Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Rutongo Kuvapanduki

    Pamberi pevese vepanyika nekudenga Mwana waMwari anogadzwa. Zvino apfekedzwa humambo nehukuru hwesimba rose Mambo weMadzimambo anosheedzera mutongo kune avo vakadarika mitemo yake nekushungurudza nekudzvanyirira vanhu vake. ” Zvino ndakaona chigaro chovushe chikuru chichena naiye wakange agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikasawanirwa nzvimbo. Ipapo ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro chovushe, bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku yovupenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata” (Zvaka 20: 11,12).TaH 118.2

    Apo ziso raJesu rinotarira vakaipa vanobva vaziva chivi chimwe nechimwe chavakaita. Vanoona pakarasika tsoka dzavo kubva munzira dzehutsvene. Miyedzo yekunyengera yavaikurudzira vamwe kubudikidza nekuita zvivi, kushorwa kwaiita vatumwa vaMwari, kurambwa kwaiita yambiro, masaisai engoni aisairirwa kure nemwoyo yakaoma isingatendeuki zvose zvooneswa sekunge zvakanyorwa nemavara emwoto.TaH 118.3

    Pamusoro pechigaro panooneswa muchinjiko. Kuputsika kwaAdamu nekuzofamba kwezano reruponeso kunoratidzwawo semumufananidzo mukuru. Kuzvarwa kwakaderera kwaMuponesi, hupenyu hwake kwakajairika, rubhapatidzo rwake muRwizi Jorodani, kutsanya kwake nekuidzwa murenje; kushumira kwake kwaizarurira vanhu zvikomborero zvedenga; mazuva ainge azere mabasa enyasha; husiku huzhinji hweminamato mumakomo; kuronga kwakaipa kwehutsinye negodo reruchiva; kurwadziwa kunoshamisa kwemuGetsemeni akatsimbirirwa nemutoro wezvivi zvenyika; Kutengeswa kwake kumhomho yekuuraya iya; zviitiko zvehusiku hwekusungwa nekutongwa- musungwa asingapokani anotizwa nevadzidzi vake, woiswa pamberi pemupirisiti mukuru, mudare guru rekutonga raPirato, pamberi paHerodhi gwara, kushorwa, kurohwa nekunyombwa, kukuvadzwa zvakaipisisa nekutongerwa rufu-zvose zvinoonekwa pachena mumufananidzo uyu.TaH 119.1

    Zvino pamberi pemhomho huru panozarurwa zvichaitika pakugumisira kwenguva: mutambudzwi akanyorova achifamba munzira yeKarivhari, Muchinda wedenga achirembera pamuchinjikwa, vapirisita navakuru vemasinagoge vachimunyomba mukurwadziwa kwake pamuchinjikwa, rima risina kujairika, rakaganhura nguva apo mudzikinuri wepasi akaregedza mweya wake.TaH 119.2

    Zvese izvi zvinotyisa zvakaoneswa sezvazviri chaizvo. Satani nevaranda vake havana simba rekubva pamufananidzo uyu. Mumwe nomumwe anorangarira chikamu chaakaita munhoroondo yemutambo uyu. Herudhe uyo akauraya vacheche vasina mhosva muBeterehema, Herodiyasi ane mhosva yekuuraya Johani Mubhabhatidzi, Pirato wehutera hwekuzengurira pakutonga, mauto aishoropodza nekunyomba, mhomho yaipenga ichisheedzera ichiti, ” Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu!”- vose vanotsvaga kuhwanda kubva panaiye anechiso chinoshamisa, apo vakadzikinurwa vanokandira korona dzavo pamakumbo aJesu vachiti, ” Akandifíra!”.TaH 120.1

    Pana Nero, chikara chehutsinye nezvivi zvemutsinga, achiona kukwidziridzwa kwevaya vaafadzwa nekutambudza. Mai vake vanoonawo basa ravo kuti zvakaipa zvaNero zvakanga zvakurudzirwawo nemuenzaniso wavo zvakatumbukira muhumhondi nezvivi zvakagomeresa kuremadza nekuvhundusa pasi rose.TaH 120.2

    Panewo vanapapa nevapirisita vaizviti vamiririri vaKristu asi vachishandisa makomba ekuurayira vanhu, nepanopisirwa vanhu nedzimwe nzira dzehumhondi kuitira kuti vatonge vanhu nekutyiwa nevanhu vaMwari. Pane vakuru vekereke vaizvipa chinzvimbo chakakura kudarika chaMwari vakashandura mutemo waMwari. Vanafata ava vane chekupindura kunaMwari. Nguva yapera kudai vanooneswa kuti Mwari wekuziva zvese anegodo nemutemo wake. Vanoziva zvino kuti Kristu anehanya nevanhu vake vaitambudzwa ava.TaH 120.3

    Pasi rese rechitema rabatwa nemhosva yekumukira hurumende yedenga. Hapana angavamiririra, Havana pembedzo naizvozvo vanotongerwa rufu nekusingaperi.TaH 121.1

    Vakaipa vanoona zvavakarasikirwa nazvo nokuda kwekumukira kwavo Mwari. “Zvose izvi ndaingazviwana. Asi ndakatsinhanisa rugare, rufaro, rukudzo nezvisina maturo,” Vose vanoona kuti kutadza kwavo kupinda denga kwakakodzera. Kararamire kavo kainge kataura kega kuti, ” Hatingabvumire Jesu kuti atonge muhupenyu hwedu”.TaH 121.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents