Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Zuva Rashe

    Muporofíti Isaya akati, ” Nezuva iro vanhu vacharasha zvifananidzo zvavo nesiriveri nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhukusa nezviremwaremwa, vapinde mumapako amatombo nemumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha unotyisa vuye nokuda kwokubwinya kwovumambo hwake kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba” (Isaya 2:20,21).TaH 103.3

    Avo vakazvipira zvose nokuda kwaKristu zvino vachengeteka kwazvo. Pamberi penyika uye mukutarisana nerufu vakaramba vakamiririra iye akavafira. Huso hwavo hwange hwachenuruka munguva pfupi yapfuura hwopenya zvikuru mukushamiswa. Manzwi avo anokwira kudenga murwiyo rwekukurira, ” Mwari ndiye vutiziro hwedu nesimba redu. Ndiye mubatsiri uri pedyo-pedyo panguva dzekumanikidzwa. Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, vuye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa. Kunyange mvura zhinji yawo ikatinhira nokumutswa, kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo” ( Mapisa 46:1-3).TaH 104.1

    Apo manzwi ekuvimba kunoera achikwira kunaMwari, mbiri yeguta iro ririkudenga inovhenekera maranzi ayo achibuda nepamasuvo akavhurwa. Zvino panoonekwa muchadenga ruoko rwakabata mahwendefa maviri amabwe. Mutemo unoera uyo wakadaidzirwa pagomo reSinai woratidzwa zvino semutemo wekutongwa nawo. Mavara awo anenge akakura zvekuti vose vanogona kuaverenga. Vanhu vanoyeuchidzwa zvekare. Rima rekutya kwekufungidzira uye nhema dzose zvanguva zvapera mumifungo yevakaponeswa.TaH 104.2

    Hazvibviri kutsanangura kutya nekurasikirwa mupfungwa zvinoratidzwa nevaya vekutsika-tsika mitemo yaMwari. Kuti vawane hushamwari nekudikanwa nenyika vainge vakaramba mitemo yaMwari uye kutodzidzisa vamwe kuita saizvozvo. Zvino vopuhwa mhosva nemutemo iwoyo. Vanoona kuti havana pembedzo. Vavengi vemutemo waMwari vave nemaonero matsva ezvokwadi nekushumira. Vanoona zvino nguva yapera zvakadaro kuti Sabata chisimbiso chaMwari mupenyu. Vanoonazve nguva yavaperera zvakadai kuti hupenyu hwavo hwese hwakaperera mukuvakira panheyo yejecha. Vainge vachirwisana naMwari. Vatungamiri vemakereke nevadzidzisi vakarasisa vazhinji vachivati vanovatungamirira kuParadiso. Ibasa guru sei rine avo vari muzvinzvimbo zvikuru zvinoera, uye kukomba sei kwezvibereko zvekusavimbika kwavo!TaH 104.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents