Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Basa reKutanga rePamusoro-soro

    Hazvina kukwana kuve nezvinangwa zvakanaka kuita zvawaudzwa namufundisi kana zvaunofunga kuti zvakarurama. Munhu anofanira kutsvaga magwaro amene aone kutungamirira kwaanoitwa neshoko kuenda kudenga. Haafaniri kukahadzika.TaH 76.3

    Iri ndiro basa rakakwirira uye rekutanga remunhu wese kuti azive kubva mumagwaro kuti chokwadi chii wofamba machiri uye achikurudzirawo vamwe kuita saizvozvo. Tinofanira kuzvisarudzira sezvo tichazozvidavirirawo.TaH 76.4

    Vanhu vakadzidza kwazvo vonodzidzisa kuti magwaro ane zvizhinji zvakayanzika zvaanoreva zvisingazivikanwi nemunhuwo zvake. Ava vadzidzisi venhema chaivo. Mutauro weBaiberi unofanira kutsanangurwa sezvaunoreva zvakajeka kudaro kunze kwekuti kana pakashandiswa chiporofiti. Vanhu vakatora Baiberi nenzira yakanaka seyatareva apa vazhinji vanga vachirasika murima vachaunzwa kunaKristu.TaH 77.1

    Mamwe magwaro anonzi nevakadzidza haana basa azere nekunyaradza avo vakadzidza muchikoro chaKristu. Kunzwisisa Baiberi hakudi simba renjere kuti arinzwisise asi kuti munhu ave nechinangwa chimwe chete nemwoyo unodokwairira kururama.TaH 77.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents