Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Mhandu Yakasvinura

    Mhandu yakasvinura iyi irikupinda zvenharo mumhuri dzose, mumigwagwa yose, mumakereke, mumisangano mikuru yekuronga basa, mumatare ekururamisira mhosva ichishungurudza nekukahadzisa, kunyengera nekukonzeresa vanhu kuita tusinamaturo, kwese ichiparadza mweya nemiviri yavanhu. Anoparadza mhuri, achidyara ruvengo, kukakatirana, kumukira hushe nekuuraya. Nyikawo inoita sekunzi zvinhu izvi zvakarongwa naMwari nokudaro zvakakodzera kuitika. Vose vasiri vateveri vaKristu chaivo ndivo vashumiri vaSatani. Apo maKristu anosarudza hushamwari hwevasingatendi vanozvinanika pamutariro wekuedzwa. Satani anozvivanza kuti asaonekwe navo manyengedzero aanenge achavaita.TaH 18.1

    Kuyanana nekararamire kenyika kunotendeutsira kereke kunyika, kwete nyika kuna Kristu. Kujairira chivi kunochiita kuti chiite sechinhu chisina kuipa. Kana tasangana nemiyedzo tiri mundima yebasa, tinogutsikana kuti Mwari anotichengetedza, asi tikazvinanika munzira yemiyedzo tichadonha nhasi kana mangwana.TaH 18.2

    Muedzi anowanzobudirira paanoshandisa vaya vasingafungidzirwi kuti inhume dzake. Matarenda netsika kwadzo zvipo zvaMwari, asi kana izvozvi zvave kutungamirira munhu kutama panaShe, zvinobva zvave musungo mukuru. Vanhu vazhinji vakarongeka zvikuru uye vaine pfungwa nenjere dzakatesva ndivo vanovanzoshandiswa semidziyo yaSatani yakakwenenzverwa.TaH 18.3

    Musazombokanganwe yambiro yakafemerwa yemakore inoti, ” Svinurayi, murinde; muvengi venyu Diaborosi unofamba-famba seshumba, inorira, ichitsvaka waingaparadza” “Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDiaborosi” ( lPet 5:8; Eph 6:11). Muvengi vedu mukuru avekugadzirira kurwisa kwake kwekupedzisira. Vose vanotevera Jesu vachasangana nekurwiswa nemuvengi uyu. Kaseberero kaunoita pedo-pedo nechimiro chehutsvene, ndiko kamuzivire kaunofanira kuve nako pakunan'anidzwa pamwechete nekurwiswa nemuvengi, Satani.TaH 19.1

    Satani akarwisa Kristu nemiseve yemiyedzo inotyisa uye ichinyengera zvakavanzika kwazvo asi akakundwa pamumwe nemumwe wayo. Kukurira ikoku kunoita kuti isu tikundiswewo. Kristu anopa simba kune vose vanoritsvaga. Hakuna munhu anogona kukundwa naSatani iye asingazvizivi. Muedzi haana simba rekutonga pfungwa nesarudzo dzemunhu kana kumanikidza munhu kuti aite chivi. Anogona kushungurudza asi haagoni kusvibisa. Chimiro chekuti Kristu akakunda chinofanirawo kusutsa vateveri vake nekushinga kuti varwisane nechivi naSatani wacho.TaH 19.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents