Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 10—Rudzikinuro Rukuru

    Apo kuchengetedza kwemitemo yavanhu kuchange kwabviswa kuvaya vanokoshesa mitemo yaMwari, kuchavepo kunzvimbo dzakasiyana-siyana zviitiko zvakateedzana zvakanangana nekuvaparadza. Apo nguva dzakatarwa dzekuparadzwa kwavo dzichinge dzavapedo vavengi vanowirirana kabisira kuparadza vatendi ava husiku humwe chete vachiitira kuti vasazombowane anovatsiura nepaduku pose.TaH 101.1

    Vanhu vaMwari, vamwe mumatirongo, vamwe mumakomo nematondo makuru vanochemera kuchengetedzwa naMwari. Varume vakasutswa nengirozi dzaSatani, vakapakata zvombo zvebasa rekuuraya. Zvino panhongonya yenguva yacho chaiyo Mwari achabva apindira ” Muchaimba rwiyo sezvinoitwa vusiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara kwomwoyo, wakafanana nowomunhu unoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo ralsiraeri. Jehovha uchanzwisa inzwi rake rovumambo, ucharatidza kuburuka kworuvoko rwake, nokutsamwa kwake kukuru, nomurazvo womwoto unopedza zvose, nechamupupur i, nokunaya kwemvura nechimvuramahwe” (Isaya 30:29,30).TaH 101.2

    Zvikwata zvevanhu vakaipa zvagadzirira zvino kumhanyira pavatsvene kuti zvichiitika zvekuvaparadza, apo rima rinobatika rakakora kudarika husiku hunemhindo rakawira panyika yose. Zvino murarawungu unobva watandira uchi mudenga uchikomberedza mapoka evatsvene avo vainge vachinamata panguva iyi. Mhomho iya yehukasha yakanga yamiswa zvino. Zvinangwa zvayo zvatokanganikwa pavanotarira chiratidzo chesungano yaMwari nevanhu votoshuvira zvino kuti vadzivirirwe kubva kuchiyedza chacho.TaH 101.3

    Inzwi rinobva ranzwikwa nevanhu vaMwari chete richiti, ” Tarirai kudenga”. SaStefano mufiri wevhangeri wekare, vanotarira ndokuona mbiri yaMwari neMwananakomana wemunhu agere pachigaro ( Mabasa 7:55,56). Vanoona mavanga ekunyadziswa nekushorwa kwake, vobva vanzwa chikumbiro, ” Baba, ndinoda kuti avo vamakandipa vavevo neni apo pandiri, kuti vavone kubwinya kwangu kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yavambwa” (Johani 17:24). Inzwi rinonzwika richiti, ” Vouya, vatsvene, vasina gwapa, vasingakuvadzi. Vakachengeta shoko rangu rekutiwira”.TaH 102.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents