Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Njodzi

    Vaya vanoramba huwepo hwaSatani nengirozi dzake ndivo vatori munjodzi huru kwazvo. Vazhinji vanotevera kufemera kwemaonero emweya yakaipa vachifunga kuti van kutevera miono yenjere dzavo. Patinosebera kumagumo enguva, apo Satani anondoshanda nesimba guru rekunyengera, anokusha kwese kwese kutenda kunoti Satani haako. Maiitiro ake kuzvivanza iye nemitoo yose yekashandiro kake.TaH 24.7

    Munyengeri mukuru uyu anotya kuti tichajairana nekuzivavo kashandiro kemazano ake. Naizvozvo kuitira kuti zvisazivikanwe Satani anokonzera kuti vanotaura chokawdi nezvake vasekwe sevasina kukwana. Anofarira kunzi ane chimiro sechenjuzu kana sechechimwe chipuka chinotyisa kutarisa. Anofarira kunzwa zita rake richishandiswa kumitambo uye mujeye risina basa. Nokuti wakazvivanza nehutandi hukuru, mubvunzo unobvunzwa ndewekuti, ” Chipuka chakadai chinomboriko here?”. Iyi imhaka yekuti Satani anogara atotungamira mifungo yeavo vasingafungi nezvekuti kune kunyengerwa. Asi shoko raMwari ndiro rinotiisira pachena mauto ake nemaitiro ake akahwanda kuti tive vakachengeteka.TaH 25.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents