Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    KUSHAYA KRISTU KWE MUNYANGADZI

    MUNHU pakutanga akapiva simba rakasimukira ne pfungwa dzakadzikama. Akange akaperera mukuitwa kwake, nemukukwa dzana na Mwari. Pfungwa dzake dzakange dzakachena, madonzo ake akange achiyera. Asi pamsana pekusaterera masimba ake akapanduka, kuzvida kwakatora zvimbo ye rudo. Chiro chake chakanyangara kuburikidza ne kutyora mutemo zvakadari kwekuti J'vakange zvisingacha itiki kuti iye, nesimba rake mbune, agone kukurira simba re chitema. Akaitwa mubatwa na Satani, zve angadai akaramba akadaro kudayi Mwari asina kuzo pinda pakati. Rakange ririzano re muyedzi kupedza zano rinoera rekusikwa kwe munhu, azadze pasi ne njodzi nekuti riwe dongo. Ndizvo azonongedzera kune kunyangara uku sekwakaitwa ngebasa ra Mwari rekusika munhu.MKK 11.1

    Muchimiro chake chisina chitema munhu ayizokwadzana ne rufaro Naye mu naiye kwakavandika pfuma dzese dze ungwaru nekuziva. Wakolosi 2:3. Asi mumasure me kutadza kwake, haana kuzovana rufaro mukuyera zve ba, akatsvaka kuvanda kubva pamberi pa Mwari. Ici ndicho chichichimiro ehe mwoyo usati wa itwa mutswa. Hauwirirani na Mwari, ndizvo hauwani rufaro pakukwadzana Naye. Munyangadzi, haangafari pamberi pa Mwari; angazvi gonye kubva kune zvese zvisikwa zvitsvene zvese. Kuti angabvumirwe kupinda denga, hari ngawe nerufaro kuna iye. Mweya vekusazvida unotonga ikoko — wese mwoyo uchidawira kune mwoyo we Rudo rusinga gumi — hauzobati ngoi isingariri mumwoyo wake. Pfungwa dzake, zvinomufadza, wa ne mwoyo wake, zvingave se hweni kune zvino sunda vagari voikoko vasina zvitema. Angave munyangadzi ve rwiyo runonga ruchi imbwa kudenga. Denga ringawe kwaari nzvimbo yekushushwa; angadisise kuvanda kubva kuna Iye anova ndiye kupenya kwa ikoko, anova ndiye donzo rerufaroyo. Handimutemo wekutonga kwa Mwari ega pachake kuti asiye vanyangadzi kunze kwe denga; vanopfigirwa kunze pamsana pekusafanira kwavo mukuvirirana nezvekudenga. Mbiri ya Mwari ingawe kwawari mwoto unoparadza. Wangafarire kuparadzva kuti vawigwe pamberi pe usu hwa Iye akafira kuva nunura.MKK 11.2

    Hazviitiki kunesu, pachedu mbune, kuti titize kubva mugomba rechitema umo takanyudzwa. Mwoyo yedu yakanyangara, hatinga goni kuipindura. “Ndiani angabuditse chakachena kubva mune chisina kuchenga? hakuna.” “Pfungwa dze nyama imhandu kuna Mwari: Zvo dzisinga tereri mutemo va Mwari, hadzikwanisi.” Jobo 14:4; Maroma 8:7. Kudzidza, rugare rwakanaka, kuita kuda kwe pfungwa, kuyedza kwe munhu, zwese zvine nzvimbo yazvo, asi apa hazvina simbaba. Zvinga pangidze kunaka kwezviito zvekunze, asi hazvinga goni kupindura mwoyo ba; hazvinga goni kuchenura matsime e upenyu. Kwaka fanira kuwa ne simba rinosanda kubva ne mukati, upenyu hwutswa hwunobva kumusoro, kutanga vanhu vasati vapindurwa kubva muchitema kuyenda mukuera. Simba iro ndi Kristu. Tsitsi dzake dzega dzinoita masimba emweya akafa apone, dziupfuwire kuna Mwari, ne kune kuyera. Muponesi akati, “Kuti munhu asingabarwi kubva zwe kudenga, kunze kwekuti agashire mwoyo mutsva, kudisisa kutsva, zvimiso, ne simba rinosunda idzva, ne kuenda ku upenyu utsva, “haanga one umambo hwa Mwari.” Johane 3: 3, kumucheto. Pfungwa dzekuti kwakafanira kukudzva izvo zvakanaka zviwanikwa chete zviri mumunhu ngenyama kunyengedzwa kuno unza rufo. Asi munhu we nyama haagashiri zviro zve Mudzimu va Mwari: zvo zviri nhando kuna iye; haangazviziwi, zvo zvichi oneswa ne Mweya. Usa shamiswe zvo ndati kunewe, maka fanira kubarwa zve.” 1 Wakorinte 2: 14; Johane 3:7. Na Kristu kwakanyorwa kuti, “Muna Iye maiwane upenyu; upenyu hwakange hwuri kujeka kwe vanhu,” “Zita rimwe basi panyasi pe denga rakapiva kune vanhu, iro tinga poniswe ndiro.” Johane 1:4Mabasa 4: 12.MKK 12.1

    Hazvikwani kuona mutsa verudo wa Mwari, kuona kunaka, kunyorova kwe ubaba, kwe chimiro Chake. Hazvikwani kuona ungwaru ne kururama kwe mutemo Vake, kuona kuti vakavakwa pamsoro pe mutemo usinga peri ve rudo. Pauro mu postori akazvivona zvese izvi apo akadaidzira achiti, “Ndinobvumira kumu- temo kuti vakanaka. Mutemo unoyera, nezvikohomedzo zvinoyera, zvakarurama, zvakanaka.” Asi akawedzera zve mukurwadziva ne kupererwa ne simba kwe mweya vake, “Ndiri we nyama, ndakatengeswa mu chitema.” Maroma 7: 16, 12: 14. Ayidisisa kuchena, ne kururama, izvo iye pachake mbune akange asingagoni kuzviwanira, akachema, “Ndiri munhu anotambudzika! Ndiani anondisunungura mumuwiri we uku kufa?” Maroma 7: 24, kumucheto. Kuchema kwakadari kwemwoyo yakaremerwa ne mitoro kwakwira kudenga kuchibva kune nyika dzese ne mumakore ese. Kune vese kune mhinduro imwe chete, “onanyi nyenye ya Mwari inobvisa zvitema-zvepasi.” Johane 1: 29.MKK 12.2

    Mifananidzo mizhinji iyo Mweya wa Mwari unotsvaka nayo kupangidza idi, kuti zviwe pachena kune mweya inodisisa kusununguka kubva mumutoro we mhosva. Mumasure mechitema chekunyengedza Isau Jakobe akatiza kubva pamusha pa baba vake, akaremerwa ne pfungwa ye mhoswa. Kusurukirwa ne kuwa araswa sezvo anga ari, atsaukaniswa ne vese zvaita upenyu hwake hunake, pfungwa imwe chete kukunda dzese yakange yakamutsimbidzira mweya vake kutya kuti chitema chake chamutsaukanisa kubva kuna Mwari, kuti asiiva ne denga. Muurombo akarara pasi kuzorora, akange akatenderedzwa ne makomo asina chinofadza musoro, ma denga nenyenyedzi dzinopenya. Apo akarara, kupenya kunoshamisa kwaka onekwa muchiratidzo chake; ona, kubva mubani umo akange akarara, mimvuri ye madanho yakange ichi tarisika sekunge ino svikira kumazambarayo e kudenga, pamsoro pavo ngerosi dza Mwari dzakange dzichikwira dzimwe dzichidzika; kubva kumbiri ye kudenga, izwi rekudenga rakanzvikwa riine runyaradzo ne rusimbiso. Ndizvo kwakaziwiswa kuna Jakobe izvo zvakasangana ne izvo mweya vake vange uchitswaka ne kudisa — Muponesi. Ne rufaro nekutenda akaona nzira yakapangidzwa iyo iye, munyangadzi, akange achadzoserwa nayo mukukumbana na Mwari zve. Danho rakavandika iri rehopedzavo ra mirira Jesu, anova ndiye musanganisi chete pakati pa Mwari ne munhu.MKK 13.1

    Uyu ndivo mufananidzo uyo Kristu akataura mu nyaya yake na Nathanaeli, apo akati, “Mucha ona denga rakazaruka, ne ngi- rosi dza Mwari dzichi kwira, dzichi dzika ku Murumbwana we munhu.” Johane 1: 51. Mukurasika munhu akazvi ita vekunze kuna Mwari; pasi ragurwa kubva kudenga. Pamukana vakange uri pakati kwange kusisina kukumbana zve. Asi kubudikidza na Kristu pasi rasanganiswa zve ne denga. Nekunaka kwake Kristu akaisa zambuko pamukana uya Vakaitwa ne chitema, zvino ngirosi dzinosanda dzinga gone kukumbana ne munhu. Kristu anosanganisa munhu akaputsika, muunyoro hwake nemukushaya rubatsiro kwake, ne Chisipiti ehe simba risinga peri.MKK 13.2

    Kurota kwemunhu kwe ku budirira ngekwe nhando masimba ese ekuyedza kusimudzira munhu, ngenhando kana vasina hanya ne chisipiti cherusimbiro ne rubatsiro rwe rudzi rwakaputsika. “Zvese zvipo zvakarurama nekuperera (Jokobe 1:17). Zvinobva kuna Mwari. Hapana kuperera kwe chokwadi kwe chimiro chisingabvi kuna Iye. Nzira bedzi yekuna Mwari ndi Kristu chete. Iye anoti, “Ini ndiri nzira, idi, ne upenyu, hapana munhu anouya kuna Baba asi ndini.” Johane 14: 6.MKK 14.1

    Mwoyo va Mwari unosuwira vana vake ve pasi ngerudo rwakasimba kupinda rufu. Pakupira Mwanakomana vake, akadururira kunesu denga rese muchipo chimwe. Upenyu hwa Muponesi nc rufu, nekumirira pakati, rusando rwe ngirosi, kunyengerera kwe Mweya, kusanda pamusoro kwa Baba nekuburikidza ne zvese, kufadzwa kusingagumi kwe zvisikwa zvekudenga dzese dzakarongerwa ruponeso rwe munhu.MKK 14.2

    O, ngatinangise tifunge ne mupiro unoshamisa vakapirwa isu! Ngati edze kufadzwa nge basa ne simba riri kuitwa ne denga rekudzosa vakarasika, kuti vadzoke ku umba kwa Baba. Zvimiso nezvinosandiswa zvine simba kunyanya, hazvingakwanisi kuita basa ba; mibairo inopfurikidza yekuita zvakanaka, rufaro rwe kudenga, kugara pamwe ne ngirosi, kukumbana pamwe ne rudo rwa Mwari ne Mwanakomana vake, kusimudzirwa nekukanganiswa kwe masimba edu kuburikidza mumakore asingagumi. Izvi hazvisi zvingati chiwidze nekuti sunda kutishingisa kuti tipe rudo rwe mwoyo kune musiki ne Mununuri vedu here?MKK 14.3

    Zve, neimwe nzira, kutonga kwa Mwari kwakataurwa kukana nc chitema, kupangirwa kusinga regwi, kudzikisirwa kwe chimiro chedu, nekuparadzwa kwe kupedzisira, zviri mu Izvi ra Mwari kuti nyewera kubva murusando rwa Satani.MKK 14.4

    Tingarege kuva ne hanya ne mutsa va Mwari here? Chinyi chimwe zve icho angaita? Ngatizvi batanidze ukama na Iye akatida ngerudo runoshamisa zvakadari. Ngati tore izvo akatigadzirira kuti tipindurirwe mumufananidzo vake, tidzorerwe mu ukama ne ngirosi dzinosanda, mukunzvana nemukukumbana pamwe na Baba ne Murumbwana.MKK 15.1

    *****

    “Ndakanzva rudo nvake, rudo rune samba
    Unvo munhu venyama akambo nzwa.
    O, nvakakwevera mweya vangu kumsoro senyi,
    Ruka nyungurutsa mwoyo vangu mukukutu!
    Mutoro vangu patsoka dzake ndaka radzika.
    Ndikaziva rufaro rwe kudenga,
    Apo munzewe yangu inoda Akataura
    Izvi rakakomborerwa, “Varegererwa!”
    MKK 15.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents