Go to full page →

Kuyanana Kunorambidzwa TaH 52

Mwari akarambidza hurukuro pakati pevanhu nemweya yakaipa kana inozviti yevafl. Mweya yekuvuka iyi sekuzivikanwa kwayo ichishanya kubva kune dzimwe nyika inonzi neBaiberi mweya yaSatani. (Num 25:1-3; Mapisa 106:28; 1 vaKor 10:20; Zvak 16:14). Kuva nechekuita nemweya iyi zvainge zvichirambidzwa. Uyo aiwanikidzwa achiita saizvozvo aiurayiwa ( Revhitiko 19:31;20:27). Kushanda kwezvemweya yakaipa muchimiro chinoyemurika kwapindawo mune zvescience, nekumakereke ikafarirwawo mumatare emuhurumende. Kunyengera kukuru uku kumutsiridza kwehun'anga nehuroyi munguwo dzanhasi. TaH 52.2

Pakumiririra mutadzi anoita zvinonyangadza kwazvo Satani anoti kunyika, ” Zvisinei kuti unotenda here kana kwete munhu ngaararame sezvaanoda, denga musha wake”.” Vanenhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, vuye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava” (Isaya 5:20). TaH 53.1