Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Hondo Yekupedzisira

    Satani anobvunzana mazano nemikwimba yevarume ava ivo voti vainge vakawanda kwazvo kupfuura vanhu vari muguta naizvozvo hazvaivatorera nguva kutora guta iri. Varwi mhizha vanogadzira zvombo zvehondo. Vakuru vemauto vounganidza varwi muzvipoka zvipoka.TaH 117.1

    Zvadaro, kunodaidzirwa kuti mauto ose aende kundorwisa vari muguta dzvene. Hondo iyi yaive yekutanga kuva nehuwandu hwakadaro nokuti yaitora vanhu vemazera ose munhoroondo yevanhu. Satani anotungamirira chita chake chikuru ichi, madzimambo, nemauto varimo muhondo iyoyi. Nehunyanzvi hwese hondo iyi inosebera kuguta raMwari. Jesu anoudza magonhi eguta kuti avharike, iwo ndokuteerera, akavharika oga uku mauto aSatani atogadzirira zvino kudenha.TaH 117.2

    Kristu anobva azviratidza kuvavengi vake ava. Kure-kure, pamusoro-soro peguta pari pamusoro pendarama yakaisvonaka ndipo panechigaro. Pamusoro pechigaro ichi ndipo pagere Mwanakomana wemunhu akakomberedzwa nevaranda vehumambo hwake. Kubwinya kwaBaba vake vanogara narini kwakakomberedza Kristu, Mwanakomana wake. Kupenya uku kunoyerera kuchibuda muguta kwoenderera munyika.TaH 117.3

    Pedo nechigaro ichi pane vaya vaimbove nehushingi hwekushandira Satani, asi nekuda kwekudzikinurwa sezvigutswa muchoto vakatevera muponesi wavo nerukudzo rusingatuvidzwi. Vanoteverwa mumutsetse uyu nevaya vakashingaira kuita zvinoreva murairo kunyangwe waishorwa kwazvo, vakatsungirira mukati memiyedzo yenhema, miyedzo yemafaro ezvivi, nevakafíra shoko raMwari. Tichibva pane ava panotevera vazhinji-zhinji vasingaverengeki, vaibva kumarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose nevanhu vose vakapfekedzwa nguvo chena vaine michindwe mumaoko (Zvaka 7:9). Hondo yavo yainge yapera, kukunda kwavo kwawanikwa. Bazi remuchindwe rinomirira kukurira, nguvo chena yomirirawo kururama kwaKristu kwave kwavo zvino.TaH 117.4

    Muchita ichi hapana kana mumwe aizviti ndiye akazviponesa nemabasa ake akanaka. Hapana chinorehwa pamusoro pekutambudzika kweava nguva yepanyika asi kuti vose vaingoti; ” Ruponeso kunaMwari wedu nekuGwayana”TaH 118.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents