidzo va Mwari. Zvino mwoyo uyo unonga usingadi kuteerera mutemo va Mwari kana usina kuitwa mutsva, zvino wave kufara mu mitemo unoyera, uchidaidzira pamwe ne muimbi, “Haiva, ndoda muravu wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.” Mapisarema 119: 97. Kururama kwe mutemo kuno zadzisva kunesu, “vasingafambi ngekwe nyama, asi vachifamba nge Mudzimu.” Maroma 8:1.MKK 46.1

    Kune avo vakaziva ruregerero rwe rudo rwa Kristu, vanodisa chaizvo kuti wave vana va Mwari, asi vachivona kuti zvimiro zvavo hazvina kuperera, upenyu hwavo hwune mhosva, vogadzirira kupokana kuti zvimwe mwoyo yavo yaitwa mitsva here ne Mudzimu Unoyera. Kune vakadaro ndinoti, regai kudzokera sure ngekupererwa ne rusimbiro. Nguva zhinji tichazo pfugama pasi tichi chema pamakumbo a Jesu pamsana pekusa-kwanira kwedu nekutadza kwedu; asi tisapererwe ne simba. Kana tanyanya kukurirwa ne mhandu, hatina kurasva, hatina kusiiva kana kurambwa na Mwari. Akadaro Johane anodikanwa, “Ndiri kumunyorerai izvi zviro kuti musaite chitema. Kuti mumwe munhu achiita chitcma, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu vakarurama.” 1 Johane 2:1. Musakanganwe mazvi a Kristu, “Zvo Baba achimuda Iye mbune. Johane 16: 27. Anoda kumudzoserai kuna iye mbune, kuti avone kuchena kwake nekuyera kwake kuchipenya kwamuri. Zvino kana mukazvipira kwa Ari, Iye akavamba basa rakanaka kunemwi anozo-rifambisira mberi dakara pamusi va Jesu Kristu. Namatai makasimbirira; davirai ngekuzara. Apo tisingacha simbiri simba redu, ngatisimbire simba ra Mununuri, ndizvo tichamukudza Iye anova ndiye upenyu hwe kumeso kwedu.MKK 46.2

    Kunyanya kusedera uko unoita kuna Jesu, unozo zvivona zvikuru mhosva yako mu maziso ako; ngekuti chiratidzo chako chmozovoneseka pachena, nekusaperera kwako kunozovonekwa ngekupamhama kukuru pakuenzanisa ne kuperera kwechimiro Chake. Uvu ndivo umbovo hwekuti kunyengedza kwa Satani kwarasikirwa ne simba rake; kuti mweya unomutsa ve Mudzimu va Mwari urikukumutsa.MKK 47.1

    Hapana rudo rwakadzama rwa Mwari rungagare mu mwoyo usingavoni kunyangara kwavo. Mweya unongavapindurwa ne tsitsi dza Kristu unozo tarisa ngekufadzva chimiro chake chekudenga; asi kana tisingavoni urema hwe zviito zvedu zvekunatsa, umbovo husingakanganisiki hwekuti hatisati tavona kunaka ne kururama kwa Kristu.MKK 47.2

    Kana tikazvifunga zvishoma isu, tinozofunga zvikuru ne kuchena kusingaperi ne kunaka kwa Muponesi vedu. Kuzvivona kuipa kwedu kunoti tinhira kuna Iye anogona kuregerera, apo mweya uchinge vazvivona kushaya simba kwavo. Apo pfungwa dzedu nekushaya kwedu kuchinyanya kutitinhira kuna Iye ne ku Izvi ra Mwari, tinozova nepfungwa dzakatunhidzva dze chimiro chake, tinozobva tapenya tichipangidza nge kuzara mufananidzo Wake.MKK 47.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents