Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Musha Wedu Wekugumisira

    ” Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura” (Zvaka 21:1). Mwoto unoparadza vakaipa ndiwozve unochenesa nyika. Hakusisina kayi zvako kanoratidza pakambopfuura napo chituko chechivi. Hakuna gehena rinopisa nekusingaperi ringawanikwa nokuti zvingaratidza kurarama narini kwetuso rechivi.TaH 124.3

    Kwasara yeuchidzo imwe chete: Muponesi wedu acharamba aine mavanga emuchinjikwa aya, chiratidzo chimwe chete (chinobvumirwa nedenga) chebasa rehukasha hwechivi. Izvi zvichatenderwa kuitira kuratidza kurumbidzwa kwaJesu uye simba rake.TaH 124.4

    Kristu akavimbisa vadzidzi vake kuti akaenda kundovagadzirira pokugara mumba maBaba wake. Ndimi dzevanhu hadzikwanisi kutsanangura mubairo wevakarurama. Uchangozivikanwa chete nevachauona. Hakuna pfungwa dzinoguma sedzedu dzingakwanisa kunzwisisa kubwinya kweParadhiso yaMwari.TaH 125.1

    MuBaiberi, nhaka yevakaponeswa inonzi, ” nyika” ( vaHeber 11:14-16). Ipapo Mufudzi wekudenga anotungamirira hwai dzake kumakomo emvura yehupenyu. Kune nzizi dzinogara dzichiyerera, dzakachena secrystal, uye pamativi adzo miti inomveyesa matavi ichisvitsa mimvuri munzira dzakagadzirirwa vakadzikinurwa vaTenzi. Mapani anongopafarara zvavo achizondoperera mumakomo akaisvourungana nekunaka, uye makomo aMwari anoyevedza zvisingatsananguriki. Munzvimbo ine runyararo rwakadaro ndimo muchandogara vanhu vaMwari avo vaimbenge van vafambi navapfuuri panyika.TaH 125.2

    “Vachavaka dzimba, nokugaramo, vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo, havangasimi, mumwe achizodya, nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu, vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amavoko avo”. ” Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva”. ” Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku u c h a d z i t u ng a m i ri ra . Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa” ( Isaya 65:21,22;35:1; 11:6,9).TaH 125.3

    Kurwadza hakugoni kuwanikwa kudenga, hakuzovi nemisodzi kana rufu. ” Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo kana kuchema kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo, nokuti zvokutanga zvapfuvura”. ” Hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo” (Zvaka 21:4; Isaya 33:24).TaH 126.1

    Pane Jerusarema idzva rinenge riri pakati penyika itsva inopenya. ” Chiedza charo chakange chakaita sebwe rinokosha kwazvo sebwe rejaspisi, rinovonekera sekristaro”. ” Ndudzi dzinofamba nechiedza charo, madzimambo enyika anouyisa kubwinya kwawo mukati maro”. “Tarirai Tebanekeri yaMwari iri pakati pavanhu, Iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake, Mwari amene uchava navo, i vo vachava vanhu vake” (Zvaka 21:11,24).TaH 126.2

    Muguta raMwari hamuchazovi neusiku ( Zvaka 22:5). Hamungavi nekuneta. Ticharamba tichinzwa kufefetera kwemangwanani kusingagumi. Chiedza chezuva chichakurirwa nekuvheneka kusingatosvori zvinorwadza asi kuchipenya kupfuura kupenya kwezuva repamasikati makuru. Vakadzikinurwa ava vanofamba muruvheneko rwemasikati rusingaperi.TaH 126.3

    ” Handina kuvona tembere mukati maro nokuti Ishe Mwari wamasimba ose neGwayana itembere yaro” ( Zvaka 21:22). Vanhu vaMwari vakawaniswa mukana wekukoverana pachena naMwari Baba neMwanakomana. Ikozvino tinoona mufananidzo waMwari semuchiringiriro asi zvino tichamuona usu neusu pasina chidzitiro chinokonesa.TaH 126.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents