Go to full page →

Chokwadi Chinorambwa Nokuti Chine Chekuita neMuchinjikwa TaH 30

Satani anoita kuti dzidziso dzakatsauka dzigamuchirike nyore. Iye akagadzirira kupa zvidiso zvemwoyo uye kunyengera panzvimbo yeidi. Ndiyo nzira yakashandiswa naana papa kuti vaise simba ravo pakukurira mifungo yevanhu. Nekuramba chokwadi nekuda kwekuti chine muchinjikwa mukati maprotestant ari kutevedzerawo nzira imwe cheteyo. Vose vanoda zvakareruka kuti vayanane nenyika vachasiyiwa kuti vagamuchire dzidziso dzakarasika dzinoparadzisa munhu nekusingaperi pachinzvimbo chekugamuchira chokwadi (2 Pet 2:1). TaH 30.1