Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Ngatigadzirireyi

    Takatarisana nezuva iroro shoko raMwari rinodaidzira vanhu vaMwari kuti vatsvage chiso chake mukutendeuka. ” Ridzai hwamanda paZioni, muridze mhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere, nokuti zuva raJehova rinouya, nokuti ravapedyo”. ” Ridzai hwamanda paZioni, tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuvungano yakatarwa, kokerai vanhu, natsai vungano, kokerai vakuru, vunganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata. Vaprista, ivo vashumiri vaJehova, ngavacheme pakati pebiravira nearitari vachiti: Haiwa Jehova, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushovorwa, kuti marudzi avanhu avaseke; vangarevereiko pakati pamarudzi avanhu vachiti: Mwari wavo uripiko?”. ” Kunyange zvakadaro, ndizvo zvinotaura Jehova- nazvino tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuungudza. Bvarurai mwoyo yenyu murege kubvarura nguvo dzenyu, mutendevukire kuna Jehova Mwari wenyu; nokuti unengoni nenyasha, unononoka kutsamwa, unetsitsi zhinji, vuye unozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa” Joeri 2:1, 15-17, 12,13). Kugadzirira vanhu kuti vagone kumira pazuva raMwari, zvinodaidzira basa guru renhendeuko nevandudzo.. Munyasha dzake ainge oda kutumira shoko rekumutsiridza vateveri vake kuvatungamirira kuti vagadzirire kuuya kwaTenzi. Yambiro iyi iri munaZvakazarurwa 14. Herino shoko riri mudzarutatu richiunzwa serakatakurwa nezvisikwa zvedenga robva rateverwa nekukasika nekuuya kweMwanakomana wemunhu achizokohwa goho renyika. Muporofíti akaona mutumwa achibhururuka namapakati pedenga, aine evangeri isingaperi kuti aiparidzire vanogara panyika, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose achiti nenzwi guru, Ityai Mwari mumupei mbiri, nokuti nguva yake yokutonga yasvika. Namatai iye wakasika denga nenyika negungwa namatsime emvura” (Zvaka 14:6-7).TaH 91.1

    Shoko iri chikamu cheEvangeri Isingaperi. Basa rekuparidza rakaiswa mumaoko evanhu. Hongu, ngirozi dzinoera dzinoritungamirira asi kuparidzwa kwaro kunoitwa nevaranda vaMwari vari panyika.TaH 92.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents