Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

KURWISANA KUKURU

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 40—VANHU VAMWARI VANODZIKINURWA

    Kana kudzivirira kwemirairo yevanhu kwabviswa pavanhu vanochengeta mirairo yaMwari, kuchamuka munzvimbo zhinji, mweya wekuda kuvaparadza nenguva imwechete. Apo nguva yakatarwa inoswedera, vanhu vacharangana kuparadza kapoka kanovengwa aka, kanonamata zvakasiyana neruzhinji. Kuchagadirirwa kuvawira nekuvaparadza nehusiku humwechete, kunyaradza zvachose izwi iri rinotsiura nekutaura zvakasiyana nevamwe. KK 379.1

    Vanhu vaMwari-vamwe varimumatirongo, vamwe vakavanda munzvimbo dzemumasango nemumakomo-vachingoramba vachikumbira kudzivirirwa naMwari, kose kose mapoka evarume akapakatira zvombo zvekurwisa nazvo, vachikurudzirwa nevatumwa vakaipa vachigadzirira basa rekuvuraya. Ndipo panguva iyi, yekutambudzika kwekupedzisira, apo Mwari waIsraeri achapindira kuti adzikinure vanhu vaakasanangura. Ndizvo zvinotuara Jehova: “Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nekufara kwemwoyo, wakafanana newemunhu anoenda kugomo raJehova, kudombo raIsraeri. Jehova achanzwisa inzwi rake reumambo, acharatidza kuburuka kweruoko rwake, nekutsamwa kwake kukuru, nemurazvo wemoto unopedza zvose, nechamupupuri, nekunaya kukuru kwemvura, nechimvuramabwe.” Isaya 30: 29,30.KK 379.2

    Nekudaidzira kwekukurira, kuseka nekushora , mapoka evakaipa avekuda kuwira pamusoro pevatsvene, ipapo ndipo pachavonekwa gore rakasviba kwazvo, rakasviba kupfuvura kusviba kwevusiku, rinowira pamusoro penyika. Zvino muraravungu, unopenya nekuda kwekubwinya kunobva pachigaro chaMwari, unozadza denga, uchiita sekutenderedza chipoka chimwe nechimwe chevatsvene vose vari kunamata. Mapoka evanhu vakatsamwa vaya anokaruka amiswa. Mhere mhere yavo yekushora nekutuka inopera. Vanokanganwa mhandu dzavo. Nekutya kukuru vanotarisa chiratidzo chesungano yaMwari, nekutsvaka kudzivirirwa kubva kusimba rekubwinya kukuru kwacho.KK 379.3

    Kuvanhu vaMwari kunonzvikwa izwi kudaidzira nekuimba rinoti, “Tarirai kumusoro,” ivo pavanotarira kumusoro, vanovona murarawungu wechitsidzo. Gore dema rakashatirwa ranga rakaputira nyika rinobviswa, saStefani vanotarisa kudenga, vanovona kubwinya kwaMwari, neMwanakomana weMunhu akagara pachigaro. Muchimiro chake chitsvene vanovona zviratidzo zvekuninipiswa kwake, uye kubva mumuromo make vanonzwa chikumbiro, chichienda kubaBaba nevatumwa vatsvene, “Ndinokumbira kuti avo vamakandipa, vave neni pandiri. Johane 17:24.KK 379.4

    Inzwi rinotapira rinenge mumhanzi rakanzwikwazve richiti: “Varikuuya! Varikuuya! Vatsvene, vasina chakaipa, vasina chavanopomerwa, vasina tsvina. Vakachengeta shoko rekutsungirira kwangu; vachafamba pakati pevatumwa.” Nemiromo inekutya yeavo vakabatirira kutenda, vanoshevedzera kukurira kwavo.KK 379.5

    Pakati pevusiku apo Mwari paanodaidzira simba rake rekudzikinura vanhu vake. Zuva rinobva rabuda, richipenya nesimba raro rose. Zviratidzo nezvishamiso zvoteverana nekukurumidza. Vakaipa votarisa nekutya nekushamisika kuzviitiko izvi, asi vakarurama vachitarisa nemufaro mutsvene zviratidzo zvekudzikinurwa kwavo. Zvinhu zvose zvinoita sezvabva pamasikirwe azvo. Hova dzinomira kuerera. Makore akakora akasviba anosimuka, achibonderana zvinesimba. Pakati pekushatirwa kwematenga kunovonekwa nzvimbo imwe chete ine kupenya kusingatsananguriki, umo munobva inzwi raMwari richitinhira semvura zhinji richiti, “Zvapera.” Zvakazarurwa 16:17, 18.KK 380.1

    Inzwi iri rinozunguza matenga nenyika. Kunoitika kudengenyeka kwenyika kukuru kwazvo, “kusati kwakamboitika kwakadaro kubvira pakusikwa kwevanhu panyika, kwakakura kura kwazvo.” Zvakazarurwa 16:17,18. Muchadenga munoita semunovhurika muchivharika. Kubwinya kunobva pachigaro chaMwari kunoita sekunobuda naipapo. Makomo anozunguzwa sezvinoitwa rutsanga nemhepo, nematombo akatsemuka akakandwa kose kose. Kune kutinhira sekwe dutu guru rinovuya. Gungwa rinomutswa nehasha. Kunonzwikwa kurira kwemhepo inemvura zvinji, seizwi remadhimoni arikuenda kunoparadza. Nyika yose inosimuka mudenga ichidzika ichizvimba semafungu egungwa. Pamusoro penyika pachitsemuka tsemuka. Nheyo dzayo dzinoita sedzaparara. Makomo makuru anonyura. Zvitsuwa zvaigarwa nevanhu zvinoshaikwa. Nzvimbo dzaisvikira zvikepe zvikuru dzakanga dzave seSodoma pakuita zvakaipa, dzinomedzwa nemvura yakashatirwa. Babironi yekare yarangarirwa naMwari, “kuti ripiwe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.” Zvakazarurwa 16:19, 21. Chimvura mambwe chikuru kwazvo, “kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenta” chichiita basa racho rekuparadza. Maguta aizvikudza zvikuru panyika anodzikiswa. Mizinda yemadzishe umo vakakudzwa venyika ino vakadirira pfuma yavo zhinji kuti vazvifadze nekuzviwanira mbiri inowisirwa pasi pameso avo chaipo. Madziro emajere anokandirwa pasi, vanhu vaMwari vakanga vakasungwa nekuda kwekutenda kwavo vanosunungurwa.KK 380.2

    Makuva anozaruka, …“vazhinji vevavete muguruva repasi vachamuka…, vamwe kuvupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nekuzvidzwa kusingaperi.” Danieri 12:2. Vose vakafira mukutenda kwekuparidzwa kweshoko remutumwa wechitatu vanomuka kubva mumakuva vapfekedzwa kubwinya, kuti vanzwe chitsidzo chaMwari cherugare kune avo vakachengeta mutemo wake. “Naivo vakamubaya,” (Zvakazarurwa 1:7) avo vakaseka nekushora kutambudzika nekufa kwake Kristu, nevaipikisa chokwadi chake nevanhu vake zvakanyanyisa, vanomutswa kuti vamuvone ari mukubwinya kwake, kuti vavone kukudzwa kunenge kwaiswa pamusoro pevakaterera nevakazviisa pasi paMwari. KK 380.3

    Makore akakora achiri mudenga, asi zuva zvino rinoita richibuda pano nepapo, richiita seziso raJehova rekudzorera. Mheni dzinotyisa dzinosvetuka kubva kudenga, dzichiputira nyika yose murimi remoto. Pamusoro pekutinhira kukuru kunotyisa, manzwi asina kujairika anotyisa anodaidzira kuparara kwevakaipa. Mazwi anotuarwa aya haanzwikwi nevanhu vose, asi anonzwikwa zvajeka kwazvo nevadzidzisi venhema. Avo munguva duku yakapfuvura vakanga vasina hanya, vachizvikudza nekuramba murairo, vakaita hutsinye hunotyisa kwazvo kuvanhu vanochengeta murairo waMwari, vawirwa zvino nekupererwa nekutya kukuru. Kuwungudza kwavo kunonzvikwa pamusoro peruzha rwezvimwe zvose. Madhimoni anobvuma huMwari hwaKristu, achidedera pamberi pesimba rake, vanhu vachikumbira tsitsi, vachigwesha mukutya.KK 380.4

    Vakadaro vaprofita vekare, pavaitarisa zuva iri raMwari mumuvono, “Chemai, nekuti zuva raJehova riri pedyo; rinosvika sekuparadza kunobva kune weMasimbaose.” Isaya 13:6. “Pinda mudombo uvande,muguruva, nekuda kwaJehova anotyisa, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwake. Kuzvikudza kwevanhu kuchaderedzwa, nemanyawi evanhu achaninipiswa, Jehova oga achakudzwa nezuva iro. Nekuti Jehova wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada nevanozvikudza, nevane manyawi; vachaderedzwa.” “Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesiriva nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhukusa nezviremwaremwa; vapinde mumapako ematombo, nemumikaha yematombo makuru, nekuda kwaJehova anotyisa, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.” Isaya 2 : 10-12; 20-21.KK 381.1

    Nepakati pemukaha wemumakore, kunobuda nyeredzi inopenya kupenya kwayo kunokura kakapetwa runa zvichienzaniswa nerima rinenge ririko. Inotaura tariro nerufaro kune vakatendeka, asi kurangwa kukuru nehasha kune vasakarurama vanotyora murairo waMwari. Avo vakapa zvose nekuda kwaKristu vachengeteka zvino, vavigwa munenge mumapapiro aIshe. Vakaedzwa vakawanikwa vakakwana, pamberi penyika yose nepamberi pevanoramba chokwadi vakaratidza kutendeka kwavo kunaIye akafira zvivi zvavo. Kushanduka kukuru kwave pamusoro peavo vakabatisisa kutendeka kwavo pamberi perufu chairwo. Vasunungurwa kubva murima nemuhudzvinyiriri hunotyisa hwevanhu vakashandurwa kuva madhimoni. Zviso zvavo zvakambosuwa, zvichishushikana, nekuratidza kuparara, zvajekeswa zvino nechishamiso, kutenda nerudo. Mazwi avo anokwira zvino mukuimba: “Mwari ndiye vutiziro hwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedyo-pedyo panguva dzekumanikidzwa. Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa. Kunyange mvura zhinji yawo yotinhira nekumutswa, kunyange makomo akadedera nekupupuma kwawo” Pisarema 46: 1-3.KK 381.2

    Mazwi aya ekuvimba munaMwari paanenge achikwira kunaMwari, makore anodzokera shure, matenga anenyeredzi ovonekwa, anekupenya kusingatauriki kana kuchienzaniswa nedenga dema rine hasha kumativi ose. Kubwinya kweguta rekudenga kunoyerera kuchibuda nepamasuo akashama. Mudenga munovonekwa ruoko rwemunhu rwakabata matombo maviri akakwidibirana. Anodaro muprofita, “Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; Nekuti Mwari ndiye mutongi amene” Pisarema 50:6. Mutemo uyu mutsvene, kururama kwaMwari, wakataurwa paSinai pakati pemheni, nemurazvo wemoto semurairo wekurarama nawo, wavekuratidzwa zvino kuvanhu sechiero chinoshandiswa pakutonga. Ruvoko runovhura matombo, povonekwa zvirevo zvemirairo inegumi, zvichiita sezvakanyorwa nemoto. Mazwi akajeka zvekuti . . . Mutemo wake kana vaingaenzanisa zvimiro zvavo nawo, nekudzidza kusakwana kwavo mukana wekutendevuka nekushanduka uchiripo; asi kuti vadiwe nenyika, vakaisa zvaunoreva parutivi nekudzidzisa vamwe kuudarika. Vakashingaira kumanikidza vanhu vaMwari kuti vatyore Sabata. Zvino vave kupiwa mhosva nemurairo iwoyo wavakazvidza. Nekujekerwa kusina kana chingashaikwa vanovona kuti Havana chavangataura kuzvireverera. Vakasarudza wavaida kushumira nekunamata. “Ipapo muchaonazve kusiyana kwewakarurama newakaipa, kweanoshumira Mwari neasingamushumiri” Malachi 3:18.KK 381.3

    Vavengi vemurairo waMwari, kubva kuvafundisi kusvika kunemunhu wekupedzisira, vave kuona chokwadi nenzira itsva chokwadi, nezvavaifanira kuita. Nguva yapera ndipo pavanovona kuti Sabata remurairo wechina ndiro chisimbiso chaicho chaMwari mupenyu. Nguva yapera ndipo pavanovona chimiro chaicho chesabata rekunyepera, nemujecha mavaivakira. Vanovona kuti vakanga vachirwa naMwari. Vadzidzisi vezvekunamata vakatungamirira vanhu mukurasika asi ivo vachiti varikutungamirira vanhu kuenda kuParadiso. Pazuva rerutongo ndipo pachazivikanwa musengwa uripavatungamiriri vari pazvigaro zvitsvene, nemuchero yekusatendeka kwavo kuti yakaipa sei. Muhupenyu husingaperi chete ndimo matichanyatso nzwisisa kurwadza kwekurasika kwemunhu mumwechete. Achatyisa sei magumo emunhu achanzi naMwari: Ibva kwandiri iwe muranda wakaipa. KK 382.1

    Izwi raMwari rinonzwikwa richibva mudenga, richitaura zuva nenguva yekuuya kwaJesu, richitaura sungano isingaperi kuvanhu vake. Semheni ineruzha rukuru kwazvo, mashoko ake akaita maungira munyika yose. Israeri yaMwari inomira ichiterera, maziso avo akatarisa kudenga. Zviso zvavo zvinojekeswa nekubwinya kwake, nekupenya sezvakaita chiso chaMosisi paakaburuka kubva muSinai. Vakaipa havachagoni kuvatarisa. Chikomborero pachinotaurwa kuneavo vakakudza Mwari nekuchengeta Sabata riri dzvene, pane kudanidzira kukuru kwekukurira.KK 382.2

    Nekukasika kumabvazuva kunovonekwa kakore kaduku katema, kanenge chidimbu cheruvoko rwemunhu. Ndiro gore rinopoteredza Muponesi, rinoita serakaputirwa nerima nechekure. Vanhu vaMwari vanoziva kuti ichi chiratidzo cheMwanakomana wemunhu. Murunyararo rwakadzikama vanotarisa parinoswedera pedyo nenyika, parinenge richiwedzera kujeka nekubwinya zvishoma nezvishoma, kusvikira rave gore guru jena, pasi paro pachibwinya semurazvo wemoto unoparadza , pamusoro paro pane muraraungu wesungano. Jesu anoritasva semukundi mukuru. Ikozvino asiri, “munhu wekutambudzika,” kuti anwe pamukombe unovava wekunyadziswa newenhamo, anovuya, semukundi kudenga nepanyika, kuzotonga vapenyu nevakafa. “Akatendeka wazvokwadi,” “Anotonga nekurwa zvakarurama,” ” Nehondo dzekudenga dzanomutevera” Zvazarurwa 19:11, 14. Nenziyo dzekudenga vatumwa vatsvene, chaunga chakakura chisingaverengeki, vanomuperekedza. Muchadenga mose munozara nezvisikwa zvinopenya,-“zviuru zvine gumi nezviuru zvezviuru.” Hakuna munhu angagona kunyora chiitiko ichi, hakuna pfungwa dzemunhu dzinganzwisisa kupenya nekubwinya kwakadai. “Kubwinya kwake kunozadza denga rose nenyika inozara nenyika inozara nekumurumbidza. Nekubwinya kwake kwakaita sechiedza” Habakuki 3:3, 4. Gore benyu iri parinoswedera pedyo, meso ose anovona Muchinda wevupenyu. Hakusisina chiremba cheminzwa chinokuvadza musoro mutsvene uyu, asi chiremba chembiri chinogara mumusoro wake mutsvene. Chiso chake chinopenya kupfuvura kujeka kwezuva remasikati makuru. “Panguvo yake napachidzva chake pakanga pakanyorwa zita rinoti: Mambo wamadzimambo, naShe Wamadzishe” Zvakazarurwa 19:16. KK 382.3

    Pamberi pake, zviso zvose zvinochenuruka,” (pamusoro pevairamba tsitsi dzaMwari panowira kutya kwekuparadzwa nekusingaperi. “Mwoyo unonyauka, mabvi anobonderana, kurwadziwa kuripo pazviuno zvose, zviso zvavose zvacheneruka” Jeremia 30:6; Nahamu 2:10. Vakarurama vanochema nekudedera, “Ndiani achagona kumira?” Kuimba kwevatumwa kunonyaradzwa, kunovapo nekunyarara kunotyisa. Izwi raJesu rinonzwikwa, richiti, “Nyasha dzangu dzakakukwanirai.” Zviso zvevakarurama zvinopenya, nemufaro unozadza mwoyo yavose. Vatumwa voimba rwiyo rwakakwirira, voimba zvekare pavanoswedera pedyo nenyika.KK 382.4

    Mambo wemadzimbo anodzika agere pagore, akaputirwa mumurwazvo wemoto. Matenga anopetwa sebhuku, nyika inodedera pamberi pake, negomo rimwe nerimwe nechitsuwa zvinobva panzvimbo dzazvo. “Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza. Anodana denga kumusoro, nepasi, kuti atongere vanhu vake” Pisarema 50:3, 4.KK 383.1

    “Nemadzimambo enyika, nevakuru, nevatungamiriri vehondo, nevafumi, nevanesimba, nevaranda vose, nevakasununguka vose vakanovanda mumapako nemumambwe emakomo; vakati kumakomo nekumabwe: ‘Tiwirei, mutivige pameso aiye unogara pachigaro chevushe, nepakutsamwa kweGwaiana; nekuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; ndianiko unogona kumira?’ ” Zvakazarurwa 6:15-17.KK 383.2

    Mashoko ekutuka nekunyomba apera. Miromo inonyepa yanyaradzwa. Kurwisana kwapera, kurira kwezvombo nemhirizhonga yehondo “neruzha rwenyongano, nenguvo yakanyikwa muropa,” (Isaya 9:5) zvanyaradzwa. Hakuna kunzwikwa kweizwi rekunamata kana kuchema kana kuwungudza. Kuchema kwavakubva zvino pamiromo yaimbo seka nekutuka. “Zuva rekutsamwa kwake rasvika; ndiani achagona kumira?” Vasakarurama vanochemera kuvigwa mumatombo emakomo, pane kusangana nechiso chaiye wavakazvidza nekuramba.KK 383.3

    Izwi iri rinopinda kana munzeve dzevakafa, vanoriziva. Rakambovakoka nekunyengerera kakawanda kuti vatendeuke. Rakambonzwikwa kakawanda mukunyengerera kweshamwari, hama, naMuponesi. Kune vakaramba nyasha dzake, hakuna mumwe angavuya nekutonga kwakadai, riya rakambonyengerera kwenguva yakareba, “Tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nekuti muchafireiko?” Ezekieri 33:11. Kudai rakanga riri izwi remutorwa! Anodaro Jesu: “Zvandakadana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruvoko rwangu, kukasava nemunhu akarangarira; asi makazvidza mano angu ose, mukaramba chose kuraira kwangu”Zvirevo 1: 24, 25. Izwi iri rinomutsa ndangariro dzavasingadi kurangarira, yambiro dzakarambwa, rukoko rwakazvidzwa, nemikana isina kushandiswa. KK 383.4

    Kune avo vakaseka Jesu mukuzvidzwa nekutambudzwa kwake. Nesimba rinotyisa mashoko aMuponesi paairwadziwa anodzokazve aakataura kumuprista mukuru pachena, “Kubva zvino muchavona Mwanakomana wemunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya nemakore ekudenga” Mateo 26:64. Zvino vave kumuvona ari mukubwinya kwake asi kwasara kumuvona agere kuruvoko rwerudyi rwesimba.KK 383.5

    Avo vaiseka vachiti anonyepera kuti Mwanakomana waMwari zvino vanyaradzwa. Herodi aizvikudza agere pachigaro chekutonga, achimuseka kuti ndishe akaita sei, achitaurira mauto kuti vamupfekedze korona yehushe. Pane zvakare varume vaya vakada kufadzana, vakamupfekedza nguvo tsvuku, pamusoro wake mutsvene vakamupfekedza korona yeminzwa, nemuruvoko rwake rusingarambi vakamubatisa tsvimbo yekumushora, nekumupfugamira mukumuzvidza. Varume vakamupfira nekushora Muchinda wevupenyu, zvino vave kutiza kubva kuchiso chake chirikuvabaya pamwoyo kuti vaende kure nekubwinya kwake kukuru. Vaya vakarovera zvipikiri mumavoko nemakumbo ake, nemuuto uya akabaya parutivi rwake vanotarisa mavanga aya nekutya kukuru nekurwadziwa kwekupererwa.KK 384.1

    Vaprista nevatongi vanorangarira zvakaitika paKarivari nenzira inotyisa. Nenzira inovhundusa vanorangarira kudzungudza kwavaiita misoro yavo vakazadzwa nadhiaborosi vachiti, “Akaponesa vamwe; Iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Mambo wevaIsraeri, ngaadzike kubva pamuchinjikwa, tigomudavira. Akavimba naMwari; ngaachimubatsira zvino, tivone kuti anogona here kumubatsira” Mateo 27:42, 43.KK 384.2

    Vanorangarira zvinoshamisa mufananidzo waMuponesi wevaranda vakaipa vakaramba kupa ishe wavo zvibereko zvemuzambiringa wake, avo vakatadzira varanda nekuvuraya mwanakomana wake. Vanorangarirawo: kutonga kwavakazviita: Ishe wemuzambiringa, “uchaparadza vanhu ava vakaipisisa zvachose.” Muchitema nekurangwa kwevanhu ava vasina kutendeka, vaprista nevakuru vanovona mabasa avo nechirango chavo ivo chekuparadzwa. Panobva pabuda kuchema kwekuparara kwekurwadziwa kukuru. Kudaidzira kunopfuura kwavakamboita vachiti, “Ngaaroverwe! Ngaaroverwe!” uko kwakanzwikwa muJerusarema rose, kudaidzira kuzere nekutya nekuchema kusina tariro kunoti: “Ndiye Mwanakomana waMwari! Ndiye Mesia wechokwadi!” Vanotsvaka kutiza pamberi paMambo wemadzimambo. Vanoedza kuvanda mumapako enyika, atsemurwa nekudengenyeka kwezvinhu zvose, asi zvisingabatsire. KK 384.3

    Muhupenyu hwevanhu vose vanoramba chokwadi, pane nguva apo hana painombomuka, ndangariro padzinorwadziwa dzichitarisa kunyengera kwakaitwa muhupenyu, mweya wotambudzwa nekuzvidemba. Asi izvi chii kana zvichienzaniswa nekurwadziwa kwezuva iri, “kana kutya kuchisvika sedutu guru, nekuparadzwa kuchisvika sechamupupuri;” Zvirevo 1:27. Avo vaida kuparadza Kristu nevakatendeka kwaari, vavekuona zvino mbiri yavavenayo. Mukati mekutya kwavo vanonzwa mazwi evatsvene vachifara vachiti, “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehova, takanga takamumirira, tichafara, nekufarira ruponeso rwake” Isaya 25:9.KK 384.4

    Pakati pekudzedzereka kwenyika, kupenya kwemheni, nekutinhira kwayo, izwi reMwanakomana waMwari rinodaidzira vatsvene vavete. Anotarisa makuva evatsvene, anosimudza ruvoko rwake kudenga nekudaidzira, “Mukai, mukai, mukai, imi vavete muguruva, mukai!” Pakufara kwenyika yose, vakafa vachanzwa izwi iri, avo vachanzwa vachararama. Nenyika yose ichaita maungira nekuda kwehondo huru inobva kumarudzi ose, ndudzi, ndimi nevanhu vose. Kubva mujere rerufu vanovuya, vakapfeka kusafa, vachidaidzira, “Iwe rufu rumborera rwako ruripiko? Iwe guva kukunda kwako kuripiko?” 1 VaKorinde 15:55. Vapenyu vakarurama nevakarurama vamuka vanobatana mukudaidzira kwakareba kunofadza kwekukurira.KK 384.5

    Vose vanobuda mumakuva nechimiro sechavakapinda nacho. Adamu achamira pakati pechaunga chamuka, akareba kwazvo asi arimupfupi zvishoma kuMwanakomana waMwari. Anoratidza kusiyana kukuru nemamwe mazera akazovapo kumashure, ipapa chete panoratidzwa kudzikira kukuru kwakaita rudzi rwevanhu. Asi vose vanosimuka nehutsva nesimba rehuduku husingaperi. Pakutanga munhu akasikwa arimumufananidzo waMwari, musiri muzviito chete, asi mumuviri, muchimiro nekuvonekwa kwake. Chitema chakakanganisa chikapotsa chadzima zvachose mufananidzo waMwari uyu; asi Kristu akavuya kuzodzorera icho chakanga charasika. Achashandura miviri yedu yekuninipiswa iyi kuti ifanane nemuviri wekubwinya wake. Chinofa, chinovora, chisina chakanaka machiri, chakambosvibiswa nechitema, chinopiwa kuperera, kunaka, nekurarama nekusingaperi. Zvose zvinoshoreka nehurema hose zvinosara muguva. Vadzorerwa kumuti wehupenyu wakarasika kare kare muEdeni, vakaponeswa “vachakura” (Maraki 4:2) vagoreba kusvika pachimiro chekubwinya chekutanga. Zvose zvairatidza chitema zvichabviswa, vakatendeka vaKristu vachamira “murunako rwaJehova Mwari wedu,” mupfungwa, mumweya nemumuviri vachiratidza mufananidzo wakaperera waIshe Mwari wedu. Haiwa, rudzikinuro runoshamisa sei! Rwakataurwa kubvira kare, rukatarisirwa kubva kare, nekumirirwa nemwoyo wose, asi rusinganzwisisiki zvakazara.KK 385.1

    Vapenyu vakarurama vachashandurwa nekanguva kaduku “sekubwaira kweziso.” Neizwi remuromo waMwari vakapiwa kubwinya, zvino vapiwa kusafa, pamwechete nevatsvene vamutswa kuvakafa vatorwa kuti vasangane naIshe mudenga. Vatumwa “vanounganidza vakaponeswa kubva kumativi mana enyika, kubva kunemumwe mugumo wenyika kusvika kunemumwe.” Vacheche vanotakurwa nevatumwa vachiiswa mumavoko emadzimai avo. Shamwari dzakaparadzaniswa nerufu kare kare dzinosanganiswa, pasina kuzoparadzana zvakare, nenziyo dzekufara vanokwira pamwechete vachienda kuguta raMwari.KK 385.2

    Kumativi ose engoro yegore iri kunemapapiro, pasi pavo pane mavhiri mapenyu, ngoro painenge ichikwira, mavhiri anodaidzira achiti, “Mutsvene” nemapapirowo paanenge achisimuka anodaidzira, “Mutsvene,” neboka revatumwa vanobvumira vachidanidzira vachiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene Jehova Mwari Wemasimba Ose.” Nevakaponeswa vanodaidzira “Hareruya!” panenge pachikwira ngoro yakananga kuJerusarema Idzva. KK 385.3

    Vasati yapinda muguta raMwari, Muponesi anoisa chiratidzo chekukurira pavateveri vake, nekuvapa nguvo dzehumambo. Vatsvene vanomira vari mumativi mana akaenzana, pakati panaMambo wavo, uyo anechimiro chakareba kupfuvura chevatsvene nechevatumwa, uyo anechiso chinokanda maranzi erudo kwavari. Pakati pechaunga chisingaverengeki chevakaponeswa, maziso ose akatarisa paari, ziso rose rinotarisa kubwinya kwaIye akakuvadzwa kupfuvura vanhu vose, nenzira isina kumboitwa mumwe munhu.” Pamisoro yevakuriri ava, Jesu neruvoko rwake rwerudyi anoisa korona yembiri. Munhu wose ane korona yake, inenge ine “zita rake idzva” Zvakazarurwa 2:17) nemavara anoti, “Hutsvene KunaMwari.” Murovoko rwemunhu wose munoiswa muchindwe wemukuriri nemarimba anopenya! Zvino mutumwa anenge achitungamirira paanopa karidziro, ruvoko rumwe nerumwe runoridza marimba nehumhizha, pachibuda kuimbira kwakafuma kwazvo kunotapira kuterera. Mwoyo mumwe nemumwe unozadzwa nemufaro unoshamisa kwazvo, izwi rimwe nerimwe rinosimudzirwa mudenga nekurumbidza kwekutenda: ” Kuna iye wakatida akatisuka, pazvivi zvedu neropa rake, akatiita madzimambo, nevaPirisita kunaMwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nekusingaperi peri. Ameni” Zvakazarurwa 1:5, 6.KK 385.4

    Pamberi pevakadzikinurwa paneguta dzvene. Jesu anozarura masuo emaparera, marudzi akachengeta chokwadi opinda. Imomo anovona Paradiso yaMwari, musha waAdamu asati atadza. Zvino izwi rinotapira kupfuvura kuimbira kose kwambo mhara panzeve dzevanhu richanzwikwa richiti, “Hondo yenyu yapera.” Vuyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, garai nhaka yamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika.”KK 386.1

    Munyengetero waMuponesi waakanamatira vateveri vakezvino wazadziswa, “Ndinoda kuti avo vamakandipa vave neni pandinenge ndiri.” “Pamberi pekubwinya kwake vasina chavangapomerwa, vachifara kwazvo,” Judasi 24. Kristu anopa zvibereko zveropa rake pamberi zvakadini paBaba, achiti, “Ndiripano nevana vamakandipa.” “Avo vamakandipa ndakavachengeta.” Haiwa zvishamiso zverudo rwerudzikinuro! Kufadza kunovuya ipapo Baba pavanotarisa vakadzikinurwa, vachivona mufananidzo wavo, kushata kwechitema kwabviswa, kurwadza kwacho pasisina, munhu avekuwirirana naMwari zvekare!KK 386.2

    Nerudo rusingatauriki, Jesu anochingamidza vakatendeka vake “kurufaro rwaIshe wavo”. Mufaro waMuponesi ndewekuona, muhumambo hwekudenga, mweya yakaponeswa nekutambudzika kwake nekuzvininipisa kwake. Vakaponeswa vachafara pamwechete naye, pavanenge vachivona vakaponeswa nekuda kweminamato yavo, nekushanda kwavo, nekuzvipira kwavo kwerudo. Pavanenge vachivungana pamberi pechigaro chichena chikuru, kufara kusina kumbovonekwa kuchazadza mwoyo yavo, vachivona avo vakashandira kuti vaponeswe naKristu. Vachivona kuti mumwe chete wakawana vamwe, nevamwe ivava vakawanavo vamwe zvakare, vose vave mubako rekuzorora kuti vaise korona dzavo patsoka dzaJesu nekumurumbidza nekusingaperi.KK 386.3

    Vaponeswi pavanenge vachichingamidza muguta raMwari, mudenga munozara kudaidzira kwerudo rukuru nekuremekedza nekunamata. Vana Adamu vaviri vave kuda kusangana. Mwanakomana waMwari akamira akatandavadza mavoko ake kugashira baba verudzi rwedu -munhu waakasika, akatadzira Musiki wake, akakonzera mavanga emuchinjikwa pamuviri waMuponesi. Adamu paanovona mavanga ehutsinye hwezvipikiri, haawiri pachifuva chaMuponesi, asi mukuzvininipisa anozvikandira pamakumbo ake, achichema, “Yakafanira, yakafanira Nyenye yakabaiwa!” Nevunyoro Muponesi anomusimudza, nekumutaurira kuti atarisezve musha weEdeni umo maakadzingwa kare kare.KK 386.4

    Kubva paakadzingwa muEdeni, hupenyu hwaAdamu panyika hwakanga hwakazara nekusuwa. Kufa kweshizha rimwe nerimwe, hwai imwe neimwe yaibairwa, chose chakaipa chakawira nyika,chose chakaipa chakakanganisa kuchema kwemunhu, chaive chirangaridzo chitsva chechitema chake. Akarwadziwa kwazvo paaivona kusarurama kuchiwanda, mukudza kuyambira vanhu kwake, aikasangana nekutukwa achinzi ndiye akakonzera chitema. Nekutiwira kwekuzvininipisa akatakura, kwemakore angasvika chiuru, mubairo wekudarika murairo. Akatendevuka kubva muzvivi zvake nemwoyo wose, nekutarisira kuna Muponesi akavimbiswa, akafa ainetariro yerumuko. Mwanakomana waMwari akadzikinura kutadza nekuputsika kwemunhu; ikozvino, kuburikidza nebasa rekuchenurwa, Adamu anodzererwazve pachinzvimbo chake chekutanga.KK 386.5

    Akatakurwa nerufaro, anotarisa miti yakambomufadza-miti inemichero yaakambonhonga paakanga asati atadza achifara. Anovona mizambiringa yaakasakurira nekuchekerera, maruva aaimbofarira kurimira. Pfungwa dzake dzinobatwazve nezvaanovona chaizvo, anogutsikana kuti zvechokwadi iyi ndiyo Edeni yadzorerwa panezvayakanga yakaita, yanaka kupfuvura zvayakanga yakaita paakaburitswa mairi. Muponesi omutungamirira kuenda kumuti wehupenyu, anotanha muchero wawo nekumupa kuti adye. Anotarisa tarisa, anovona zviuru nezviuru zvemhuri yake vakadzikinurwa, vakamira muParadiso yaMwari. Anokandira chiremba chake chinopenya pamakumbo aJesu, achiwira pasi nechifuva chake, anombundikira Mudzikinuri. Anobata marimba endarama, maungira edenga anodaira rwiyo rwekukunda urwu: “Yakafanira, yakafanira, yakafanira Nyenye yakabaiwa, inoraramazve!” Mhuri yose yaAdamu vanokandirawo korona dzavo pamakumbo aJesu vopfugamira patsoka dzake mukutenda kumurumbidza nekumunamata.KK 387.1

    Kudzokeranazve uku kunopupurirwa nevatumwa vakambochema musi wakatadza Adamu, nekupembera, musi wakakwira Jesu kudenga abva kumuka kunevakafa, avhura makuva evanhu vose vaizotenda muzita rake. Zvino vanotarisa basa rerudzikinuro rapera, vanoimbawo pamwe chete rwiyo rwekurumbidza.KK 387.2

    Pamusoro pegungwa rekristori riri pamberi pechigaro chehushe, gungwa riya regirazi raiita serakasanganiswa nemoto,-richipenyeswa nembiri yaMwari,- paungana vanhu “vakakurira chikara, nemufananidzo wacho nechiratidzo chacho, nechiverengo chezita racho” Zvakazarurwa 15:2. NeGwaiana paGomo reZioni, “vaIne rudimbwa rwaMwari,” vanomira, 144 000 avo vakadzikinurwa kubva panyaika; pakanzwikwa kutinhira sekwemvura zhinji, nekutinhira kwemheni kukuru, “nenzwi seravaridzi verudimbwa vachiridza vudimbwa” Zvakazarurwa 14:1-5; 15: 3; 7: 14-17. Zvino vakaimba “rwiyo rutsva” pamberi pechigaro, rwiyo rusina mumwe akarudzidza kunze kwe 144 000. Rwiyo rwaMosisi neGwaiana,-rwiyo rwekudzikinurwa. Hakuna mumwe kunze kwe 144 000 anogona kudzidza rwiyo urwu, nemhaka yekuti rwiyo rwezvakaitika kwavari,-zvisina kumboitika kune rimwe boka. “Ndivo vanotevera Gwaiana kose kwarinoenda.” Avo vakashandurwa kubva panyika, kubva pavapenyu, vanoverengwa, “…sezvibereko zvekutanga kunaMwari nekuGwaiana.” “Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru;” (Zvakazarurwa 14: 1-5; 15: 3; 7: 14-17), vakapfuvura nemunguva yematambudzika makuru asina kumbovapo akadaro kubvira pakatanga marudzi evanhu panyika; vakashinga munguva yematambudziko aJokobo; vakamira vasina mumiririri munguva yekudirwa kwekutonga kwaMwari kwekupedzisira. Asi vakadzikinurwa, nemhaka yekuti “vakageza nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwaiana.” “Mumuromo mavo hamuna kuvonekwa nhema, havana chavangapomerwa pamberi pechigaro chaMwari.” “Naizvozvo vari pamberi pechigaro chevushe chaMwari, vanomushumira masikati nevusiku mutembere yake; Iye unogara pachigaro chevushe, uchavadzitira netabernakeri.” (Zvakazarurwa 14: 1-5; 15: 3, 7; 7: 14-17.) Vakavona nyika ichiparara nenzara nezvirwere, zuva richipiwa simba rekuti ripise vanhu nekupisa kukuru, ivo vamene vakakunda mumatambudziko, munzara nenyota. Asi “havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nekumwe kupisa; nekuti Gwaiana riri pakati pechigaro chevushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura yevupenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo” Zvakazarurwa 14: 1-5; 15: 3, 7; 7: 14-17.KK 387.3

    Mumazera ose vasanangurwa vaMuponesi vaidzidziswa muchikoro chematambudziko. Vaifamba nenzira nhete panyika, vakachenurwa mumoto wemuchenuri wematambudziko. Nekuda kwaJesu vakashinga pakupikiswa, kuvengwa nekutukwa kunekushorwa. Vakamutevera nemumatambudziko anorwadza chaizvo, vakazviramba nekupinda mukukuhunika kukuru.KK 388.1

    Muvupenyu hwavo hwairwadza vakaziva huipi hwechitema, simba racho, nhamo dzacho, saka vanochitarisa nekusema kunekuvenga kukuru. Kunzwisisa kuzvipira kusingaperi kwakadaidzira kubva kwachiri, kunovaninipisa pameso avo, nekuzadza mwoyo yavo nekutenda nekurumbidza zvisingakwanisiki kuitwa nevasina kumbotadza. Vanonyanya kuda, nemhaka yekuti vakaregererwa zvakawanda. Sevagoverani naKristu mukutambudzika kwake, vanokodzera kudyidzana naye mumbiri yake.KK 388.2

    Vadyi venhaka vaMwari vakabva mumatambudziko, makomba, matorongo, mumipata, mumakomo, mumarenje, mumapako nemunzvimbo dzakavanda dzemhenderekedzo dzegungwa. Panyika vakanga, “vari varombo vekupedzisira, vachitambudzwa, nekurwadziswa.” Mamirioni akaenda kumakuva vazere nekutukwa nekumhurwa nemhaka yekuti vakaramba manyepo aSatani zvakasimba. Mumatare evanhu vakatongwa semakororo nevanhu vakaipisisa. Asi zvino, “Mwari ndiye avekutonga Pachake” Pisarema 50:6. Zvakanga zvatongwa nenyika zvino zvave kushandurwa. “…achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake .…” Isaya 25:8. “Vachavatumidza zita rinonzi “Vanhu vatsvene, Vakadzikunurwa naJehova” Isaya 62:12; 61: 3. Akagadza kuti , “vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta emufaro panzvimbo yekuchema, nenguvo yekurumbidza panzvimbo yemweya waziya . . . . Havachazovi vasina simba kana kutambura, havachina kuparadzirwa kana kudzvinyirirwa. Kubva zvino vavekugara naIshe nekusingaperi. Vave kumira pamberi pechigaro chehushe vakapfeka nguvo dzehushe dzakafuma dzinopfuvura dzose dzakambopfekwa nevanoremekedzwa venyika. Vakapfekedzwa zvino korona dzisina kumbopfekwa nemadzishe enyika ino. Mazuva ekurwadziwa nekuchema apera zvachose. Mambo Wembiri apukuta misodzi yose kubva pameso avo, chose chaikonzera kurwadziwa chabviswa. Mukati mekusimudza michindwe kunonzwikwa kuimba kwekurumbidza, kwakanaka kunotapira, nemazwi anopindirana, izwi rimwe nerimwe richipinda paro chaipo, kusvikira maungira azadza denga rose: “Ruponeso ngaruve kunaMwari unogara pachigaro chevushe, nekuGwaiana. Ipapo vagari vose vekudenga vakapinda vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nekubwinya, nekuchenjera, nekuvonga, nekukudzwa, nevushe, nesimba, ngazvive kunaMwari nokusingaperi-peri. Ameni.” Zvakazarurwa 7:10, 12. KK 388.3

    Muhupenyu huno tinogona kutanga kunzwisisa nyaya inoshamisa yerudzikunuro. Nepfungwa dzedu dzinogumirwa tinogona kuona kunyadzisa nembiri, hupenyu nerufu, kururamisa nenyasha, zvinosangana pamuchinjikwa, asi nekutatamuka kwekupedzisira kwepfungwa dzedu hatigoni kurunzwisisa kukosha kwarwo zvazara. Kureba nekufara, kudzama nekukwira, kwerudo rwerudzikinuro asi kungozvinzwisisa zvishomanana. Zano reruponeso harigoni kunzwisiswa zvakazara, kunyange vakadzikinurwa vave kuona sezvavanovonekwa vachivona sezvavanovonekwa ivo, asi kusvikira nekusingaperi, chokwadi chitsva chicharamba chichizarurwa kumunhu achishamiswa nacho nekuchifarira. Kana nepo manetswa nemarwadzo enyika ino abviswa nechinozvikonzera chabviswa, vanhu vaMwari vacharamba vachingove nekuziva mupfungwa dzavo kuti ruponeso rwavo rwakadhura zvakadii.KK 389.1

    Muchinjikwa waKristu ndiwo ucharamba uri sainzi nerwiyo zvevakaponeswa nekusingaperi. Muna Kristu ari mukubwinya vachavona Kristu akaroverwa pamuchinjikwa. Hazvizokanganwikwi narini kuti Iye akasika nesimba rake nekutakura nyika dzisingaverengeki muchadenga, Mudikanwi waMwari, Kubwinya kwedenga, uyo maserafimu nemakerubi anopenya akafarira kumuremekedza nekumunamata,-akazvininipisa kuti asimudze vanhu vakanga vaputsika, zvekuti akatakura mhosva nekunyadzisa kwezvivi, nekuvanzirwa chiso chaBaba vake, kusvikira matambudziko enyika yakarasika apwanya mwoyo wake, nekuparadza hupenyu hwake pamuchinjikwa weKarivari. Kuti muiti wenyika dzose, nemuMumiririri weremangwana rose, aise mbiri yake parutivi, nekuzvininipisa nekuda kwekuda munhu, zvichafadza nekudaidzira rudo nekuremekedza kudenga nepasi rose. Marudzi akaponeswa paachatarisa Mudzikinuri wawo, nekuona kubwinya kwaBaba kusingaperi muchiso chake, pavanotarisa chigaro chake chinobva kusingaperi kusvika kusingaperi, nekuziva kuti humambo hwake hauzoperi, vanotangazve kuimba rwiyo, “Yakafanira, yakafanira Nyenye yakabaiwa, yakatidzikinura kuna Mwari neropa rake rinoeresa kwazvo!” KK 389.2

    Chakavanzika chemuchinjikwa chinotsanangura zvimwe zvakavanzika zvose. Muchiedza chinoerera chichibva paKarivari, zvimiro zvaMwari zvakambotizadza nekutya nekushamiswa zvinoratidza runako nekutikwezvera kwazviri. Tsitsi, vunyoro, nerudo rwekubereka zvinovonekwa zvichisangana nehutsvene, kururamisira nesimba. Patinenge tichitarisa mbiri yechigaro chake, chakasimudzirwa nekukwidzwa kumusoro, tinovona chimiro chake munyasha dzacho, nekunzwisisa sezvatisina kumboita, kuti zita rakadai rinorevei rekuti, “Baba vedu.”KK 389.3

    Zvicharatidzwa kuti Iye anehuchenjeri husina magumo haasaironga zano reruponeso pasina kuzvipira kweMwanakomana wake. Mubairo werufaro runobuda mukuzvipira kwakadai kwuzadza nyika yose nevanhu vakadzikinurwa, vatsvene, vanofara, vanorarama nekusingaperi. Chakabuda muhondo yaMuponesi nemasimba erima rufaro kunevakaponeswa, runoramba ruchipa mbiri kuna Mwari ruripo nekusingaperi. Uku ndiko kukosha kwemunhu zvekuti Baba vanogutsikana nemutengo wakabhadharwa, Kristu pachake, achivona michero yekuzvipira kwake kukuru, anogutsikanawo.KK 389.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents