Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Vateveri Vechokwadi vaKristu

    Kune vateveri vaKristu vechokwadi mukereke ino kanapo zvazvo tiri munguva yekuderera kwekutenda pasi rose. Rutongo rukuru rusati rwavira vanhu panyika kuchavapo nekumutsiridzwa kukuru kwechinamato chekare kusati kwamboonekwa kubva munguva yevaapostora muvateveri vaKristu. Mweya waMwari uchadururwa. Vazhinji vachabuda mumakereke musisina rudo rwaMwari nekuremekedzwa kweshoko rake nokuti munenge muzere rudo rwezvinhu zveparino pasi chete. Vafundisi vazhinji nevamwe vatendi vachagamuchira nomufaro zvokwadi iyo ichagadzirira vose kuuya kwaJesu kwepiri.TaH 60.1

    Muvengi vedu anoda kutadzisa basa iri, uye asati aita izvozvo uchatanga nekuunzawo zvinopesana nezvaKristu asi zvichiita sezvaKristu. Mumakereke maanogona kutapa achaita kuti zviite sekuti zvikomborero zvaMwari zvakasanangurika zviri kudururwa. Ruzhinji ruchafarira ruchiti ndiMwari arikushanda zvinoshamisa, asi iri rinenge riri basa remumwe mweya. Satani achatsvaga kuwedzera konzereso yake mumakereke mazhinji kubudikidza nekuhwanda kukuru. Mumarumutsiriro akadai munewo kungonzwa manyuku-nyuku, kusanganiswa kwezvokwadi nenhema zvichiitirwa kutsausa vatendi. Zvakadaro, mukuverengwa kweshoko raMwari tinokurumidza kuona chimiro chezviitiko izvi. Pose panotsauka munhu kubva mushoko raMwari riripachena iro rinodaidzira kuti tizvirambe, anofanira kuziva kuti Mwari haakomboreri vakadai. ” Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato?” ( Mateo 7:16), zvinoratidza kuti zviitiko izvi hazviziri basa remweya waMwari.TaH 60.2

    Zvokwadi yeshoko raMwari chidzitiro kubva mumano aSatani. Kuramba chokwadi ichi kwazarura masuvo kune zvakaipa zvadai kutekeshera munyika. Kukosha kwemitemo yaMwari kwaraswa kwazvo. Kusanzwisisa mitemo yaMwari kwakonzera kurasika pakutendeuka nekutsveneswa, zvoderedza chimiro chehutsvene. Apa ndipo pachawanikwa chakavanzikwa chekushaikwa kwemweya werumutsiriro munguva yedu.TaH 61.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents