Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Vanhu vaMwari Havarasike Nokuda Kweizvi

    Asi vanhu vaMwari havazomborasike. Dzidziso dzeuyu Kristu wenhema hadziwirirane neBaiberi. Anokomborera vanonamata chikara nemufananidzo wacho, ivavo vanonzi neBaiberi vachanwa waini yekutsamwa kwaMwari yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake. Pamusoro paizvozvo Satani haabvumirwe kuedzesera chaizvoizvo kauyiro kachaita Kristu. Kristu akayambira vanhu vake kuti varege kunyengerwa panyaya iyi.” Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti kana zvichibvira vatsause navasanangurwavo. Tarirai ndagara ndakuvudzai. Zvino kana vakati kwamuri: Tarirai uri kurenje, regai kubuda: Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda. Nokuti semheni inobva mabvazuva ichipenyera kumavirira, ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu”( Mateo 24:24-27). Ona Mateo 25:31; Zvaka 1:7; 1 vaTesa 4:16,17). Pakuuya uku hapana mukana weedzesero ingaitika. Pasi rose richamuona achiuya, Kristu.TaH 99.2

    Vaverengi veshoko vakagamuchira rudo rwechokwadi chaMwari ndivo vachadzivirirwa kubva kunhema huru dzichawira nyika dzoita vazhinji nhapwa. Nokupupura kweBaiberi ava vachakurumidza kuona munyengeri munguvo dzake dzebasa. Vanhu vaMwari vanyatsodzika midzi mushoko rake here zvekuti havachazonyuri mukupupura kwezvavanonzwa munyama yavo here? Mukunetseka kukuru nekuyedzwa nekunyengerwa kukuru uku vacharambirapaBaiberi here?TaH 100.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents