Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 9—Tariro Chaiyo

    Vimbiso yekuuya kwaKristu kuzopedzisa basa guru redzikinuro ndiro dingindira remagwaro anoera. Kubva muEdeni , vana vekutenda vairindira kuuya kweakavimbiswa uyu kuzovadzorera muParadiso Yavainge varasikirwa nayo.TaH 87.1

    Inoki wechinomwe kubva pavagari vemuEdeni uyo akafamba naMwari kwemazana matatu emakore akati, ” ... Tarirai Ishe akauya navatsvene vake vane zvuru zvamazana kuti atonge vose nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari” ( Judas 14-15). Jobowo muhusiku hwekurwadzwa akayuwira achiti, ” Asi ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, vuye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika. Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndisine nyama yangu. Ndichamuvona ari kurutivi rwangu: Meso angu achavona, asati ari omutorwa; Itsvo dzangu dzapera mukati mangu” ( Jobho 19: 25-27). Vadetembi nevaporofiti vamuBaiberi vakarambira panhau yekudzoka kwaKristu vachiitaura nesimba rinenge rinopfuta mwoto. ” Kudenga-denga ngakufare, napasi ngapafare kwazvo; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro. Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro. Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro; Pamberi paJehova nokuti unovuya; nokuti unovuya kuzotonga pasi; uchatonga nyika zvakarurama, nendudzi nekutendeka kwake” (Mapisa 96:11-13). Isaya akati, ” Nezuva iro vachati: Tarirai uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye uchatiponesa; uyu ndiye Jehova, takanga takamumirira, tichafara nokufarira ruponeso rwake” (Isaya 25:9).TaH 87.2

    Muponesi akanyaradza vadzidzi vake nevimbiso yekuti aizouyazve: ” Mumba mababa wangu munenzvimbo zhinji dzokugara.... Ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndichinge ndaenda... ndichadzokazve kuti ndigokugamuchirai kwandiri” ” Mwanakomana waMwari uchauya mumbiri yake, nevatumwa vake pamwe chete naye. Zvino achagara pachigaro chekubwinya kwake. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake” ( Johani 14:2,3; Mateo 25:31,32). Ngirozi dzakadzokorora kuvadzidzi vimbiso yekudzoka kwake, ” ivo vakati: Imi varume veGaririya, makamirireyiko makatarira kudenga? Uyu Jesu wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga” ( Mabasa 1:11) , uye Pauro anoti, ” Ishe amene uchaburuka kudenga nekudanidzira, nezwi remutumwa mukuru nehwamanda yaMwari” ( 1 vaTess 4:16). Muporofíti wepaPatmosi anotiwo, “Tarirai anouya namakore, meso ose achamuona” ( Zvaka 1:7).TaH 88.1

    Zvino kutonga kwechivi kwainge kuchingoenderera mazuva ose kwakabva kwamiswa: ” Humambo hwepasi rino huchava humambo hwaShe wedu nehwaKristu wake; uye achatonga nekusingaperi-peri” ( Zvaka 11:15). ” Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha uchameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose” (Isaya 61:11).TaH 88.2

    Zvino humambo hwerugare hwaMesiya huchagadzwa: ” Nokuti Jehova wakanyaradza Zioni, wakanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdeni, nesango raro rive somunda waJehova; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga, nenzwi rokuimba” (Isaya 51:3).TaH 89.1

    Kudzoka kwaTenzi kwagara kuriko tariro huru yevateveri vake vechokwadi mumazera ose enguva dzapfuuvura. Mubishapisha rekushungurudzwa nekuomeserwa, ” kuonekwa kwaMwari wedu mukuru namuponesi wedu Jesu Kristu” itariro yakaropafadzwa ( Tito 2:13). PaurO akanongedzera kurumuko ruchaitika pakuuya kwaMuponesi apo vakafa munaKristu vachamutswa uye pamwe chete nevapenyu votorwa vose kuti vachingamidze Ishe mudenga. “Naizvozvo” akadaro, ” Tichava naShe nguva dzose. Naizvozvo nyaradzanayi namashoko aya”( 1 vaTesa4:17,18).TaH 89.2

    Ari paPatimosi, mudzidzi anodikanwa akanzwa vimbiso, “Hongu ndinokurumidza kuuya” Iye wopindurawo achiita sezvinoita kereke yaKxistu, woti, ” Hongu, Uyai Ishe Jesu” (Zvaka 22:20).TaH 89.3

    Kubva mumakomba anerima emumatorongo, kubva pakupiswa kwevatendi sehuni, nekubva pakusungirirwa semidzonga yenyama pakapupura vatsvene vakaurairwa chokwadi chavaipupura, kunouya kureva kwavo kwekutenda kusingazungunuswe kubva munhoroondo yezviuru nezviuru zvamakore. Vavimbiswa kumuka kwake, uyezve kumuka kwavowo pakuuya kwake, nokuda kwaizvozvi, akadaro mumwe mutendi, ” Vakashora rufu vakaonekwa kuti vaive pamusoro pairwo” MaWaldense vaive nerutendo rwakadarowo sairworu. Wyclijfe, Luther, Calvin, Knox, Ridley naBaxter vaitarira nekutenda mukuuya kwaTenzi. Ndiko kwaivawo kutenda kwekereke dzevaapostora, kwekereke yzmdiWaldense neyemaReformers. Chiporofiti hachingotauri nezvikonzero nekauyiro kaKristu chete asiwo kutozivisa zviratidzo zvenguva yekuuya kwake. ” Kuchavapo nezviratidzo pazuva napamwedzi nepanyeredzi” (Ruka 21:25). ” Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya mumakore nesimba guru nokubwinya” (Mako 13:24-26). Zvakazarurwa inotsanangurawo chiratidzo chekutanga chichazoitika nguva shoma Kristu asati auya, ” Zvino ndakaona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu kwakanga kunokudengenyika kwenyika kukuru, zuva rikasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa” (Zvaka 6:12).TaH 89.4

    Muponesi akataura nekudzokera shure kwevatendi kuchaitika nguva shoma iye asati auya. Kune vanenge vari vapenyu panguva iyeyo Kristu anoti, ” Chenjerai kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvovupenyun huno kuti zuva iro rirege kukuvirai seriva”. ” Asi rindai nenguva dzose, mukumbire kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa mugomira pamberi poMwanakomana womunhu” (Ruka 21:34,36).TaH 90.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents