Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Magumo Ekutambudzika

    “Avo vakanzi vakakodzera rumuko rwehupenyu vakaropafadzwa uye vatsvene. Rufu rwechipiri haruna simba kune ava” ( Ruka 20:35; Zvaka 20:6). Asi vasina kugamuchira dzikinuro yaJesu kubudikidza nekutendeuka nekutenda vanofanira kugamuchira tuso rechivi, murango wakaenderana nemabasa avo, zvondoperera murufu rwechipiri. Sezvazvisingaite kuti Mwari aponese mutadzi muzvivi zvake, anomutadzisawo kurarama hupenyu uhwo hwaakatorerwa nekudarika kwake murairo. Izvi ndizvo zvakatoratidza kare kusakodzera kwake. “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; Zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara asi haachazovipo”. ” Nokuti sezvamakanwa pagomo rangu dzvene saizvozvo marudzi ose acharamba achinwa; zvirokwazvo vachanwa nokumedza, vachaita savasina-kumbovapo” ( Mapisa 37; 10; Obadia 16).TaH 44.1

    Ndiwo achawa magumo echivi. ” Makatuka vahedeni, makaparadza vakaipa. Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri. Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; makaparadza maguta avo, nechiyevudzo chavo chakaparara” ( Mapisa 9: 5-6). Muna Zvakazarurwa, Johani akanzwa kuimba kwekurumbidza pasina kunyonganiswa. Hapana vakaparadzwa vakanzwika vachigomera mukutambudzwa kusingaperi( mugehena). Hakuna vakaipa vanenge vari mugehena vangasanganisa kuungudza kwavo nedzimbo dzevakaponeswa.TaH 44.2

    Pamusoro penhema dzekuti munhu haangafi zvirokwazvo ndipo panozembera dzidziso yekuti munhu anoramba ari mupenyu kunyange afa. Sekurwadzwa nekusingaperi, izvi zvinopokana nemagwaro, kupfungwa dzinoshanda zvakanaka uye kukunzwa kwedu sevanhu. Dzidziso dzakajairika dzinoti vakadzikinurwa vedenga vanokoverana nezvese zvinoitika pano pasi. Asi zvakadai zvingazovafadza sei kuti ivo van mudenga vaone pamwe nekuziva kushungurudzwa kwevakaipa? Zvakatsauka sei kutenda kuti mweya paunosiya muviri wemunhu, mweya wemutadzi unobva waiswa murimi remwoto wegehena!TaH 44.3

    Rugwaro runoti kudiniko? Munhu haana chaanoziva murufu...” Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera”. ” Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubairo havachina; nokuti havacharangarirwi. Rudo rwavo nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachinomugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva”. ” Nokuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu. Mupenyu, mupenyu ndiye achakuvongai, sezvandinoita nhasi, baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu”. ” Nokuti parufu hapana achakurangarirai. Ndiani uchakuvongai paSheori” ( Mapisa 146:4; Mupa 9:5-6; Isaya 38; 18-19; Mapisa 6:5).TaH 45.1

    Petro, pazuva re Pentecost akati, ” Varume hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Davidi, kuti vakafa vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi. Nokuti Davidi haana kukwira kudenga, asi unoti amene: Gara kurudyi rwangu...” (Mabasa 2: 29,34). Chimiro chekuti Davidi achiri muguva rake nanhasi kusvikira murumuko zvinoburitsa pachena kuti vatsvene havaendi kudenga pakufa kwavo.TaH 45.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents