Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Vakadzikinurwa vaveKudenga

    Munguva dzose, vasanangurwa vaMuponesi vakafamba munzira dzakamanikana. Vanocheneswa muchoto chematambudziko. Nokuda kwaKristu vakashingirira mumatambudziko kuvengwa, kuzviramba uye kukuhuniswa kukuru. Vakaziva hukasha hwechivi, simba racho, mhosva uye tuso racho naizvozvo vanochitarira neziso reruvengo. Kuzvipira kwakaitwa kuti chivi chipere kunovadzikamisa kwozadza mwoyo yavo nekutenda kwazvo. Vane rudo rukuru nokuti vakaregererwawo zvikuru. (Ruka 7:47). Vakoverani pakutambura kwaKristu naizvozvo vakakodzera kukoveranawo naye mumbiri yake.TaH 112.2

    Vagari venhaka yembiri yaMwari ava vanobva mumakomba, makomo, mapako, renje, manera ekuurayira vanhu uye nzvimbo dzakadaro dzekuurayira vanhu. Vakange vambori vafambi, vapemhi, nevashushwi. Vazhinji vavo vakange vaenda kumakuva vaine mavanga nematenda nokuti vainge varamba kuteerera Satani. Zvino havasisina chinovarwadza kana chinetso. Nokudaro vanomira vakapfeka nguvo dzakaisvonaka kupfuura dzakambopfekwa nevanoremekedzwa venyika. Vakapfeka korona dzinopenya zvisina kumbopfekwa kana namambo upi zvake pasi pezuva. Mambo wekubwinya anopukuta masodzi pameso avo vese. Vanodurura rwiyo rwekurumbidza rwunotapira kunzwa. Ruyo urwu runosvika kudenga-denga. ” vakadanidzira nenzwi guru vachiti: Ruponeso ngaruve kunaMwari unogara pachigaro chovushe nokuGwayana”. ” vachiti, Ameni: Kurumbidzwa nokubwinya, nokuchenj era, nokuvonga, nokukudzwa, novushe nesimba ngazvive kunaMwari nokusingaperi-peri. Ameni! ” (Zvaka 7:10,12).TaH 113.1

    Muhupenyu huno tinogona kutanga kunzwisisa dingindira rinoshamisa rerudzikinuro. Nekunzwisisa kwedu kunogumirwa uku tinogona kurangarira kunyadzwa nekuva nembiri, hupenyu nerufu, kururamisira nenyasha izvo zvinokumbana pamuchinjiko. Asi hatigoni kunyatsonzwisisa zvazvinoreva kunyangwe tikatatamura pfungwa dzedu kuti tizive. Kureba nehupfupi, kudzama nekukwira mudenga kwerudo rwerudzikinuro zvinongozivikanwa zvishomanene. Zano reruponeso harizozivikanwi uye vakadzikinurwa voziva sekuziva zvavaakuziva nekuona zvakawanda kwavo nyaya yekuramba tichidzidza nekuzarurirwa zvitsva chichava chinhu chehupenyu husingaperi. Kunyangwe marwadzo, kuchemedzwa, kusuruwara nemiyedzo yepanyika yapfuura negonye raizvikonzera raparadzwa, vanhu vaMwari vachazoramba vaine ruzivo rwakakura rwekudhura kwakaita rudzikinuro rwavo.TaH 113.2

    Muchinjikwa uchava rwiyo rwevakadzikinurwa munguva dzose narini narini. MunaKristu anobwinya tinoona Kristu akaroverwa. Hazvichazokanganikwi kuti chikukutsira chedenga chakazvideredza kuitira kusimudzira munhu akaputsika, kuti akatakura matenda, kunyadziswa nemhosva dzechivi chedu nekuvanzirwa chiso naBaba wake kusvikira zvese izvi zvatsemura mwoyo wake nekupwanya hupenyu hwake. Musiki wenyika dzose akasiya mbiri yake nokuda kwerudo rwake kumunhu-izvi zvicharamba zvichifadza nekutunhidza denga nenyika dzose. Apo ndudzi dzevakaponeswa dzinotarisa Mudzikinuri vadzo nekuziva kuti humambo hwake hahuzogumi dzinotangazve kuimba, ” Yakafanira nyenye yakabaiwa ikatidzikinurira kunaMwari neropa rake rinokosha.TaH 114.1

    Chakavanzika chemuchinjikwa chinotsanangura zvakavanzika zvose. Zvichaonekwa kuti Iye asingagumi panjere haaiwana rimwe zano rekuponeswa kwedu kunze kwekupa Mwanakomana ‘ wake kwatiri. Kuripwa kwekuzvipira ikoku ndiwo mufaro wekuzadza ny ika nevakadzikinurwa, vatsvene vanofara kwazvo uye vasingazofízve. Ndiko kukosha kwemunhu nokudaro Baba vakafara nekugutsikana nazvo kuti kuzvipira kukuru uku kwakava mutengo wedzikiniro yemunhu akakosha kudaro. Iye Kristu mbune achiona michero yekuzvipira kwake kukuru uku, anogutsikana.TaH 114.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents