Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

KURWISANA KUKURU

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 22—KUZADZISWA KWEZVIPOROFITA

    Pakadarika nguva apo Ishe Jesu vaitarisirwa kuuya,—mumatsutso egore ra1844, —vose vakange vakamumirira nekutenda vakakuhunika vakaita sevorasa tariro kwechinguvana. Apo nyika yaivatarisa sevakundwa chaizvo uye sevakanga vafarira kunyengedzwa, vakawana kunyaradzwa nekusimbiswa kubva mushoko raMwari. Vazhinji vakapfuurira mberi vachitsvaka chokwadi mumagwaro, vachidzumburudza patsva humbowo hwekutenda kwavo nekunyatsonzvera zviporofita kuti vawone chiedza chizere. KK 247.1

    Huchapupu hweBhaibheri huchitsigira pfungwa yekutenda kwavo zvaiva pachena. Zviwoneso zvaiva pachena zvainongedza kuti Jesu watova pedyo nekuuya. Kutendeuka kwaiita vatadzi kwairatidza chikomborero chaJehovah nemutsiridzo yehupenyu hwemweya mumaKristu, chaingova chapupu kuti shoko raiva rekudenga. Kunyangwe hazvo vatendi vaisagona kutsanangura kurwadziwa kwavo, asi vaiva nechokwadi chekuti Mwari aiva avatungamirira muzvavaiva vasangana nazvo kubva kumashureKK 247.2

    Mukurukana kwezviporofita zvavaitarisa nezvinhu zvinoyenderana zvemazuva ekudzoka kwechipiri kwaJesu, ndizvo zvakakonzeresa kuti kunyangwe vaiva nekunyunyuta uye kapfungwa kekusanyatsogutsikana, varambe vakamirira mutariro kunyangwe yaive yazara dima asi munguva yakafanira zvese zvaizobuditswa pachena. Pazviporofita izvi paiva naHabhakuki 2:1-4: “Ndichandomira panzvimbo yangu yekurindira, ndichazviisa panharire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu. “Jehovah akati, ‘Nyora zvawaratidzwa zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya. Nokuti zvakaratidzwa ndezve nguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyangwe zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru. Tarira mweya wavo unamanyawi hauna kururama mukati mavo asi akarurama achararama nekutenda kwake.”KK 247.3

    Kubva mugore ra1842 munongedzo wakapihwa muchiporofita ichi “Nyora zvawaratidzwa zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya.” Wakapa pfungwa kuna Charles Fitch kuti pagadzirwe chati yechiporofita chaDanieri naZvakazarurwa. Kugadzirwa kwechati iri kwaizozadzisa chiporofita chaHabhakhuki. Hapana akazviona kuti pfungwa yekakunonoka mukuzadziswa kwezvakaratidzwa—nguva yekumirira—inoratidzwa muchiporofita chimwe chete. Mushure mekukuhunika nekusadzoka kwaJesu wavaiva vamirira pamazuva avanga vawona, chiporofita cheshoko iri raHabhakhuki chakava chakakosha zvikuru. “Nokuti zvakaratidzwa ndezve nguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyangwe zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru ... vakarurama vangu vachararama nekutenda.KK 247.4

    Kachikamu kechipofofita chaEzekieri kakapa simba nenyaradzo kuvatendi “Shoko raJehovah rakasvika kwandiri richiti “Mwanakomana wemunhu tsumo ndeyeiko yamuinayo munyika yeIsrael inoti; ‘Mazuva anoramba achiwedzera asi zvakawoneswa hazviitiki? Naizvozvo vaudzei kuti zvanzi naIshe Jehovah … mazuva ava pedyo okuitika kwezvese zvakaoneswa … ndichataura, neshoko randichataura richaitika hatingazononotswi” “Veimba ya Israeri vanoti ‘Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure. Naizvozvo uti kwavari zvanzi naIshe Jehovah, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka asi shoko randichataura richaitika.” Vakanga vakamirira vakafara vachitenda kuti Iye anoziva kumagumo kubva kumavambo akanga atarisa pasi akawona kare kubva munguva dzekare akatotarira mberi akawona kukuhunika kwavo, akafanoona zvapamashoko esimbiso netariro. Dai pakanga pasina zvikamu zvakadai zvemagwaro mushoko raMwari, kuvakurudzira kumirira nemoyo murefu nekubatisisa kusimbiswa kwavo mushoko, kutenda kwavo kungadai kwakafa panguva yekuedzwa.KK 248.1

    Mufananidzo wevasikana vane gumi kuna Mateo 25 unoratidza zvakare zvakasanganikwa nazvo nevanhu vakanga vakamirira kudzoka kwaJesu panguva iyi. Pana Mateo 24, kupindura mubvunzo wevadzidzi vake maringe nezviratidzo zvekuuya kwake nekuguma kwenyika, Kristu akanga anongedza zviitiko zvakakosha munhoroondo yenyika nesangano kubva pakuuya kwake kekutanga nekwechipiri; zvinoti kuparadzwa kweJerusarema, kutambudzika kukuru kwesangano rake musimba rePagani neRoma yaPapa, kusviba kwezuva nekuwora kwemwedzi uyezve nekudonha kwenyeredzi. Shure kwaizvozvo akazotaura zvekuuuya kwe Humambo hwake, zvainofanana nemufananidzo wemapoka maviri evaranda vaive vakatarisira zvekuuya kwake. Chitsauko 25 chinotanga nemashoko anoti “Zvino ushe hwedenga hungafananidzwa navasikana vanegumi.” Apa ndipo panoratidzwa sangano rinorarama mumazuva ekupedzisira, zvimwezvo zvinobuditswa mukupedzisira kwechitsauko 24 chaMateo. Mumufanidzo uyu zvavakasangana nazvo zvinoratidzwa nezviitiko zvaiitwa pamutambo wekuwana wevanhu vekumabvazuva.KK 248.2

    Zvino ushe hwekudenga hunofananidzwa navasikana vanegumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kunochingamidza muwani. Vashanu vavo vakanga vasina hanya vashanu vavo vakanga vakachenjera. Nokuti vakanga vasina hanya vakatora mwenje yavo vakasatora mafuta. Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo. Zvino muwani akati achinonoka vakakotsira vose vakavata, pakati pehusiku, vakanzwa mheremhere ‘Muwani auya! Budai mumuchingamidze!” Shoko rengirozi yekutanga kuna Zvakazururwa (14:6,7) rakanzwisiswa sekuuya kweChikomba (muwani). Mukukurumbira nekuzara zvekuparidzwa kweshoko rekudzoka kwaJesu panguva iyi kwakaunza kupinduka kwevanhu zvichipindirana nekuenda kunochingamidza chikomba kwevasikana vanegumi. Mumufanidzo uyu sepana Mateo 24, panomirira mapoka maviri. Vese vakatora mwenje yavo vakayenda kunochingamidza chikomba. Mwenje uyu unova iwo Bhaibheri shoko raMwari. Pamapoka maviri evasikana ava, vashanu vakachenjera vakatora mwenje yavo nemafuta vamwe vashanu vasina kuchenjera ndokutora mwenje vakasiya mafuta. Vakachenjera vakawanirwa nyasha pakutakura mafuta unova iwo Mweya Mutsvene unopa mwenje kushoko nechiyedza munzira. Mukutya Mwari vakanzvera magwaro, vachidzidza zvokwadi vachitsvaka kucheneswa nemoyo neupenyu. Vakanga vaine hukama huzere nekutenda munaIshe neshoko rake havana kukuhunitswa chero kuvhundutswa nekunonoka kwechikomba. Vashanu vaya vakatora mwenje vakasiya mafuta, ndiro boka rakaita gundamusaira. Vakafadzwa nedzidziso dzinoyera vakaisa kutenda kwavo muvanhu, havana kunzwisisa zvizere zvokwadi uye vakashaya kutendeuka kuzere kwemwoyo. Saka vakada kumirira Ishe vaine tarisiro yekuwana mubairo asi vasina kugadzirira kunonoka pakuuya kwake uye kukuhunika kukuru. Kune vakadaro, panouya miyedzo nedambudziko kutenda kwavo kunokona uye mwenje yavo inodzima.KK 248.3

    “Zvino Chikomba chakati chichinonoka vakakotsira vose vakavata” Kunonoka kweChikomba kunomirira kusauya kwaJesu panguva yaakanga akatarisirwa, kukuhunika nekunyatsononoka. Munguva dzekusanzwisisika nekushungurudzika dzakadaro pfungwa dzevaya vasina kutenda kuzere, vane moyo isina kuperera ivavo tariro yavo inopera chero zvidiso zvavo pazvinhu zvaMwari zvinopwa asi vane kutenda kuzere mukuziva Bhaibheri zvakadaro havazungunutswe kunyangwe nemhepo dzekuhunitso yakadini.” Vose vakakotsira vakavata” rimwe boka rakashaya hanya rikarasa kutenda kwaro asi rimwe boka rakaita moyo murefu richimirira kuda kuziva kusvika chiedza chazvokwadi chabuda pachena. Pahusiku hwedambudziko rakadaro vamwe vanokundikana pachidiso chekushandira Mwari nekunamata, pakadaro vese vane kutenda kunokamhina havazogone kuramba vakazendamisa kutenda kwavo muvanhu asi munhu umwe neumwe anofanira kumira oga kana kuwa. KK 249.1

    Panguva idzodzo vaishora nekuseka vakavapo, vamwe vakanga vamboratidza kutenda kukuru mushoko vakaramba shoko raMwari, vakatanga kuzviti vanotungamirirwa nemweya, vakaita kuti zvavainzwa munyama yavo nezvavaifunga mundangariro zvivadzimaidze pazvimiso zveshoko raMwari. Hakuna akada kuvanzwira nepfungwa dzavo dzekurasika asi boka revakanga vakamirira kudzoka kwaIshe rakaramba rakamira pakutenda vasingatsauswe kana kuzungunutswa neavo vaida kuunza kunyadzisa pazvokwadi. KK 249.2

    Satan akanga achitsvaga nekuda kwaizvozvo kupikisa nekuparadza basa raMwari. Nemhaka yekuti munguva iyi vazhinji vakanga vatendeuka nekuda kweboka reAdvent Movement, uye varume vakatendeka vakanga vozvipa mubasa raIshe vachiparidza chokwadi kunyangwe munguva yekumirira. Apa wakaipa akanga orasikirwa nevabati vake; saka kuzama kuda kupikisa basa raMwari, akatsvaka kunyengera vamwe vaizviti vatendi kuti vave vanhu vanopfuuridza mwero mukubata kwavo pakutenda. Vamiriri vaSatan vakavapo vaimirira kutora kamukana kese, kepese parasikwa, pakundikanwa, chese chaitwa chisingatendeseki, vachizviratidza kuvanhu nenzira yakashata kuti vanhu vati ma Adventisti vane kutendeka kwakatsveruka.KK 249.3

    Satan ndiye ‘mupomeri wehama,’ mweya wake unokonzeresa kuti vamwe vanhu vade kutsvaga pese pakanganisika nezvakaipa muvanhu vaMwari vozvishambadzira kuti zviwonekwe asi zvakanaka zvavanenge vagona hazvitaurwe. Wakaipa haazorore zvikuru sei apo Mwari anenge ari mubasa rekuponesa mweya. Apo vanakomana vaMwari pavanouya kuzozviratidza pamberi paJehovah, Satani anouyawo ipapo. Parumutsiridzo rwese akamirira kuunza vasina kururama pamoyo uye vasina kutenda kuzere mundangariro dzavo. Kana achinge abudirira paneizvi anoita kuti vakadaro vakonzerese nyongano nekutsauka pakati pevatendi. Hakuna munhu anganzi muKristu wazvokwadi nekuti awonekwa ari pakati peboka revana vaMwari, chero ikava imba yekunyengetera, kunyangwe patafura yaJehovah. Satan anowanikwa nguva dzese paungano tsvene muchimiro cheavo vaangashandisa sevamiriri vake.KK 249.4

    Muchinda wezvivi anorwisa nzira dzese dzevana vaMwari apo vari munzira yekuenda kudenga. Munhorowondo yesangano hakuna rumutsiridzo nekushanduka kwakaitika pasina kusangana nezvipingaidzo zvakanyanya zvichikonzerwa naSatan. Kunyangwe mumazuva aPauro pese paimiswa sangano kune vamwe vainyuka vachiti vatendi asi vaizodzidzisa manyepo, akagamuchirika aiuraya rudo rwezvokwadi yaMwari. Luther mumazuva ake akatambudzika nekunetseka nekuda kwevabati veshoko renhema vachizviti Mwari ataura navo asi vachiisa miwono yavo nepfungwa dzavo pamusoro pehuchapupu hwemagwaro. Vazhinji vaida chokwadi vakavhiringwa nevadzidzisi vaiva nhume dzaSatan vachitsvaka kuparadza chokwadi chaMwari icho Luther aiva avaka. Kunyangwe nana Wesley’vo nevamwe vakaropafadza pasi rese nesimba rekubata kwavo mukutenda vakasanganavo munzira dzavo nemiteyo yaSatan kuda kubvisa vese vasina kusimbira nekuvaita vabati venhema muchiyero chakasiyana. KK 250.1

    William Miller akanga asina kunzwira vese vaitsvaka kutsausa vanhu. Pamwe chete na Luther vakati idzai mweya yese neshoko raMwari, Miller akati “Diabhorosi ane simba pamusoro pemifungo yevamwe kunyangwe muzuva ranhasi” saka tingaziva sei kuti mweyai uri mavari? Bhaibheri rinoti ‘muchavaziva nezvibereko zvavo … kune mweya mizhinji yaburukira munyika, tinosungirwa kuti tiyedze mweya, Mweya usingaite kuti tirarame zvine mwero, zvine kururama uye zvine huMwari munguva dzino iwoyo hausi mweya waKristu. Bliss peji 236 237. Mweya wekurasika unotibvisa muzvokwadi asi Mweya waMwari unotitungamirira muchokwadi. Asi imi munoti munhu anogona kunge ari mukurashika, achifunga kuti ane chokwadi. Saka tinoti kudii? Mhinduro, mweya ne hoko zvinobvumira. Kana munhu akazvitonga neshoko raMwari akawona zvese zvakanaka kuburikidza neshoko anofanira kutenda kuti anechokwadi asi akawona kuti mweya uri kumutungamira unopesana nemutemo waMwari zvino ngaachenjere anogona kubatwa nemuteyo waSatan. The Advent Herald and Signs of the Times Reporter vol. 8, No. 23 (Jn. 15, 1845). Kazhinji ndakawana humbowo hwekunaka kwemunhu wemukati kubva kune vaiva nemisodzi pamatama nevakamanikana kudarika ruzha rweveimba yezve ChiKritsu.” Bliss peji 282.KK 250.2

    Mumazuva eRurumutsiridzo wakaipa akaita mano ese ezvakaipa kushanda kuda kudzivisa kubudirira kwaro. Zvimwechetezve nevakanga vachipikisa nekurwisa Advent movement. Vakatsvaga mano ese kuda kuunza manyepo nenzira dzose dzekuda kudzimaidza nekutsausa avo vakanga vachitevera chokwadi. Vadzivisi ava vakanga vakazadzwa negodo neruvengo, vaishaya rugare neshoko rekuti Kritsu ava pamusiwo, vaitya kuti zvimwe ichokwadi, kunyangwe vaizvisimbisa aiva manyepo, ndiyo yakava hondo yavo kurwisa vatendi vakanga vakamirira kudzoka kwaJesu. Pfungwa yekuti muhutangamiri hwesangano makaitawo vakanga vaine mweya wehupanduki nekurasisa vamwe pazvokwadi haaigona kutorwa sekuti sangano rakanga risiri raMwari nekuti kunyangwe mumazuva anaPauro nana Martin Luther vaivapowo vakanga vakadaro vaidzivisa basa raMwari. Inguva yekuti vanhu vaMwari vamuke kubva pahope dzavo votanga kutendeuka nekushandurwa vachitsvaka chokwadi chaMwari mumagwaro nemuna Jesu. Ngavazvipe zvizere kuna Mwari kushaike humbowo pakati pavo kuti wakaipa anobata basa mavari. Nekuti satani haazorore, anokokera ngirozi dzose dzakapanduka kumubatsira kuunza kunyengedza nesimba renhema. Kushambadzirwa kwezvekudzoka kwaJesu kwechipiri handiko kwakaunza kurasika nekupatsana pavatendi. Izvi zvakazouya munguva yechirimo ya1844 apo ma Adventist vaiva muchimiro chenyunyuto nekushungurudzika. Kuparidzwa kweshoko remutumwa wekutanga nekwekudanidzira kwepakati peusiku kwaiitwa kuti kupedze bope revaitsauka nevaikonzeresa kusagadzikana muvatendi. Pane vakanga vari mukufambiswa kweshoko raMwari rinoyera vaiva nekubatana nehumwe, moyo yavo yaive yakazadzwa nerudo kune mumwe namumwe uye muna Jesu uyo wavaitarisirwa kudzoka kwake nekukasika. Kutenda kumwe, tariro imwe yakaropafadzwa, ndizvo zvaivapa simba kuva pamusoro pekubata kwesimba remunhu zvikava chidziviriro chavo kumiseve yewakaipa.KK 250.3

    “Chikomba chakati chichinonoka vakakotsira vose vakavata,” pakati pousiku kwakanzwikwa mheremhere chikomba chouya, budai mumuchingamidze! Zvino mhandara dzose dzakamuka dzichitungidza mwenje” Mateo 25:5-7. Muchirimo cha 1844 pakati nepakati penguva yavaiva vafunga kuti mazuva 2300 ndipo paanoperera mumatsutso egore rimwe chete iroro shoko rekuti Tarirai Chikomba chouya ndipo parakaparidzwa sezvinoreva magwaro matsvene. Izvo zvakatungamirira boka iri rwaiva ruzivo rwekuti murau wa Artaxerxes wekuvaka Jerusarema, ndiwo waitsaura kutanga kwekuverengwa kwemazuva 2300, uyo wakaitwa mugore ra 457 BC kwete pakutanga kwegore zvaimbova zvatendwa. Kutangira zhizha ra 457 BC, makore 2300 aizopera mu zhizha ra1844. Miwono yehurukuro inobuda muTestamente yakare inobvumirana kuti muzhizha renguva imwecheteyo yaiitwa mutambo we “kucheneswa kwetemberi” ndipo paizoitika kudzoka kwaJesu kwechipiri. Izvi zvakasimbiswa nekuda kwezviratidzo zvenguva zvakawoneswa zvikaitika apo Jesu aiuya pekutanga.KK 251.1

    Kuuraiwa kwegwayana repamutambo wepaseka waiva mumvuri waimirira Kritsu. Sezvinotaurwa naPauro “Kristu ndiye paseka yedu akaitwa chipiriso nekuda kwedu” 1 Vakorinte 15:7. Mapazi emiti emichero yekutanga akanga achishandiswa pakurumbidza pamberi paIshe akanga achinongedza rumuko rwaKritsu. Pauro anoti apo anenge achitauro pamusro perumuko rwaJesu nevanhu vake vese. “Kritsu chibereko chekutanga tevere vose vari vaKritsu pakudzoka kwake” 1 Vakorinte 15:23. Kritsu ndiye chibereko chekutanga chegoho reavo vanorarama nekusingaperi vaachamutsa pazuva rerumuko apo achavaunganidza muimba yegoho raMwari. Izvi zvinozadziswa kwete sechiitiko asi maringe nenguva.KK 251.2

    Nezuva regumi nemana remwedzi wekutanga mukuverengwa kwamazuva muchi Judha, nezuva iroro nemwedzi iwoyo gwayana yepaseka yaiurawa kubva kare. Mushure mekunge Kritsu adya paseka nevadzidzi vake akava muvambi wemutambo waizounza ndangaridzo yerufu rwake “gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika” husiku humwe chetewo akatorwa nevanoita zvakaipa achinoroverwa nekuurawa, sezvinorehwa neshoko. Ishe vedu vakamutswa nezuva retatu zvichingoratidza nekunongedza kuti kuchava nezuva rerumuko apo miviri yedu ichashandurwa ichipfekedzwa muviri unobwinya. VaFiripi 3:21. KK 251.3

    Mukuwona kumwe ikoko yese mimvuri zvinongedzo zvainongedza zvekudzoka kwaJesu anofanira kuzadziswa. Mumazuva aMosisi muhurongwa hwekunamata, kucheneswa kwetemberi kana kuti zuva guru rekudzokedzana raiitwa musi wegumi wemwedzi wechinomwe mukuverenga kwemazuva pachiJudha, Revitiko 16:29; 34, apo mupirisita mukuru aiti kana apedza basa rokumirira Isiraeri pazuva iri, zvivi zvose zvabviswa mutemberi aizodzoka achiropafadza vanhu. Saka munguva iyi zvakatendwa kuti Kristu mupirisita wedu mukuru aizouya ochenesa nyika nekuparadza zvivi nevakaipa, uyezve oropafadza vanhu vake vaive vakamumirira achivapa kusafa. Musiwa wegumi wemwedzi wechinomwe pachiJudha ndiro zuva raiva rekucheneswa kweTemberi, zuva iri mugore ra1844 rakasvika musiwa 22 Gumiguru, ndiwo musi wainzi Jesu achauya. Izvi zvaitsigirwa nehumbowo hwavaiva vaverenga mushoko maringe nemazuva 2300 ayo ainzi anopera mumatsutso, zvese zvairatidza kusarambika.KK 252.1

    Mumufanidzo wepana Mateo 25 nguva yekumirira nekurara yakateverwa nekuuya kweChikomba. Zvese izvi zvaiva nemaringe ezvavaiva vadzidza mumagwaro, vakava nemagakava pamiwone asi vakasvika pakutenderana kuti mumanzwisisiro avo eshoko nezviwoneso zvainobuda kuti ishe vaidzoka pazuva ravaiva vatara. Semhepo huru, boka iri rakatekeshera pasi, kumisha nemisha kunyangwe kwainzi kumachonyonyo chaiko shoko iri rakasvikira vanhu vaMwari vamirira kuuya kwake. Panguva iyi mhingaidzo dzese dzakanyangarika uye muvatendi makanga musina kutya kana kushungurudzika, tariro nemufaro zvaive zvakazadza moyo yavo. Nguva iyi yakatifananei nenguva dzaIsiraeri wekare paaichema achitendeuka kuna Jehovah, vazhinji vakatarisa zvimiro nehunhu hwavo kuti zvinokodzera here, vamwe vachizvitarisa zvakadzama mukati memoyo yavo, vachireurura zvivi nekusiya zvenyika. Gadziriro yekusangana naTenzi waiva musengwa wekuchema pamweya kuburikidza neminamato kuzvipa zvizere kunaMwari. Miller anoti “hakuna kuratidzwa kukuru kwerufaro, unoita sekuti batwei asi wakamirira chiitiko chamangwana, apo denga rese nenyika zvichapembera pamwechete nemufaro usingatsanangurike nekubwinya kuzere. Hakuna kudaidzira kunokunda uko kwakagadzirirwa nedenga. Apo vaimbi vakanyarara: vachimirira kuimba pamwechete nengirozi dzese, muchaunga chemumhanzi wedenga … apo kusina kupokana asi vose vane moyo mumwe nemufungo mumwe.” Bliss peji 270, 271.KK 252.2

    Mumwewo akanga ari muboka iri anopupura achiti “izvi zvakaunza kuzvinzvera mumoyo kwakadzama nekuzvityora pamweya pasi pechigaro chaMwari wekudenga kumusoro zvikakonzeresa kurumuka kubva kumhangwa dzerudo rwezvinhu zvenyika, zvikarapa kurwisana nekuvengana, zvikapa kureurura zvakaipa, nekuchema kuna Jehovah nemikumbiro yekunzwirwa urombo nekugamuchirwa naMwari. Zvakaunza kuzvidurura kwemweya usina kumbovapo kubva kare. Apo Mwari akaraira kuburikidza naJoeri, kana zuva guru raJehovah rasvika, richaunza kubvaruka kwemwoyo kwete kwenguwo, vanhu vachidzoka kuna Mwari nekutsanya, kuchema nekuwungudza. Sezvinotaurwa naMwari muna Zakaria, mweya wenyasha nemikumbiro wakadirwa pavana Vake; vakatarisa kuna Iye wavakanga vabaya, kukava nekuwungudza kukuru munyika …. Asi avo vakanga vakamirira Mwari vakachema pamweya yavo pamberi Pake. —Bliss in Advent Shield and Review, vol 1, p. 271 (January 1845)KK 252.3

    Kubva pamapoka ese ezvekunamata kutangira kuvaApostora hakuna boka rakava rakanyanyisa kusununguka mukusasvibiswa kwevanhu nemiteyo yese yewakaipa sezvazvakava paMatsutso a1844, kunyangwe nazvino apo makore mazhinji adarika, vese vakava nechokuita muboka iri uye vakaramba vakasimbira pazvokwadi iyi vakaramba vachingonzwa huvepo hwekubata kwaMwari pabasa rakaropafadzwa ravakabata. Pakudaidzirwa, “Chikomba chouya, budai mumuchingamidze” vakanga vakamirira “vakamuka vakabatidza mwenje yavo” vakadzidza shoko raMwari zvakadzama nekuda kunzwisisa izvo vaisaziva. Ngirozi dzakatumirwa kubva kudenga kuti dzimutse mwoyo yeavo vakanga vakakuhunika dzichigadzirira mwoyo yavo kuti vagamuchire shoko. Basa harina kuzendama panjere kana kuziva kwevakadzidza asi pasimba raMwari. Vaisava vane zvipo asi vakazvininipisa nekuperera panaMwari vakatanga kunzwa nekuterera rukoko. Varume vakasiya zvirimwa zvavo zvimire muminda, vaigadzira dzimotokari vakasiya zvipanera pasi, nemisodzi nekupembera vakaenda vakanopa yambiro kunyika. Vakanga vambori vatungamiri veboka pakutanga ndivo vakazopedzisira kutevera. Masangano akawanda akavhara masuwo awo kushoko iri asi vazhinji vakagamuchira shoko iri vakatevera. Nenyasha dzaMwari kuparidza uku kwakabatana neshoko rengirozi yechipiri zvakapa simba kubasa.KK 253.1

    Shoko rekuti “Tarira, Chikomba chouya” handiro rakanga rine nyaya yese, kunyangwe huchapupu hwemagwaro hwakanga huri pachena. Pakaita simba raishanda nemukati richifambisa mweya. Pakanga pasina mubvunzo, kana kunyunyuto. Pachiitiko chekupinda kwaJesu muJerusarema vazhinji vakanga vabva kunzvimbo dzakasiyana dzenyika kuuya kumutambo vakamhanyira kugomo remuOrivi, apo pavakabatana nevamwe vaitevera Jesu, vakapinda mumweya wenguva iyoyo vakabatsira kudanidzira “wakaropafadzwa uyo unouya muzita raIshe” Mateo 21:9. Izvi zvinofanana nevatendi vakanga vakazara kumisangano yeboka remaAdventist—vamwe nekuda kunzwisisa, vamwe vachida kungoshora—kunzwa simba reshanduko raiva riri mushoko: ” Tarira chikomba chouya.”KK 253.2

    Kubva panguva iyo kwakava nekutenda kwaiwunza mhinduro kuminamato,—kutenda kwairemekedza kukosha kwemubairo. Semvura inonaya panyika mweya wenyasha dzaMwari wakanogara kunevese vaitsvaka shoko nekuperera. Avo vakanga vachitarisira kuwonana namuponesi wavo meso nemeso vakava nemufaro usingagone kutsanangurika. Mweya Mutsvene akanga achishanda kunyevenutsa mwoyo nekupa zvipiwa zvemaropafadzo kuna avo vaive vakatendeka. KK 253.3

    Vose vakagamuchira shoko vakasvika panguva yekuti vakanga vave netariro yekusangana naTenzi wavo. Nguva imwe neimwe vakanga vorarama vachitanga vawona kuti ibasa ravo kugadzirisa hukama hwavo naMwari. Moyo yavo yakanga yabatana, uye vainyengetererana umwe namumwe wavo. Vakanga vachisangana panzvimbo dzakavanda vachitaura naMwari, mazwi ekunyengetera akanga achibva muminda nemumapako achikwira kunaMwari. Simbiso yekugamuchirwa kwemunamato naMuponesi yaiva yakakosha kudarika zvekudya kwavo mazuva ose. Chero mukati mendangariro dzavo mukapinda chakaipa havaizorora pamunamato kusvika pfungwa idzodzo dzapera. Apo vainzwa humbowo hwetsitsi dzizere nenyasha, moyo yavo yaishuwira kwazvo kuwona muponesi wavo uyo ayidiwa nemweya yavo zvikuru. KK 253.4

    Asi kunyangwe zvakadaro, vaiva vakanangana nekumwe kukuhunika kukuru. Nguva yavaitarisira yakadarika, muponesi wavo haana kuuya. Netarisiro isingazungunutswi, vakanga vamirira kuuya Kwake, asi zvino vakaita sezvakaita Maria, apo akasvika kuguva kwaJesu akawona risina munhu, mukuchema anoti: “vatora ishe wangu handizivi kwavamuisa” Johani 20:13.KK 254.1

    Vanga vasingatendi vaiva nemifungo yakawanda pashoko rakanga richiparidzwa, kakutya kuti zvimwe ichokwadi, kwakavabata kusvika zuva iri radarika. Vakamboda kuseka nekushora vakanga vatenda shoko iri asi kwechinguvana vakambonyarara vachifunga kuti pane zvingaitika vakasvikirwa neshamhu yaMwari, asi nguva yakazoti yatifambei vakasimudzira kuseka nekushora. Vazhinji vakanga vagamuchira shoko iri vakakuhunika zvikuru vakasiya zvechinamato vakarasa kutenda kwavo, vamwe vakaita ronda guru kwazvo vakashuwira rufu kudarika kurarama sezvakaita Jonah vakatsutsumwa kuna Mwari kuti zvaiva nani vafe panekurarama. Vakanga vaisa kutenda kwavo pane vamwe vanhu vakanga vagadzirira zvino kushandura mawonero avo. Vakanga vachiseka nekushora vakakunda moyo yevakanga vasina kusimba muna Mwari. Nguva yafamba, Jesu haana kuuya, nyika ingangoramba yakadaro kwemakore makumi emazana.KK 254.2

    Vatendi vakanga vakaperera vakanga vasiya zvese nekuda kwaKristu, vakaparidza nyaya yekudzoka zvavakanga vasati vamboita. Vakapa yambiro yekupedzisira kunyika vachitarisira kuti nenguva isipi vange vave muhugaro pamwe chete naIshe nengirozi, vanga vazvibvisa muhugari hweungano yevakanga vasina kutambira shoko ravaiparidza. Nechidiso chikuru vainamata “huya Ishe Jesu nekukasika.” Asi haana kuuya. Dambudziko rakavapo rekuchinogara nevaya, vachitanga kuchitakura mitoro yeraramo yepasi rino nekushinga kunyombwa nekusekwa nenyika, yakava hondo huru yekuidzwa kwekutenda nekusimbira kwavo.KK 254.3

    Kunyangwe hazvo kukuhunika uku kwakanga kusingayenzane nekuya kwakaita vadzidzi pakauya Jesu kekutanga. Jesu paakakwira mbongoro achipinda muJerusarema zvine kukunda, vadzidzi vake vaitenda kuti akanga ava kunotora humambo achigara pahumambo hwaDhavidhi achidzikinura vaIsraeri kubva muhutapwa. Netarisiro huru vakamuwona achipinda vachimupa rukudzo iye mambo wavo. Vazhinji vaiwaridza machira avo avaisungira kunze kuti awane pekupinda napo pakanaka vachirumbidza nemichindwe kuti “hosanna kumwanakomana waDhavhidhi.” Apo vaFarise vakavhiringidzwa nekudanidzira kwevanhu vakamuudza kuti araire vadzidzi kuti vanyarare, iye akati “ava vakanyarara, matombo anotanga kudanidzira ikozvino” Ruka 19:40. Chiporofita chinofanira kuzadziswa ikozvino. Vadzidzi vakanga vachizadzisa zano raMwari; asi vakanga vakanangana nekukuhunika kwavaiva kwazvo. Mazuva mashoma akapfuura vakawoma ishe wavo achitambudzwa kuiswa mukufa, akavigwa muguva. Hapana kana chavaitarisira chimwe kuti chingaitika chakazadziswa, tariro yavo yakapwa pakafa Jesu. Zvese havana kunge vazvirangarira kuti zvakanga zvakataurwa muchiporofita kuti ” Kristu waifanira kutambudzwa wozomuka zvekare kubva murufu” Mabasa 17:3.KK 254.4

    Makore mazana mashanu akapfuura Jehovah vakanga vataura kuburikidza n Zakaria: “Fara iwe mukunda weZioni! Udanidzire, iwe mukunda weJerusarema! Tarira, mambo wako ari kuuya kwauri, akakwana uye ane ruponeso, wakazvidzikisira, akatasva mwana wembongoro” Zakaria 9:9. Dai vadzidzi vakaziva kuti Jesu arikuenda kurutongo nerufu vangadai vasina kuzadzisa chiporofita.KK 254.5

    Mumuwono mumwechete iwoyo Miller nevamwe vake vakazadzisa chiporofita uye vakapa nyika shoko iro kufemerera kwaMwari kwakanga kwati risvitswe kunyika, asi dai vakaziva kuti zvaizounza kukuhunika kukuru vandangadai vasina kuriparidza shoko iri kunyika. Shoko rengirozi yekutanga nechipiri rakapihwa panguva yakafanira rikazadzisa basa iro Mwari akanga aronga kuti riite. Pasi rese ranga rakatarisa kuti nguva yakatarwa kuti Kristu aizouya akasauya, kutenda kwese kwechiAdventist kuchapera. Apo vamwe mushure memiyedzo mikuru kutenda kwakapera asi vamwe vakaramba vakamira vasinga zungunutswi. Michero yeboka reAdvent, yaive yemweya wekuzvininipisa, nekuzvitsvaka mukati memwoyo, kuzvitsaura nenyika nekushanduka kwehupenyu, zvese zvaiitwa mubasa iri zvaipupura kuti kwaive kubata kwaMwari. Havana kuramba kuti kubata kwaMweya Mutsvene ndiko kwakava chapupu chekuparidzwa kwekudzoka kwechipiri kwaJesu uye havana kana kurasika kwavakaita panhoroondo yechiporofita.KK 255.1

    Nyanzwi pane vaigona kuvapikisa vakakundikana kudzivisa kamuitiro kekuverenga nekunzwisisa chiporofita. Hapana chavaigona kupikisa vasina humbowo hweBhaibheri kuti varambe zvimiso zvaiva zvawanikwa kuburikidza nekunzvera magwaro, nekunamata kwakaperera, zvakasvikwa pazviri nepfungwa dzaive dzavhenekerwa naMwari Mweya Mutsvene. Zvimiso zvekududzira chiporofita ichi, zvange zvasvikwa pazviri mushure nekupiswa kukuru nenharo nevadzidzisi vakanga vaine mbiri mune zvekunamata, varume vehunyanzvi nenjere dzenyika ino vakaramba vakabata vakasimba vachipikisa, nekushora nekutuka.KK 255.2

    Chokwadi, pakanga parasikwa pachiitiko chavaitarisira, asi izvi hazvina kuzungunutsa kutenda kwavo mushoko raMwari. Apo Jonah akaparidza kuNinevha achiti Mwari achaiparadza mumazuva makumi mana, apo vagari vekuNinevha vakanzwa shoko vakatendeuka Mwari akawedzera nguva yemutsa kwavari akasavaparadza ipapo: asi shoko raJonah raiva rabva kunaMwari, Ninevha ikaidzwa zvaiva mukuziva kwaMwari. Ma Adventist mukuwona kumwe chete iwoyo naivo vakatenda kuti saJona yambiro yavo kunyika pamusoro perutongo yakanga yabva kuna Mwari. Shoko ravaparidza raiidza moyo kune vairinzwa romutsa rudo rwekuda kusangana nekuuya kwaTenzi. “Ishoko raitara mutsara kuti munhu azvinzvere mukati memoyo kuti aziva kuti panouya Tenzi anenge ari divi ripi, revanoponeswa here, kuti vagotaura vachiti tarira, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira Iye uchatiponesa; kana kuti vachange vachidaidzira kumabwe nemakomo tiwirei tihwande chiso chauyo akagara pachigaro nekutsamwa kukuru kweGwayana. Saka Mwari mukuziva kwake, sezvatakatenda, wakaidza vanhu vake, akatonzvera kutenda kwavo, akavaona kuti vangadupuka here panguva yekuyedzwa, kubva pahwaro hwaanowona hwakafanira, achiwona kuti vangaramba zvenyika ino here vachirambira parusimbiro reshoko raMwari”—The Advent Herald and Signs of the Times Reporter vol. 8,14 (Nov. 13, 1844)KK 255.3

    Zvaiva mumwoyo yevakanga vachitenda kuti Jehovah ndiye akanga avatungamirira pane zvavakanga vasangana nazvo kumashure, zvinonyatsoburitswa zvizere mumashoko a William Miller: “Dai ndairarama zvekare hupenyu hwandaiva ndararama, nehumbowo hwandaiva nahwo kare, kutaura idi pamberi paMwari nevanhu ndairaramazve sezvandakaita.” “Ndovimba kuti ndakasuka nguvo dzangu kubva muropa remweya. Ndinonzwa mukati mangu kuti dai zvaiva musimba rangu, ndazvisunungura kubva mukunzwa kurwadziwa mundangariro nekuda kwekutongwa kwavo.” “Kunyangwe ndakakuhunika kaviri,” anonyora izvi munhu waMwari, “handisati ndarasa kutenda kana kuzungunutswa ... Kutenda kwangu mukudzoka kwaJesu kwakasimba kudarika kare, chiiko icho ndakaita, mushure memakore kufunga zvakadzama ndinonzwa riri basa rangu rekuita, kuti kana ndakakanganisa. Ndakazviita nemwoyo werudo, rudo kuvanhu vose, nechitsidzo chekuita basa raMwari.” “Chinhu chimwe chandinoziva ndechekuti ndakaparidza basi zvinhu zvandakatenda, uyezve Mwari vakanga vaneni, simba rake rakawonekwa mubasa, zvakanaka zvizhinji zvakazadziswa.” “Makumi emazana avanhu, nekuziva kwavanhu, vakanga vachidzidza magwaro pakuparidzwa kwenguva iyoyo nemhaka yekuda kwaizvozvo kuburikidza nekutenda mukusaswa kweropa, takadzoserwa pahumwechete naMwari.”—Bliss peji 256, 255, 277, 280, 281. “Handisati ndawona nyemwerero yevanozvikudza, chero kutya apo nyika inounyanisa huso. Handingazotende nhasi kundifarira kwavo kana kuzvipa basa nekuidza ruvengo rwavo, handingatsvake hupenyu hwangu mumawoko avo, chero kunetseka mupfungwa, ndinotarisira, kusachirasa, asi Mwari mukunaka kwenyasha dzake akazviraira.”—J. White, Life of Wm. Miller, peji 315.KK 256.1

    Mwari haana kurasa vanhu vake; mweya wake waramba uri pakati peavo vasina kukasika kuramba chiedza chavakanga vagamuchira, vasina kuzvibvisa kuboka re Advent. Mutsamba kuvaHebheru mune mashoko ekurudziro neyambiro kune avo vanenge vaiswa pakuidzwa vari pakumirira panguva yedambudziko: “Naizvozvo regai kurasha kusatya kenyu kune mubairo mukuru. Nokuti munofanira kuva nekutsungirira kuti maita basa raMwari mugopihwa chipikirwa. Nokuti kanguva kaduku-duku kachiko iye unouya achauya asinganonoki; asi wakarurama wangu achaponeswa nekutenda, zvino kana akadzokera shure mwoyo wangu haungafare naye. Zvino isu hatisi vekudzokera shure, kuti tiparadzwe asi tiri vekutenda kuti tiponese mweya.” Hebheru 10:35-39KK 256.2

    Kuti shoko iri ringataurwe kusangano panguva ino munongedzo wekuti Ishe wedu ava pedyo nekuuya “Nokuti kanguva kaduku duku kachiko iye unouya achauya asinganonoki.” Zvirikutobuditswa pachena kuti pachaita sekakunonoka zvoita kuti Tenzi vaite sevatimirei. Munongedzo unopihwa apa wakanangana neboka rema Adventisti kunyanya munguva ino nekuda kwezvavakasangana nazvo. Vanhu vaitaurirwa apa vakanga varipanyatwa yekuti kutenda kwavo kwakanga kwakuda kunyura. Vakanga vaita kuda kwaMwari mukutevera kutungamira kwaMwari Mweya Mutsvene, apo havana kunge vaziva chinangwa chake pane zvakanga zvasanganikwa nazvo munguva yakapfuura, kungangwe nzira yaiva pamberi pavo havana kuiwona uyezve vakanga vosvika pakunyunyuta kuti Jehovah akanga achivatungamirira here? Munguva iyi mashoko aya akanga akureva chinhu “wakarurama wangu uchararama nekutenda” sechiyedza che “mheremhere pakati peusiku” chakanga chopenya munzira dzavo sevanhu vakanga vawona zviporofita zvobuditswa pachena nezviratidzo zvenguva zvakanga zvichizadziswa kutaura kuti kudzoka kwaJesu kwava pedyo. Vakanga vafamba sekunge vaifamba nekuwona kwameso. Asi zvino, vakanga vagwadamiswa patariro yavo nekukuhunika, vakanga vochingomira basi nokutenda muna Mwari neShoko rake. Vemunyika vaiseka vachiti “makanyengerwa siyai kutenda kwenyu muboka re Advent nderaSatan.” Asi shoko raMwari rinoti, “zvino kana akadzokera shure mwoyo wangu haunga fare naye. Kuramba kutenda kwavo nekuzvidza simba raMweya Mutsvene uyo akanga atungamira shoko, kwaiva kudzokera shure kukuparadzwa. Vaikurudzirwa kuva vakatiwira nemashoko aPauro “Naizvozvo regai kurasha kusatya kenyu,” “nokuti munofanira kuva nekutsungirira.” “Nokuti kanguva kaduku-duku kachiko iye unouya achauya asinganonoki. Nzira imwechete yavaifanira kutevera ndicho chiedza chavakanga vagamuchira kuna Mwari. Batisisai zvivimbiso zvake, moramba muchinzvera magwaro nemwoyo murefu momira kutarisa nekugamuchira chimwezve chiedza.KK 257.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents