Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    KUZIVA MWARI

    Vazhinji inzira idzo Mwari anotsvaka nadzo kuzvizivisa kunesu nekuti kumbanidza naye. Simba rekubarwa naro rino taura mupfungwa dzedu kasingaperi. Mwoyo vakazaruka unobatwa ne rudo ne mbiri ya Mwari sekuratidzva kwemabasa emavoko Ake. Nzeve inoterera inganzve nekunzvisisa kutaura kwa Mwari kuburikidza ne zviro zvekubarwa. Minda mipfumbu, nemiti mirefu, pfumvudza ne maruva, nemakore anopfuura, mvura inonaya, rukova runopupuma mafuro, mbiri dzedenga, zvinotaura mu mwoyo yedu, zvichitikoka kuti tirovedzerane Naye akasikwa izvi zvese.MKK 62.1

    Muponesi vedu akasunganidza zvidzidzo zvake pamwe ne zviro zvekusika. Miti, shiri, maruva emurukova, makomo, nyanza, matenga akanaka, pamwe ne zviro zvinoitika muupenyu we mazuva ese zvakati tenderedza, zvese zvakasanganisva ne mazvi edi, kuti zvidzidzo zvake zvizoramba zvichitonderwa mupfungwa, kana pakati pe kubatikana kwe munhu ne basa rinorema.MKK 62.2

    Mwari anoda kuti vana Wake vafarire mabasa Ake, vafadzve ne zvakareruka, zvekunaka kwe runyararo izvo akashongedza nazvo musha ve pasi. Iye mudi ve zvakanaka, pamsoro pe zvese zvakanaka kunze anoda kunaka kwe chimiro; Anoda kuti tisakurire mu mwoyo yedu kuchena ne kugara kwe pachena, kururama kunyerere kwe maruva.MKK 62.3

    Dai tichiterera hedu, mabasa akasikwa naMwari, anozoti dzidzisa zvidzidzo zvinokosha zvekuterera nekusimbira. Asi nyenyedzi munzira dzadzo dzisina kutarwa mudenga, dzinofamba makore mu nzira dzadzo umo dzakamisirwa, dakara kune kadukuduku kadzo, zviro zvekusikwa zvinoterera kuda kwe Musiki. Ndizvo Mwari anochengeta zvese achisimbisa zvese izvo akasika. Iye anosimudzira nyika dzisinga verengeki pakati peuzhinji hwakadari, pekarepo achinangisa zve zvinonga zvichidikanwa ne ka njikenjike katsvuku (djese) kanoimba rwiyo rwako rwekuzvirereka kasingatyi. Apo vanhu vanoenda ku basa ravo rinorema, se apo vanonga vari mumunamato; apo vanorara usiku, ne apo vanomuka mangwanani; apo mupfumi anonga aine bira (chidyo) mudzimba dzake dze ushe, kana kuti apo murombo anonga achiunganidza vana wake patafura inezvekudya zvishoma, mumwe ne mumwe wavo anochengetwa nge unyoro na Baba vekudenga. Hapana musodzi unodonha ukasavonekwa na Mwari. Hapana kunyemwerera uko as inga nyori.MKK 62.4

    Dai tichimbodavira hedu ngekuzara izvi, kwese kutya kwe nhando kungadzingwe. Mwoyo yedu hainga zari nekushaya simba sa zvino; ngekuti chese, kana chive chikuru kana chiduku, chinga siive mu mavoko a Mwari, asinga kangaidzvi ngekuvanda kwe zvekuchengeta, kana kukurirwa nekurema. Takafanira kufara ngekuzorora kwe mweya uko vazhinji vari vaeni kunaiko.MKK 63.1

    Sezvo pfungwa dzako dzichifarira kudakadza kwe kunaka kwe pasi, funga ngezve pasi richauya, risinga zozivi hosha ye chitema nekufa; apo kumeso kwe kubarwa kusingazo-pfeki mubvuri ve chituko zve. Pfungwa dzako ngadzifungidzire mufananidzo ve musha ve vakaponesva, utondere zve kuti unozova vakanaka kupinda kufananidza uko unoita ive. Muzvipo zvakasiyana zva Mwari kune zvakabarwa tinovona kupenya kuduku duku kwe mbiri Yake. Kwakanyorwa kuti, “Ziso harisakavona, nzeve haisakanzva, hakusakapinda mu mwoyo ve munhu, izvo Mwari akagadzirira vanomuda.” 1 Wakorinte 2: 9.MKK 63.2

    Munyori ve zviro zvakanaka ne mudzidzi ve shiri, zvidyarwa, miti ne tumbuwu vane zviro zvizhinji zvekutaura ngezvakasikwa, asi mu Kristu ndiye anofadzva ne kunaka kwe pasi nge kunakidzva kukuru, ngekuti anovona zvakaitwa ne mavoko a Baba wake, achivona rudo Rwake mumaruva ne magwenzi ne mumiti. Hapana anonakidzva ngekuzara ngemakomo nemikana, ne ndwizi ne nyanza, asingazvinangisi se kutaura kwa Mwari nge rudo rwake ku munhu.MKK 63.3

    Mwari anotaura nesu kuburikidza nge mabasa Ake akagadzirirwa ne mweya ve Mudzimu Wake mu mwoyo. Muzviro zvedu zvakati tenderedza, muzviro zvemisi ne misi zvinopinduka, tingavane zvidzidzo zvinokosha kana mwoyo yedu yakazarukira kuti tizvivone. Muimbi akatevedzera mabasa akapiva na Mwari akati, “Nyika izere ne unyoro va Jehova.” Mapisarema 33: 5. “Aninani akachenjera achacherechedza zviro izvozvi, vachanzvisisa unyoro wa Jehova.” Mapisarema 107: 43.MKK 63.4

    Mwari anotaura kunesu mu Izvi Rake. Apa tine mitsara iripachena yekuratidzva kwe chimiro chake, yekuizvo anoita kumunhu, ne basa guru reruponeso. Apa pamberi pedu pakazarurwa nyaya dze madzi baba ekare ne va profeta ne vamwe vanhu vanoyera ve kare. Vakange vari vanhu “vanofanana nesu.” Jakobe 5: 17. Tinovona kuti varwisa sei mukati mekupererwa ne simba sekwedu vo, nekuti vakaputsikira pasi pe zviyedzo sei sezvo takaita vo, asi vakasimba mwoyo zve vakazokurira kuburikidza nge tsitsi dza Mwari; ngekunangisa, tinosimbisva mukuedza kwedu kwe mukururama. Apo tinoverenga ngezviito zvinokosha zvakapiva kwavari, mweya unovaudza unotapidza ranzi rinoyera rekuyedza kuita zvakanakisisa mu mwoyo yedu, nekuda kuti tive sa ivo muzvimiro — saivo mukufamba na Mwari.MKK 64.1

    Jesu akati mu Matsamba e Testamente ye Kare — Zvino ngezvedi rakadini mune Idzva—“Ndivo vanoita umbovo ndini” (Johane 5: 39), Mununuri Iye anova ndipo pane rusimbiro rwedu rwe upenyu wusingagumi. Hunde, Baiberi rese rinotaura ne zva Kristu. Kubvira pakunyorwa kwe kuvamba kwe kusikwa — ngekuti “Kunze kwake hapana chiro chakaitwa” (Johane 1:3) — kuchitsidzo chekupfiga, “Wona ndinokurumidza kuuya” (Kuratidza 22: 12), tirikuverenga nge mabasa Ake tichi terera ku Izvi Rake. Kana muchi rovedzerana na Muponesi, dzidzai Matsamba anoyera.MKK 64.2

    Zadza mwoyo vese ne mazvi a Mwari. Ivo imvura ye upenyu, anodzima nyota yako inopisa. Ivo chinkwa ehe upenyu chinobva kudenga. Jesu anoti, “Kuti musingadyi nyama ye Murumbwana ve munhu, ne kumwa ropa Rake, hamuna upenyu kunemwi. Anozvi tsanangura iye ngekuti, “Mazvi ayo ndiri kutaura kunemwi, ndivo Mudzimu ne upenyu.” Johane 6:53, 63. Miviri edu yakavakwa ne izvo tinodya ne kumwa, sekukotsa kwe zvekubarwa, ndizvozvo nekuchengeta kwake zve mweya: izvo tinofunga ndizvo zvinopa kukwadzana ne simba re mweya vekuberekwa kwedu.MKK 64.3

    Ngerosi dzinoda kwazvo kunangisa mu pfungwa huru dze ruponeso; runozova rudzidzo rwe zviro zvakasikwa ne rwiyo rwe vakaponesva kuburikidza mu makore asingaperi. Haru-enzaniri kunyaso fungwa ne kudzidzva here iko zvino? Tsitsi dzisingagumi ne rudo rwa Jesu, mupiro vakapirwa isu, zvinodaidza kufungisisa kunotyisa kwazvo. Takafanira kugara pachimiro ehe Mununuri vedu anodikanwa ne Mumiriri. Takafanira kufunga nge basa Rake Iye akauya kuzoponesa vanhu mu zvitema zvavo. Apo tinonga tichifunga ngezve kudenga, rudaviro rwedu ne rudo zvinozo kura ne simba, neminamato yedu inozoramba ichigashirwa kuna Mwari zvakanyanya, ngekuti zvinonga zvasangana-sangana kunyanya ne rudaviro ne rudo. Zvinozova zvine pfungwa ne kudisisa kwakasimba. Kunozova ne rusimbiro rwakanyanya kuna Jesu, nekugona kupenya kwe mazuva ese kwe simba Rake rekuponesa kukuru vanouya kuna Mwari kuburikidza Ndiye.MKK 65.1

    Apo tichifunga nge kuperera kwa Muponesi, tinozodisisa kuti tiitwe tiperere mukupindurirwa nekumutsidzirwa patsva mumufananidzo vekuchena Kwake. Kunozova ne nzara ne nyota yekuda kuva se mufananidzo Wake uyo tinopfugamira. Kunyanya kwe pfungwa dzedu kuna Kristu ndiko kunyanya kwedu kuzotaura ne vamwe nge zvake, nekumumirira mu pasi.MKK 65.2

    Baiberi harina kunyorerwa mudzidzi ve chikoro ega; kupesana naizvozvo, rakagadzirirwa vanhu nhando. Machokwadi makuru akafanira ruponeso anoisva pachena se masikati; hapana angarasike munzira yavo kunze kwe vanotevera pfungwa dzavo chete panzvimbo ye kutevera rudo ruri pachena rwa Mwari.MKK 65.3

    Hatina kufanira kunzva umbovo hwe mumwe mumhu kuti Matsamba anodzidzisa sei, asi takafanira kuzvidzidzira mazvi a Mwari pachedu isu. Kana tikabvumira vamwe kuti wave ndivo vanoti fungira, tinoremadza masimba edu nekugona kwedu kuno tsonga. Masimba ewushe epfungwa anozo pfupikisva ngekushaya kusandisva muzviro zvinova ndizvo zvakafanira kufungwa, dakara arasikirwe ne kugona kwavo mukubata kudzama kwe zvinotaurwa ne Izvi ra Mwari. Pfungwa dzinozo-kura kana dzichisandisva mukuteera kukwadzana kwe zvidzidzo zve Baiberi, kuyenzanisa matsamba ne matsamba, zviro zve mweya ne zviro zve mweya.MKK 65.4

    Hapana chiro chikuru chinosimbisa kufunga kunze kwe kudzidza Matsamba. Hapana zve rimwe buku rinesimba rekusimudzira pfungwa, kumutsidzira masimba, saivo mapamhi, mazvi edi ewushe hwe Baiberi. Dai Izvi ra Mwari richidzidzva sezvo rakafanira kuitwa, vanhu vangave ne pfungwa dzakapamhama, chimiro chakwirira, rugare rwakadzikama rusinga nyanyi kuvonekwa nguva dzino.MKK 66.1

    Asi pane kubatsirika kushoma zvako mukuverenga Matsamba ngekukasika. Mumwe angaverenga Baiberi rese kuripedza, asi achitadza kuvona kunaka kwaro kana kuzvisisa kutsanangura kwaro kwakavandika. Chidimbu chimwe chinodzidzva dakara chivonekwe pachena mupfungwa, nekufambirana kwacho ne zano reruponeso kuchiva pachena, zvirinane kunyanya pane kunanganidza matsamba mazhinji pasina icho unoda kuvona kana kurairwa kwakananga uko ungavane. Gara ne Biberi rako ive. Kana ukava ne nguva riverenge; chengeta matsamba mu musoro wako. Kana uchifamba mu migwagwa ungaverenge chitsauko, chiduku, vochifunga, ipapo unochisimbisa mupfungwa dzako.MKK 66.2

    Hatinga vani ungwaru kunze kwekuti tive nekudisisa kwe kunzvisisa nekudzidzira kwe munamato. Mamwe mativi e Matsamba zvirokwazvo anodudza kwazvo kwekuti haangatadzikunzvikwa; pane mamwe anekududzira kusipachena kuti kungavonekwe ngekunangisa kwe kuchewuka chete. Tsamba ngaienzamsve ne Tsamba. Ngakuve nekutsvakisisa kwakanaka nekuvona nge munamato, kudzidzira kwakadaro kunozo ripwa zvakapfuma. Sezvo mucheri ve mugodi achivana mutsara ve dare rinokosha vakavigwa pasi pevu, zvakadaro kuna iye anovavarira mukutsvaka Izvi ra Mwari se pfuma yekavigwa anovana idi re mutengo mukuru, rakavigwa kubva kune mutsvaki asinga nyaso tsvakisisi. Mazvi ekuudzirwa, achifungwa mu mwoyo, anozova se ndwizi dzinoverera kubva mutsime re upenyu.MKK 66.3

    Baiberi risambo dzidzve kusina KUNAMATA. Kutanga tisati tanzarura takafanira kukumbira rujeko rwe Mudzimu Unoyera, runozopiva. Apo Nathanieri akauya kuna Jesu, Muponesi akati, “Wonai mu Israeri vedi, asina kunyengedza!” Nathanieri akati, “Unondiziva ngenyi?” Jesu akapindura akati, ‘Filipe asati akudaidza, zvo vakange unpanyasi pe muwonde, ndakavona.” Johane 1: 47, 48. Jesu anozoti vona kana tiri munzvimbo dzakavandika dze kunamata, kana tika mutsvakira kupenya, kuti tizivc kuti idi chii. Ngerosi dzinobva kunyika yekupenya dzinozova ne avo vanoti nge mwoyo yekuzvideredza votsvaka kutungamirwa nge zviro zve mudenga.MKK 66.4

    Mudzimu Unoyera unokudza nekutunhidza Muponesi. Ibasa ravo re kupangidza Kristu, kuvana kwe kururama kwake, ne ruponeso rukuru urwo tinarwo kuburikidza na Iye. Jesu anoti, “Anogashira zvangu, anozvivonesa kunemwi.” Johane 16: 1 t. Mudzimu ve idi uyu ndiye mudzidzisi anobudirira ve idi rekudcnga. Mwari akafunga zvakanaka nge vanhu Wake, zvckuti akapira Murumbwana Wake kuti afire ivo, achimisa Mudzimu Unoyera kuti ave mudidzisi ve munhu mazuva esc ne mutungamiri.MKK 67.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents