Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 5—Tariro Yenhema

    Dzidziso dzekusafa kwemutadzi dzakatorwa kudzidzo dzemagariro netsika dzavanhu uye kubva murima rekutama kwekare kubva pachokwadi zvobva zvakumbanidzwa nechitendero chechiKristu. Ndizvo zvakatanga kubvisa chokwadi chinoti “vakafa havana chavanoziva” ( Mupa 9:5). Vazhinji vanotenda kuti mweya yevafí ndiyo “inoshanda semweya yakatumwa kuzoshumira avo vachava vadyi venhaka yeruponeso”( vaHebe 1:14).TaH 49.1

    Kutenda kwekuti mweya yevakafa inodzoka kunoshumira vapenyu kwagadzira hwaro hwezvemweya-mweya mukunamatwa kwanhasi kwakatsauka. Kana vakafa vaine ruzivo runopfuura rwavaimbova narwo kare vanotadza sei kudzoka panyika kuzodzidzisa vari panyika? Kana mweya yevafi ichigaririra pamusoro pehama dzavo panyika, sei vasingatauri navo? Vanhu vanotenda kuti vakafa vanoramba vachiziva varorambirei chiedza chedenga? Apa ndipo pakaiswa nzira iyo Satani anoshanda nayo. Ngirozi dzakawa dzinouya sevatumwa vabva munyikadzimu. Muchinda wezvakaipa ane simba rekuunza pamberi pavanhu chimiro cheshamwari dzakatisiya. Kuratidza kwacho kunoita sechaizvoizvo zvichibuditsa zvimiro zvakafanana nezviri kumiririrwa. Vazhinji vanonyaradzwa negutsikano yekuti vadiwa wavo warikufara kudenga. Pasina kufungidzirwa kwezvakaipa vanoteera “dzidziso dzemweya inonyengera nedzaSatani”( 1 Tim 4:1). Mweya iyi inoratidza sokunge avo vakapinda mumakuva vasina kugadzirira vanoita sokunge vanofara uye sekuti vave nezvinzvimbo zvirinane kudenga. Mweya iyi inoitazve sokunge vakafa vamuka youya yoreva yambiro dzinotovewo dzechokwadi. Zvino kana vanhu vovimba nemweya yakaipa iyi vachiti ihama dzakafa dzikadzoka vanoudzwa dzidziso dzinoshora magwaro aMwari. Chimiso chekuti mweya iyi inomboreva chokwadi uye kumbotauravo zvichaitika izvo zvozoitikawo saizvozvo zvinokonzera kuti vanhu vavimbe nemweya iyi, manyepo ayo otogamuchirwa.TaH 49.2

    Murairo waMwari unoraswa pasi, mweya wenyasha wozvidzwa. Mweya iyi inoramba kuti Kristu ndiMwari, yobva yamuti mumwe akaenzana navo. Hongu ichokwadi kuti tuso rekunyengera rinogamuchirwa sevanhu vamuka kuvakafa panewo zvechokwadi zvinoratidzwa naSatani nengirozi dzake. Vazhinji vanofunga kuti zvemweya yakaipa zvinongovewo zvedambe. Kana vasangana nemasimba aya votadza kuanzwisisa vanobva Vonyengerwa vototi aya masimba makuru aMwari.TaH 50.1

    Nokubatsirwa naSatani, n'anga dzaFaro dzakaitawo nohuchenjeri sezvakada kufanana nezvakaitwa naMwari( Exo 10:12). Pauro unopupura kuti kuuya kwaShe kuchatangirwa nemabasa aSatani, nesimba, nezviratidzo nezvishamiso, uye nekunyengera kwokusarurama kwose ( 2 Tes 2:9,10). Johani anotiwo” Chinoita zviratidzo zvokuti chinoburutsa mwoto kubva kudenga pamberi pavanhu, kuti chinyengere vanogara panyika kubudikidza nezvishamiso zvaanoita nesimba rake (Zvaka 13:13-14). Vanhu vanonyengerwa chaizvo nezvishamiso zvinoitwa nevatumwa vaSatani, izvo zvavanoita chaizvo kwete sekunge vanozviita.TaH 50.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents