Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    VanaAdamu Vaviri Vanosangana

    Panogamuchirwa vakaponeswa kupinda muguta raMwari panorira kuchema kusinganzwisisike. Vana Adamu vaviri voda kusangana zvino. Mwana waMwari oda kusangana nababa wendudzi dzose- waakasika, akatadza, uye nokuda kwezvivi izvi Muponesi ane mavanga emuchinjikwa pamuviri wake. Apo Adamu anoona zvidhindo zvezvipikiri anozviwisira pasi pamakumbo aJesu mukuzvininipisa kwakasanganawo nenyadzi. Muponesi, anomusimudza vomuti atarirezve kumusha weEdeni kwaakasodzingwa kwenguva refu.TaH 110.2

    Hupenyu hwaAdamu hwainge hwakazara nekusuruvara paainge ari panyika. Shizha rose raifa, hwai yose yaiurayiwa, gwapa rose raive pakuchena kwaimbove pamunhu zvose zvaimuyeuchidza chivi chake. Kurwadziwa kwekuzvidemba kwake kwaimurwadza paakafunga kuti kushorwa kose kwaiwa paari nokuti ndiye akabvumira kupinda kwechivi panyika. Zvakadaro Adamu akavimbika pakutendeukà pachivi chake. Akazofa aine tariro yerumuko. Zvino kuburukidza nerufu rwaKristii Adamu anodzoserwazve pachinzvimbo nemusha wake.TaH 110.3

    Achisimudzwa nemufaro anoona miti yaimbomuyevedza kwazvo, michero yayo yaaimbotanha asati atadza. Anoona miti yemizambiringa yaainge arera nemaoko ake, maruva aya aainge achidisa zvikuru kuriritira. Idi, iyi ndiyo Edeni yadzorerwa pakare.TaH 111.1

    Muponesi anomutungamirira kumuti wehupenyu omuti adye hake. Anoona vazhinji-zhinji verudzi rwake vakaponeswa wobva akandira korona yake pamakumbo aJesu ndokumugumbatira. Anobata rudimbwa zvino denga rose robvumira kurwiyo rwerukuriro urwu: ” Yakafanira nyenye, yakabayiwa” ( Zvaka 5:12). Mhuri yaAdam inokandira korona dzayo pamakumbo aJesu pavanokotamira iye mukumuyemura kwazvo. Ngirozi dzakachema paya pakadonha Adamu dzikapembera paya pakazarurwa makuva evakatenda kuzita rake, dzinoona zvino basa rerudzikinuro iri razadzisika dzobva dzabatanawo mukurumbidza.TaH 111.2

    Pamusoro penyanza yendingiriro inoita seyakasanganiswa nemwoto pakaungana vaya vakakunda chikara, nemufananidzo wacho, nechiratidzo chacho nepamusoro pechiverengo chezita racho.TaH 111.3

    144 000 vakadzikinurwa kubva muvanhu uye vanoimba rwiyo rutsva, irwo rwaMozisi neGwayana (Zvaka 15:2-3). Hapana mumwe kunze kwel44,000 anogona kudzidza urwu rwiyo, nokuti rwiyo rwenhoroondo isina kumboraramwa nevamwe.” Ndivo vaya vanotevera Gwayana kwese kwarinoenda. Ava vabva mukushandurwa kubva mune vapenyu ndiyo michero yokutanga kunaMwari neGwayana ( Zvaka 14:4,5). Vakapfuura nemunguva yematambudziko makuru asina kumbovapo kubvira kuvambwa kwevanhu panyika. Vakakurira marwadzo enguva ye” Matambudziko aJakobho”. Vakamira vasina mumiririri munguva yose yekudururwa kwematambudziko ekupedzisira epanyika, kuri kutonga kwaMwari. Vakageza nguvo dzavo vakadzichenesa muropa regwayana.TaH 111.4

    ” Ndikati kwaari: Ishe wangu imi munoziva. Akati kwandiri, Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa regwayana” Mumuromo mavo hamuna kuvonekwa nhema, havana chavangapomerwa” ” Havachazoziyi nenzara, havachazofí nenyota; havachapiswi nezuva kana nokumwe kupisa, nokuti Gwayana riripakati pechigaro chovushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura yovupenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo” (Zvaka 7:14; 14:5; 7:16,17).TaH 112.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents