Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Luther anopa Muenzaniso weKuwana Kanganwiro neRuponeso

    Chidiso chekuwana Mwari chakaita kuti Luther azvipire kundogara kukereke saFata. Apa aifanira kurarama hupenyu hwunosiririsa nehurombo, achipemha zvekudya mudzimba dzevanhu. Akashingirira kuita izvi nekutivira kwose achitenda kuti zvaikodzera nokuda kwezvivi zvake.TaH 63.2

    Akararama hupenyu hwechitendero achitsanya uye nekurohwa kuti ave mutsvene atanga adzvanyirira zvakaipa zvekasikirwe kedu. Akazoti pave paya, ” Kana Fata achipinda denga nokuda kwemabasa ake aya ini ndaifanirwa kunge ndakatopindamo kare... dai zvainge zvakaenderera mberi zvishoma ndaingadai ndakaramba ndichizvikuvadza kusvikira murufu”. Atambura kudaro mitoro yake haina kusunungurwa. Akazopedzisira asvitswa pamhenderekedzo yekushaiwa zano.TaH 63.3

    Pazvakaratidza kuti zvose zvakanga zvashaya basa Mwari wakamumutsira shamwari. Staupitz akazarira Luther shoko raMwari ndokumukurudzira kuti arege kuzvitarira asi kuti atarire kuna Jesu. ” Pakuzvikuvadza kuti uregererwe zvivi, zvikande mumawoko emudzikuniri. Vimbawo naye, mukururama kwehupenyu hwake, mukuregerera nekuchenura kwerufu rwake...Mwanakomana waMwari... akava munhu kuitira kuti uwane nyasha dzedenga... umude iye akatanga kukuda iwe”. Mashoko aya akava mushonga mumifungo yaLuther. Rugare rwakauya mumwoyo make.TaH 64.1

    Pamberi, inzwi raLuther rakanzwika pahamende richiyambira vazhinji. Akaratidza vanhu hukasha hwechivi uye kuti munhu haagoni kuderedza mhosva dzechivi kana kunzvenga murango wacho kubudikidza namabasa ake. Kutendeuka, nekutenda kunaMwari ndizvo chete zvinogona kuponesa mutadzi. Nyasha dzakristu hadzigoni kutengwa, asi kuti chipo. Akanyevera vanhu kuti varege kubhara man kuti varegererwe( indulgencies) asi kuti vatarire nekutenda kuna iye mudzikinuri akaroverwa. Luther akavaudza kararamire kaainge aita akavaratidza kuti akazowana rugare nemufaro kuburikidza nekutenda munaKristu.TaH 64.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents