Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Matuso eKurega kuNamata neKuverenga Baiberi.

    Baiberi harifaniri kuverengwa pasina munamato. Mweya Mutsvene ndiwo chete unokwanisa kutifemera kuti tinzwisise zviri nyore nekuti tirege kumonyorora magwaro. Ngirozi dzedenga dzinogadzira mwoyo yedu kuti inzwisise shoko raMwari. Tichakwezverwa kwariri nerunako rwaro tosimbiswa nevimbiso dzaro. Miyedzo inoratidza sekunonzi haikundiki nokuti muyedzwi anokanganwa vimbiso yaMwari kuti apindure Satani sezvinorehwa nevimbiso dziri muBaiberi. Ngirozi dzaMwari dzinokomberedza vanoda zvavo kudzidziswa uye dzinotondedza vanoda zvavo kutondedzwa zvokwadi yaShe.TaH 77.3

    ” Achakudzidzisai zvose, nokukuyeudzirai zvose zvandakareva kwamuri” (Johani 14:26). Asi dzidziso yaKristu inofanira kunge yakatochengetwa mundangariro kuitira kuti Mweya Mutsvene uzotitondedza munguva yedambudziko.TaH 77.4

    Magumo evazhinji vakarasika ave pedyo. Mutendi wese anofanira kubvunza, “Tenzi, munoda kuti ndiitei?” (Mabasa 9:6). Tinofanira kutsvaga hupenyu hwakadzika midzi muzvinhu zvaMwari. Hatina nguva yekutambisa. Tiri munzvimbo yakateiwa miteyo mizhinji yaSatani, naizvozvo varindi vaShe musarare!TaH 78.1

    Vazhinji vanozvikorokotedza mukurega kuita zvakaipa. Kuva miti iri mubindu raMwari hakuna kukwana. Vanofanira kubereka michero. Mumabhuku edenga vanonyorwa semiti inotadzira pasi. Zvakadaro, mwoyo murefu waMwari unongoramba uchinyengetedza vose vanoshaiwa hanya netsitsi dzaMwari.TaH 78.2

    Munguva yezhizha miti yose inoratidza kufanana asi kana chando chazosvika miti mimwe yose inorasikirwa nemashizha ose kunze kweiya yakagara iri yemashizha enguva dzose. Regai matambudziko neruvengo zviuye, ndipo panozoneta uye kurasikirwa nekutenda kwevaya vane mwoyo isina kutenda kweidi. Asi mutendi wechokwadi uchamira, rutendo rwake rwobva rwasimba, tariro yopenya kudarika mazuva erugare. ” Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achawa matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko” ( Jer 17:8).TaH 78.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents