Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 1—Sei Kuine Matambudziko?

    Vazhinji vanoona mabasa ezvakaipa nekuparadza kwavo kwose vobvunza kuti izvi zvingagara sei pasi pehushe hwakaringana hwavaMasimba ose, iye chitubu chesimba nerudo. Vaya vajairira kupokana vanobva vazvivanira mukana wekutoramba shoko raMwari, Bhaiberi. Tsika namagariro edu zvakasangana nekukundikana kududzira magwaro zvabwitirira kudzidzisa kweBhaiberi pamusoro pechimiro chaMwari chaicho, mamiriro ehurumende yake nezvimiso zvekashandire kaanoita maererano nechitema.TaH 5.1

    Hazvigoneki zvachose kutsanangura manyuko echitema kuti tipe chikonzero chekutanga kwacho. Zvinotogoneka chete kuziva zvishoma zvakafanira tsanangudzo yekatangiro nekaperero kechivi kuti kupa nekuenzanisa kwaMwari kwakazara kuratidzwe, kuonekwe navose. Mwari haasiye akaita kuti kuve nechivi, uye haana kutishaisa nekutinyima nyasha dzake nokuti muhurumende yedenga hamuna chakashaikwamo chingangodai chakakonzeresa hupanduki. Chivi chinhu chakangozviwanirawo nzvimbo chisingatarisirwe. Hapana anogona kutsanangura nekupa chikonzero chekuvapo kwechivi. Kugona kutsanangura chivi nemanyuko acho kutochitsigira. Kuwanikwa kwechikonzero netsigiro yechivi zvinokonzera kuti chivi chibve charega kuva chivi zvachose. Chivi kushanda kwetsika inopesana nemutemo werudo hunowa nheyo yehurumende yedenga.TaH 5.2

    Chivi chisati chavepo kwaive nemufaro nerunyararo mupasi nedenga rose. Rudo kuna Mwari hwaive chinhu chaitonga uye rudo kumunhu nemunhu hwaive hwemandorokwati. Kristu, mwanakomana mumwe oga waMwari aive pamwe chete naMwari pachimiro chake, hunhu nechinangwa. Ndiye chete aibvumidzwa kupinda mumatare edenga nemuzvinangwa zvaMwari. “Zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviri kudenga, zvingave zviri zvigaro zvoushe, hutungamiri nemasimba” (Vakorose 1:16). Mutemo werudo uyo uri nheyo yehushe hwaMwari, kufara kwezvisikwa zvose zvaipona nemutemo wekururama kwaMwari. Mwari haafariri kuteerera kwekumanikidzwa. Anopa vose mukana wekuteerera kwekuzvisarudzira kuitira kuti vamushumire nechido chavo.TaH 6.1

    Zvakadaro, kwakave nemumwe akasarudza kudzongonyedza rusununguko urwu. Ndiye akatanga nechivi, iyeye aive pedyo-pedyo naKristu uye achikudzwa naMwari. Asati adonha Rusifa ndiye aive mukuru wemakerubi ekufukidzira areka, uye aive mutsvene asina gwapa. “Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari: Zvanzi naShe Jehova: Iwe wekuisa chisimbiso chako pachieyero, uzere nehuchenjeri, wakakwana pakunaka. Wakanga uri paEdeni mumunda waMwari. Wakanga wakafukidzwa namabwe anokosha amarudzi ose, anoti sardio, netopasi nedaimani neberiri neonikisi, nejaspiri nesafíri nesmaragdino nekarbunkuri; ngoma dzako nenyere dzako dzakanga dzakaitwa nendarama mukati mako, zvakagadzirwa nezuva rokusikwa kwako. Iwe wakanga uri kerubi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifambafamba pakati pamabwe omwoto. Wakanga wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako. Nokuwanda kokushambadzira kwako wakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza, naizvozvo ndakakudzinga pagoma raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza iwe kerubi raifukidzira areka ndikakubvisa pakati-pamabwe omwoto. Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza uchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako, ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone”. ” Iwe wakati mumwoyo mako: Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumuso-soro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo revungano, pamigumo yamativi okumusoro; ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusorosoro ( Eze 28:12- 17,6; Isa 14:13-14). TaH 6.2

    Mukuchiva mbiri nerukudzo zvainge zvaiswa naMwari muMwanakomana wake, iyeyu mukuru wengirozi akadisisa kukwira manera emasimba aive aKristu chete. Kachimedu kekudzongonyedza kakabva kanyonganisa rugare rwakaisvonaka rwaive mudenga. Kuzvikudza kwakamutsa nhungamiri yezvakaipa mupfungwa dzaigara dzizere hushe hwaMwari chete. Matare edenga akanyengetedza Rusifa. Mwana waMwari akamuratidza unaku nekururamisira kweMusiki, uye nekuyera kwemutemo wake. Mukutama kubva kwairi, uyu Rusifa aizoshora Musiki wake nekuzviparadza iye. Asi yambiro iyi yakatokonzera kusindimara. Rusifa akabvumira godo raJesu kuti ritonge. Kuzvikudza kwaRusifa kwakadiridzira chidiso chehushe. Rukudzo rukuru nehutungamiri hwainge hwakapuhwa kuna Rusifa hazvina kumupa pfungwa dzekutenda musiki wake. Aitoshuwira kuzvienzanisa naMwari kunyangwe mwana waMwari aive ndiye aizivikanwa nekugamuchirwa nedenga rose, mumwe pamwe naMwari mumasimba nerukudzo rwekutonga. Kristu ndiye aikoverana nevese vematare edenga ose asi Rusifa aisabvumirwa kupinda muzvinangwa zvehurumende yedenga. “Nei?” ngirozi huru iyi yakabvunza, ” Ko Kristu anofanira kuwana rukudzo nehumambo here? Nei achikudzwa zvikuru kudaro kukunda Rusifa?’TaH 7.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents