Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Dzikìnuro Inouya

    Pakati pehusiku Mwari anoratidza simba rake rekudzikinura vake. Zuva rinoita seriri kuvhenekera nesimba raro rose. Zviratidzo nezvishamiso zvinoitika. Vakaipa vanotarira nekutya pamusoro pezviitiko izvi apo vakarurama vanoona zvipo nehuchapupu hwedzikinuro. Pakati pedenga rakatsamwa pane nzvimbo izere nehumhizha hwekubwinya husina angatsanangure apo panobuda inzwi raMwari sekuunga kwemvura zhinji richiti, ” Zvaitwa” (Zvaka 16:17).TaH 102.2

    Inzwi iro rinozungunutsa denga napasi. Kunoitika kudengenyeka kukuru kwazvo, ” kusati kwakambovepo kubvira kuvamba kwevanhu panyika, kudengenyeka kukuru kwazvo” ( Zvaka 16:18). Matombo akaipa anomwararika kwese- kwese. Gungwa rinomutswa-mutswa zvineukasha. Kunonzwikawo kunenge kurira kwetutokoroshi kana kuti madhimoni, riri dutu guru rechamupupuri (hurricane). Pamusoro penyika pobamuka zvino; nheyo dzayo dzose dzoita sekuti dzatsemuka kwazvo. Nzvimbo dzinozororera zvikepe nevafambi dzainge dzasviba seSodomu dzinomedzwa pakarepo nemvura inehasha iyi. “Babironi guru” rarangarirwa zvino pamberi paMwari, “kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwake kunotyisa” (Zvaka 16:19).TaH 102.3

    Mabgwe makuru anoita basa rawo guru rekupaza. Maguta aishamisa angove pakainzana nepasi zvino. Dzimba dzaigarwa nevaiparadza man zhinji kwazvo dzoparara ivo vachizviona. Madziro ematorongo anotsemurwa napakati, kuti vanhu vaMwari vaivemo vasununguke.TaH 103.1

    Makuva anozaruka, zvino, ” Zvino vazhinji vavavete muguruva rapasi vachamuka, vamwe vachamukira vupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nekuzvidzwa kusingaperi”. ” Tarirai anovuya namakore, meso ese achamuvona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema. Hongu! Ameni ” ( Danyeri 12:2; Zvaka 1:7). Mheni namabhanan’ana zvinozadza pasi rose sejira remwoto. Pamusoro pamabhanan'ana aya, manzwi anoshamisa uye anotyisa anodaidzira kupera nekuparadzwa kwevakaipa. Vaizvitutumadza nekuomesa mitsipa yavo, vaiitira hutsinye vaya vaitya mitemo yaMwari vongwenda nekutya zvino serutsanga rurimumvura. Madimoni anobvunda ukuwo vanhu vanokumbira tsitsi panguva iyoyi.TaH 103.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents