Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

KURWISANA KUKURU

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 17—PEDYO NEMAGUMO —VAPARIDZI VEKUTANGA

    __________________________________________________________________________KK 188.1

    Idi ripi ringapfuvura rakadzokororwa nekudzokororwazve muBhaibheri? Asi idi rekuti Jesu avapedyo nekudzokazve kunyika ino idi iro vakawanda vasingambozivi — Huya titarise kuti Magwaro anoti kudini nezvezuva iri rinoshamisa kwazvo riri pamberi pedu-Apo Jesu achadzoka panyika ino kuzotara vakeKK 188.2

    __________________________________________________________________________KK 188.3

    Chimwe chezvokwadi zviri muBhaibheri zvakatsanangurika, chichifadza zvikuru ndechekuuya kwaKristu kwechipiri kuzopedzisa basa guru reruponeso. Kuvanhu vaMwari vari vafambi panyika, vakasiyiwa kwenguva refu vachifamba” munzvimbo ine mumvuru werufu,” tariro inokosha ichipa mufaro inopiwa pachitsidzo chekuvonekwa kwake iye ari, “kumuka nehupenyu” kuti “adzose kumusha vakadzingwa vake.” Nyasha yekuuya kwaJesu kwechipiri ndiyo dingindira remagwaro matsvene. Kubvira pazuva iro vaviri vekutanga vakafuratira Edeni vaine kusuwa kukuru, vana vekutenda vakarindiria kuuya kweAkavimbiswa kuti azoputsa simba remuparadzi, avadzosere zvakare kuParadiso yatakarasikirwa nayo. Varume vatsvene vekare vaitarisira kuuya kwaMessia, mukubwinya sekuzadziswa kwetariro yavo. Enoki, wechinomwe kubva kune avo vaigara kuEdeni, uyo akafamba naMwari wake kwemakore mazana matatu, akabvumirwa kuona ari kure kuuya kwaizoita Mudzikinuri. Akadaidzira achiti, “Tarira, Ishe achavuya nevatsvene vake vane zviuru zvemazana, kuti atonge vose....” Judasi 14,15. Mutana wekutenda Jobo ari pakati peshungu dzekutambudzika kwake akadanidzira nerudawiro rusinga zununguki akati , “Asi ndinoziva kuti Mudzikunuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika, . . . Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, kunyange zvakadaro ndichavona Mwari ndine nyama yangu. Ndichamuona ari kurutivi rwangu; meso angu achavona, asati ari emutorwa; itsvo dzangu dzapera mukati mangu” Jobo 19:25-27.KK 188.4

    Kuuya kwaKristu achiunza kururama kwakasutsa vanyori vezvitsvene kuti vamutswe pamweya, vachitaura mashoko makuru. Vadetembi nevaporofita vemuBhaibheri vakataura nyaya iyi nemazwi ane kubwinya kwekudenga. Munyori wePisarema akaimba pamusoro pesimba neumhare zvaMambo we Israel. “Mwari akapenya ari paZioni, iro rakanaka-naka kwazvo. Mwari wedu anovuya, haangarambi anyerere. . . . Moto unoparadza pamberi pake, dutu guru rinomukomberedza. Anodana denga kumusoro, nepasi, kuti atongere vanhu vake.” Pisarema 50: 2-4. “Kudenga-denga ngakufare, kwazvo; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro. Sango ngarive nemufaro, nezvose zviri mukati maro. Ipapo miti yose yedondo ichaimba nemufaro. Pamberi paJehova, nekuti anovuya; nekuti anovuya kuzotonga pasi; uchatonga nyika zvakarurama, nendudzi nekutendeka kwake” Pisarema 96:11, 13.KK 188.5

    Muprofita Isaya akati, “Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvavo zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; nekuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa” Isaya 26:19; 25: 8, 9. “Uchamedza rufu.” “Akaparadza rufu nekusingaperi, Ishe Jehova achapisika misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yose; nekuti Jehova akataura izvozvo. Nezuva iro vachati, “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehova, takanga takamumirira, tichafara, nekufarira ruponeso rwake.”KK 189.1

    Ukuwo Habakuki, achifara ari mumuono mutsvene, akaona kuonekwa kwake. “Mwari anouya achibva Temani, naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Kubwinya kwake kunofukidza denga rose, nyika izere nekurumbidzwa kwake. Kupenya kwake kwakafanana nechiedza; mazimbe emoto anobuda patsoka dzake. “Anomira achiyera nyika; anotarira, ndokuparadzira marudzi evanhu; makomo asingaperi anopararira; zvikomo zvisingaperi zvinokotama; nzira dzake ndedzekare-kare”. “Zvamunotasva mabhiza enyu, muchifamba nengoro dzenyu dzeruponeso”? “Makomo akakuonai akatya . . . Pakadzika pakabudisa izwi rapo, pakasimudzira mavoko apo kumusoro. Zuva nemwedzi zvakamira pavugaro hwazvo, zvichivona chiedza chemiseve yenyu ichipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya. Makatsika nyika makatsamwa, makapura ndudzi mune hasha. Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu” Habakuki 3: 3, 4, 6, 8, 10, 11, 13.KK 189.2

    Apo Muponesi paakanga ave pedyo nekuparadzana nevadzidzi vake, akavanyaradza mukusuwa kwavo nekuvavimbisa kuti aizodzoka zvakare. “Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendevo kwandiri. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzekugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; nekuti ndinoenda kunokugadzirirai pekugara. Kana ndaenda kunokugadzirirai pekugara, ndinozovuyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapovo” Johane 14:1-3. “Zvino kana Mwanakomana wemunhu achivuya nekubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vanaye, uchagara pachigaro chake chevushe chinobwinya. Nemarudzi ose achavunganidzwa pamberi pake” Mateo 25:31, 32.KK 189.3

    Vatumwa vakasara pagomo reMuorivi mushure mekukwira kwaKristu achienda kudenga vakadzokorora chitsidzo chekuuya kwake: “Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga” Mabasa 1:11. Ukuwo Mupostori Pauro, achitaura kuburikidza neMweya Mutsvene akapupura achiti, “Nekuti Ishe amene uchaburuka kudenga nekudanidzira, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari” 1 VaTesaronika 4:16. Muprofita wepaPatimosi akati. “Tarirai, unovuya nemakore, meso ose achamuvona” Zvakazarurwa 1:7.KK 189.4

    Pakuuya kwake ndipo pakaunganidzwa mbiri yekugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarebwa naMwari nemuromo wevaprofita vake vatsvene kubva pakutanga kwenyika” Mabasa 3:21. Ipapo hutongi hwakareba hwehuipi huchaputswa; “Vushe hwenyika hwave hwaIshe wedu, naKristu wake; achahubata nekusingaperi-peri” Zvakazarurwa 11:15. “Kubwinya kwaJehova kucharatidzwa, vanhu vose vachazviona pamwechete.” “Ishe Jehova uchameresa kururama nekurumbidzwa pamberi pemarudzi ose.” Achava “korona inobwinya nevukomba hwakaisvonaka kune vakasara vevanhu vake” Isaya 40: 5; 61:11; 28:5.KK 189.5

    Apa ndipo pachagadzwa humambo hwaMessia hwerunyararo, hwamirirwa kwenguva refu kuti hutonge pasi rose. “Nekuti Jehova achanyaradza Zioni; achanyaradza matongo aro ose, achashandura renje raro rive seEdeni, negwenga raro rive semunda waJehova.” “Richapiwa kunaka kukuru kweRebanoni, nevukomba hweKarmeri neSharoni.” “Hauchazonzi, “Musiyiwa;” nenyika yako haichazonzi dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi “Anondifadza,” nenyika yako Beula; uye chikomba sezvachinofarira mweya wacho, saizvozvo Mwari wako achakufarira” Isaya 51:3; 35:2; Isaya 62:4, 5.KK 190.1

    Kuuya kwaShe ndiyo yanga iri tariro yavatendi vechokwadi, mumazera ose. Mazwi echitsidzo akaitwa neMuponesi paGomo reMiorivi, ekuti aizodzokazve, akavhenekera remangwana revadzidzi, akazadza mwoyo yavo nemufaro netariro zvakatadza kudzimwa nekusuwa, kana nematambudziko. Vachitambudzwa nekushungurudzirwa kutenda kwavo, “Kuonekwa kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu” kwakava “Tariro yakaropafadzwa”. Apo MaKristu ekuTeseronika vakazadzwa neshungu vachiviga vadikani vavo, vakanga vane tariro yekuti naivowo vaizorarama kusvika pakuuya kwaKristu, Pauro, mudzidzisi wavo, akavanongedzera kurumuko rwaizoitika pakuuya kwaKristu. Akati “Nekuti vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose. Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa” 1 VaTesaronika 4:16-18.KK 190.2

    PaPatmosi urwu ruware mudzidzi anodikanwa akanzwa chitsidzo chekuti, zvirokwazvo ndinokurumidza kuuya iyewo mhinduro yake yakamiririra minamato yesangano pakudzungaira kwaro anoti, “Uyai mambo Jesu” Zvakazarurwa 22:20.KK 190.3

    Kubva mumajeri, nepaipisirwa vatendi nepavairembedzwa kusvika vafa apo vatsvene nevanamati vaifira chokwadi, panobuda mashoko avo ekutenda netariro anonzwika kwemazana emakore. Sezvo vaiva “vachisimbiswa nekumuka kwake Iye mbune zvichiita kuti naivo vave nechokwadi kuti vaizomutswa pakuuya kwake, anotaura mumwe wemaKristu aya, “vakazvidza rufu, vakawanika vari pamusoro parwo.” Vakabvuma kuburukira kuguva, kuti “vagozomuka vasununguka” vaitarisira kuti “Ishe adzike kudenga mumakore nembiri yaBaba vake, “achiunza nguva dzehumambo kune vakarurama”. MaWaldense vaiva nekutenda kwakadarowo”. Wycliffee aitarisira kuvonekwa kwaMuponesi setariro yesangano.” KK 190.4

    Luther akataura akashinga kuti: “Ndinogutsikana chaizvo kuti zuva rerutongo hakungavi makore mazana matatu risati rasvika. Mwari haangarambi, achibvumira huipi hwakadai munyika ino.” “Zuva guru riri kuswedera apo hutongi hwezvinonyangadza huchabviswa pachigaro.”KK 190.5

    Melanchton akati, “Nyika ino yachembera haisisiri kure kuguma kwayo.” Calvin akaudza maKristu kuti “vasakahadzike, asi vadisise kuona zuva rekuuya kwaKristu kupfuura zviitiko zvese zvingakosheswa, ” ndokubva ataurawo kuti, “Mhuri yese yevatendi vechokwadi inogara yakatarisira zuva iri.” Akatizve, “Tinofanira kuva nenzara yaKristu, tinofanira kutsvaka, tichifungisisa, kusvika zuva guru iri richisvika, Apo Ishe wedu achabudisa humambo Hwake zvakazara” KK 190.6

    Muparidzi weShanduko wekuScotland anonzi Knox akati, “Ko Ishe haana kutakura nyama [miviri] yedu kudenga here? Ko haachadzoki here? Tinoziva kuti achadzoka, uye achakurumidza.” Ridley naLatimer, avo vakafira chokwadi vaitarisira nekutenda zuva rekuuya kwaShe. Ridley akanyora kuti,“Nyika ino, pasina kukahadzika-ndiko kutenda kwangu, saka ndinozvitaura-yava kundoguma. Isu pamwe chete naJohani muranda WaMwari, ngaticheme kuna muponesi wedu tichiti, “Uyai, Ishe Jesu, Uyai”. KK 191.1

    Baxter akati, “Pfungwa yekuuya kwaShe inondifadza ichitapira kwandiri. Ibasa rekutenda nechimiro chevatsvene kuti vade kuonekwa kwake uye vatarisire tariro yakaropafadzwa. Kana rufu ari iye muvengi wekupedzisira uchaparadzwa parumuko, tinodzidza kuti vatendi vanofanira sei kushuwira nekunamatira kuuya kwechipiri kwaKristu, apo kukurira kwakazara kwekupedzisira uku kuchavapo. Bhuku rimwechete iri.” “Iri ndiro zuva iro vatendi vose vanofanira kushuwira, kutarisira nekumirira, sekupedziswa kwebasa rose reruponeso rwavo, kusanganisira zvishuwo nekushingaira kwavo kwose.” “O, Ishe, kurumidzisai zuva iri!” Ndizvo zvakanga zvakaita tariro yesangano panguva yevaApostora, “NeSangano remurenje”, nemunguva yevaparidzi veshanduko,” neyeRefoma.KK 191.2

    Chiporofita hachingotauri pamusoro pemuuiro nechinangwa chekuuya kwaKristu, asi chinotipawo zvimiso zvinoratidza vanhu kana nguva yava padyo. Jesu akati, “Zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi, nepanyeredzi” Ruka 21:25. “Zuva richasviba, nemwedzi hauchazobwinyi, nenyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ari kudenga achazununguswa. Ipapo vachavona Mwanakomana wemunhu achivuya mumakore nesimba guru nekubwinya” Marko 13:24-26. Munyori waZvakazarurwa anotsanangura zviratidzo zvekutanga, Kristu asati avuya, achiti: “Tarira kwakanga kuno kudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa” Zvakazarurwa 6:12.KK 191.3

    Zviratidzo izvi zvakaonekwa munguva ino. Mukuzadzisa chiporofita ichi, mugore ra1755 kwakaitika kudengenyeka kwenyika kwakaipisisa kukunda kose kwakanga kwamboonekwa. Kunyangwe kuchinyanya kuzivikanwa nekuti kudengenyika kwekuLisbon, kwakatambanukira kunzvimbo zhinji dzekuEurope, Africa nekuAmerica kukanzwikwavo kuGreenland kunaana West Indies nechitsuwa chekuMadeira, kuNorway, Sweden, kuBritain nekuIreland. Kwakapararira panzvimbo ingasvika mamirioni mana ema “square metre” kuAfrica kuzungunutsa kwacho kwakanga kwakafanana nekuEurope. Nzvimbo zhinji dzemu Algiers [Algeria] dzakaparadzwa; uye chinhambwe chiduku kubva kuMorocco, dunhu raiva nevanhu vangasvika zviuru zvisere kana gumi rakamedzwa pakashaya akararama. Nanda guru rakatsvaira kuSpain nekuAfrica, richimedza maguta nekukonzera kuparara kukuru.KK 191.4

    Kwaiva kuSpain nekuPortugal uko kudengenyeka uku kwakazungunusa zvakanyanyisa. PaCadiz paiva nenanda raiuya kunyika, rakareba kusvika mamita anopfura gumi nemasere. Makomo, “pane mamwe makuru ekuPortugal, akazunguzwa zvikuru, zvichiita kunge kubva pamidzi yavo, mamwe acho akavhurika pamusoro pavo ndokupamuka nepakati zvinoshamisa, zvimedu zvawo zvikuru zvikawira mumapani aive mujinga mawo. Mirazvu yemoto inonzi yakabuda kubva mumakomo iwayo.”KK 191.5

    PaLisbon “mutinhimira wemabhanan’ana wakanzwika pasi penyika, nenguva isipi kudengenyeka kune simba kwakabva kwawisira pasi chikamu chikuru cheguta iri. Munguva ingasvika maminitsi matanhatu, vanhu zviuru makumi matanhatu vakaparara. Nyanza yakamboita seyasuduruka, iri kupwa pakasara paoma, ndokubva yadzokera panzvimbo yakwirira mafiti makumi mashanu kana kupfuura kubva payaimbogumira. “Pane zvisina kujairika zvinonzi zvakaitika kuLisbon panguva yenjodzi iyi kunyura kwakaita chivakwa chitsva chepamahombekombe chaisvikira ngarava, chakanga chavakwa nemabwe emarble nemutengo wakakura zvachose. Mhomho yevanhu vakange vahwandako vachifunga kuti vaizochengetekako pakuputsika kwezvimwe zvivakwa; asi zvangoitika kuti chivakwa ichi chinyure munyanza chiine vanhu vese vakanga vapoteramo, uye hapana kana mutumbi mumwe chete wevanhu ava wakazoonekwazve pamusoro pemvura”.KK 192.1

    “Kuzunguzika kwekudengenyeka uku” kwakateverwa nekuputsika kwezvivakwa zvemakare kare zvose, zvivakwa zvinenge zvose zvehurumende, nechikamu chimwe pane zvina chedzimba dzevanhu. Panguva ingaita maawa maviri mushure mekudengenyeka uku, moto wakatanga munzvimbo dzakasiyana, ndokupfuta zvinotyisa kwemazuva angaite matatu, zvekuti guta rakabva rava durunhuru. Kudengenyeka uku kwakaitika panguva yezororo, apo vanhu vazhinji vakanga vakaungana mumakereke, vashoma vavo ndivo vakapunyuka”. Kuvhundutswa kwevanhu kwaisatsanangurika. Hapana akachema; zvaiva zvakadzama zvokusachemedza. Vakamhanya uko nekoko, vabatwa nebuka rekushamiswa nekuvhunduka, vachizvirova zvipfuva nekumeso, vachichema vachiti, ‘Miscerocordia’! Nyika yava kuguma! Vana mai vakakanganwa vana vavo vakamhanya vakatakura zvifananidzo zvine muchinjiko. Nerombo rakaipa, vazhinji vaitizira kumakereke, asi minamato yavo yakatarwa haina kuvabatsira; vakambundira maaritari, asi hazvina kubatsira; zvitombi, vaprista, zvese nevanhu vakafusirwa pamwe chete. “Zvinofungidzirwa kuti zviuru makumi mapfumbamwe evanhu vakafa pamusi uyu.KK 192.2

    Mushure memakore 25, kwakaonekwa chimwe chiratidzo chakataurwa muchechiporofita, kusviba kwezuva nemwedzi. Zvakanyanya kushamisa ndezvekuti nguva yakaitika izvi yakanga yanyatsotaurwa nemazvo. Achitaura nevadzidzi vake vari paGomo reMuorivi, apedza kutaura nezvenguva refu yekushungurudzwa kwevatendi makore 1260, ayo aakanga ati aizopfupikiswa. Muponesi akabva ataura zvinhu zvaizoitika zvichizoteverwa nekuuya kwake, shure maizvozvo ndokubva anyatsotara nguva yazvaizoitika, “Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasviba, nemwedzi hauchazobwinyi” Marko 13:24. Mazuva kana kuti makore 1260 akapera mugore ra1798. Makore 25 akanga apfuvura, kushungurudzwa kwevatendi kwakanga kwaita sekuti perei. Mushure mekushungurudzwa uku pakati panguva dzakatarwa, zvichienderana nezvakataurwa naKristu, zuva raizosviba. Musi wa19 May 1780, chiprofita ichi chakazadziswa.KK 192.3

    “Zuva remusi wa19 May 1780 ringatopotsa kuva ndiro roga, kana kuri kuti ndiro rega,. . . pazviitiko zvisinganzwisisiki kana kutsanangurika, apo denga rose nemuchadenga kuNew England.” Rima iri harina kukonzerwa nekusangana kwezuva nemwedzi sezvinongoitika mushure memakore mazhinji nguva dzakawanda. Harina kukonzerwa nemakuti, kana kuwandisa kwevutsi muchadenga, nekuti kumwewo kwakasvika rima iri muchadenga maiva makazvichenera hamo zvekuti nyeredzi dzaitovonekwa. Panyaya yekundikana kupa tsananguro inogutsa kubva kusainzi yechiitiko ichi, Herschel mazvikokota wedzidzo yenyeredzi anotaura zvakasimba achiti: “Zuva rerima guru kumawodzanyemba eAmerika ndechimwe chezvinhu zvinoshamisa kwazvo chisingakwanisi kutsanangurwa nedzidzo.”KK 193.1

    Kusviba uku kwaiva chinhu chakashamisa kwazvo “. Kwakavonekwa mumatunhu ekumabvazuva eNew England; kumavirira, nechemberi kuConnecticut nepaAlbany, N.Y.; nezasi kwakavonekwa kusvika kumahombo kombe egungwa, nekumusoro kusvikira kunzvimbo dzose dzinogarwa dzeAmerika nekumberi. Kwakapfuvura miganhu iyi, asi kwakakasvika hakuna kuzivikanwa. Nguva yakwakatora kwakasviba yakainda mberi kusvika kumisha iri pedyo neBoston kwemaawa anosvika 14 kana 15.” KK 193.2

    Mangwanani akanga akachena kusina makore kwakanaka,asi nenguva dza8 kwakavonekwa chinhu chisina kujairika muzuva. Kusina makore, asi mhepo yaiva yakakora, isichiita seyaive nevutsi, chiedza chezuva chikava chipfumbu, nekutsvukuruka, asi kwakaramba kuchiwedzera kusviba, kusvikira zuva risisisavonekwi.” Kwakava “pakati pehusiku masikati makuru.” KK 193.3

    “Chiitiko ichi chakawunza kutya kukuru kwazvo nekuvhunduka nekushushikana kupfungwa dzeruzhinji, nekupererwa kuzvipfuwo nemhukawo, huku neshiri dzakainda muzvirugu nemumatendere nekuvhunduka, nemombo dzikadzokera mumatanga.” Matatya nematahwa zvikatanga kuimba. Machongwe akakukuridza sezvaanoita kwavakuedza. Varimi vakamanikidzwa kusiya mabasa avo mumunda. Mabasa ose akamiswa, makanduru akabatidzwa mudzimba. “Dare rehurumende reConnecticut raikurukura paHartford, nekutadza kuinda mberi nemusangano rakabva ramira. Zvose zvakaratidza chiratidzo chevusiku.” KK 193.4

    Kusviba sviba kwezuva iri kwakateverwa, neawa kana mbiri kusati kwadoka, asi kuchena pakanzvimbo kaduku kwakavonekwa, zuva rikambobuda kanyange raiva rakaputirwa nemhute nhemha. Asi kanguva “kaduku duku aka kakateverwa nekudzoka kwerima raiva ranyanyisa kukora, rikaramba riripo kwehafu yevusiku uhu kupfuvura zvimwe zvose zvaiva zvambovonekwa nemamirioni evanhu vakazvivona. Kubva pakudoka kwezuva kusvika pakati pehusiku, hakuna kumbovonekwa kana karanzi kechiedza kubva kumwedzi kana nyeredzi kakapfuvura rima iri. Zvakaziviswa kuti ‘kusviba kukuru kwerima!’”. Akadaro mumwe akazvivona: “Ndakangofunga kuti kudai zviedza zvose zvinovhenekera pasi rose zvaingaputirwa nerima risina chingaridzinga, kana zvaingabviswa zvachose, rima raingadai risina kukwana.” Kana nepo vusiku uhu mwedzi waiva jena guru, “wakanga usina kana simba rekudzinga mimvuri yaiita seyerufu.” Rima rakazopera pakati pevusiku, mwedzi, pawakavonekwa kekutanga wakanga wakafanana neropa.KK 193.5

    Munyori wenhetembo Whittier achitaura pamusoro pezuva iri anoti: “Raive rimwe zuva muna May mugore ra1780, apo maruva nepfumvudza zvaindudza nyika, nedenga remasikati makuru, zvakawirwa zvikakwidibirwa nerima rakaipisisa kwazvo. Varume vakanamata, madzimai akachema; nzeve dzose dzikateya kuti dzinzwe kurira kwehwamanda kuchitsemura denga dema dema iroro.”KK 194.1

    May 19, 1780 rinozivikanwa munhoroondo se “Zuva Rerima” kubva nguva yaMoses, hapana imwe nguva yakambonyorwa nezvayo yakaita rima rakakura zvakadaro, rakaitika kunzvimbo zhinji saizvozvo, uye richitora nguva yakareba zvakadaro. Matsanangurirwo anoitwa chiitiko ichi nevanodetemba, nevanonyora nhoroondo anoita semaungira emazwi aShe, sekunyorwa kwawo nemuporofita Joel, makore 2500 zvisati zvaitika. “Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehova rinotyisa risati rasvika” Joere 2:31.KK 194.2

    Kristu akanga audza vanhu vake kuti vatarise zvioneso zvekuuya kwake, kuti vafare apo vaiona minongedzo yekuuya kwaMambo wavo. Akati, “Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nekuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.” Ruka 21:28. Akavanongedzera kumiti panguwa yepfumvudza, akati, “kana yotunga, mukazvivona, munoziva mumene, kuti zvino zhezha rave pedyo. Saizvozvo, nemivo, kana movona izvozvi zvoitwa, zivai kuti vushe hwaMwari hwave pedyo”, Ruka 21: 30, 31.KK 194.3

    Asiwo pamusana pekuti mweya wekuzvininipisa nekuzvipira musangano wakanga watorerwa nzvimbo nekuzvikudza nekuita zvinhu nechijairira, rudo kuna Kristu, nekutenda kuti achauya zvakanga zvatonhora. Nekuti vanhu vaMwari vakanga vanyura mune zvenyika nekuzvitsvakira zvinofadza, vakanga vapofomadzwa zvekusaona zviratidzo zvakanga zvarairwa naIshe nezvekuuya kwake. Dzidziso yekuuya kwakwe yakanga yashairwa hanya; uye magwaro aitaura nezvazvo akanga achiminamiswa, zvekuti vanhu vazhinji vakanga vakanganwa nekushaya hanya nayo. Izvi zvakanga zvakanyanya zvikuru mumasangano ekuAmerica. Rusununguko nerugare zvaiwanikwa nevanhu vese, havi yekutsvaga pfuma nekugara zvakanaka, zvichiita kuti vanhu vagare vachishingaira kutsvaka mari, neshungu dzekutsvaka mbiri nesimba zvaigona kuwanikwa neada, zvese izvi zvakaita kuti vanhu vasaise shungu dzavo netariro pazvinhu zveupenyu huno, vachiisa kure mberi, mberi zuva guru rekupetwa kwenyika nemabasa ayo.KK 194.4

    Apo Muponesi aitaurira vadzidzi vake nezviratidzo zvekuuya kwake, akataurawo nezvekudzokera mumashure kwaizoitika iye asati auya. Iye akati vamwe vaizobatikana nekuita zvemabhizimusi nekutsvaka kunakidzwa sezvenguva yaNoah- kutenga-kutengesa, kusima, kuvaka, kuroora nekuroodza-paine kukanganwa Mwari nehupenyu hunouya. Kune avo vaizosvikirwa nenguva iyi chenjedzo yaKristu yaiwa yekuti, “Chenjerai kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekudhakwa, nekufunganya pamusoro pezvinhu zvehupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva”. “Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvo zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi peMwanakomana wemunhu” Ruka 21:34, 36.KK 194.5

    Mamiriro esangano panguva iyi anoburitswa pachena mumazwi aMuponesi muna Zvakazarurwa, “kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa” Zvakazarurwa 3:1. Kune avo vanoramba kumuka kubva pakufunga kwavo kuti vakakotsekana yambiro yakasimba yakapiwa yekuti, “naizvozvo kana usingapepuki, ndichavuya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo” Zvakazarurwa 3: 3.KK 195.1

    Zvaifanira kuti vanhu vapeputswe kunjodzi inovuya kwavari, kuti vamutswe kuti vagadzirire zviitiko zvinotyisa zvine chekuita nekuvharwa kwemutsa. Muporofita waMwari anodanidzira achiti, “nekuti zuva raJehova iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko angatsunga naro?” Joeri 2:11. “Ndiani achamira kana achivonekwa Iye ane meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, kana kuona zvisakarurama” Habakuki 1:13. Kune avo vanoti, ” Mwari wangu ndinokuzivai” (Hosea 8:2; Pisarema 16: 4) asi ivo vachiramba chirangano chake, vachimhanyira kune vamwe vamwari, vachiviga zvakaipa mumwoyo yavo, vachida nzira dzekusarurama … kune avo vese zuva “haringavi rima, rikarega kuva chiedza here” Amosi 5:20. “Zvino nenguva iyo ndichanzvera Jerusarema nemwenje; ndicharova varume vagere pamasese avo, vanoti mumwoyo yavo, `Jehova haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa” Zefania 1:12 “Ndicharova nyika nekuda kwekushata kwayo, nevakaipa nekuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nekuwisira pasi kudada kwavanotyisa” Isaya 13:11. “Siriva yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rekutsamwa kwaJehova.” “Fuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo” Zefania 1:13, 18.KK 195.2

    Muprofita Jeremia, achitarisira kunguva inotyisa iyi akachema achiti, “Ndinorwadziwa mumwoyo mangu mumene; mwoyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nekuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yekurwa.” “Kunonzi, kuparadzwa kunotevera kuparadzwa” Jeremia 4:19, 20. KK 195.3

    “Zuva iro izuva rekutsamwa, zuva rekutambudzika nekumanikidzwa, zuva rekurashwa nekuparadzwa, zuva rerima nerekusviba, zuva remakore nerezarima guru, zuva rehwamanda neremhere” Zefania 1:15, 16. “Tarirai, zuva raJehova rinovuya, . . . kushandure nyika iite dongo, nekuparadza vatadzi vayo vabvemo” Isaya 13:9.KK 195.4

    Nekuda kwezuva guru iri, shoko raMwari rinotaura nemazwi akasimba anotyisa, kuti vanhu vapepuke kubva mukuneta neta pane zvemweya, vatsvake chiso chake nekutendeuka nekuzvininipisa. “Ridzai hwamanda paZioni, dzemhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere nekuti zuva raJehova rinovuya, nekuti rava pedyo.” “Tsaurai zuva rekuzvinyima zvekudya, danai vanhu kuvungano yakatarwa; kokerai vanhu, natsai vungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, nevanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nemwenga paimba yake yekuvata. Vaprista, ivo vashumiri vaJehova, ngavacheme pakati pebiravira neatari, vati, `Aiwa, Jehova, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushovorwa, kuti marudzi evanhu avaseke;’ vangareveiko pakati pemarudzi evanhu, vachiti, `Mwari wavo aripiko?” “Tendevukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvekudya, muchichema nekuungudza; bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguvo dzenyu, mutendeukire kuna Jehova Mwari wenyu; nekuti ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji.”Joeri 2: 12, 13.KK 195.5

    Kuti vanhu vagadzirirwe kumira pazuva raMwari basa guru rerumutsiriro raifanira kuitwa. Mwari akawona kuti vazhinji vaizviita vanhu vake vakanga vasingavakiri zvenyika inouya, saka netsitsi dzake akada kutumira mashoko echenjedzo kupeputsa vanhu kubva muhope dzavo, kuvatungamirira kuti vagadzirire kuuya kwaShe.KK 196.1

    Yambiro iyi inobudiswa pachena muna Zvakazarurwa 14 patinowana mashoko matatu anofananidzirwa kuti anoparidzwa nevatumwa, zvichiteverwa nekukurumidza nekuuya kweMwanakomana wemunhu kuti azokohwa “kukohwa kwepasi”. Yambiro yekutanga inotaura nezverutongo runovuya. Muprofita akavona mutumwa achibhururuka “nepakati pedenga, ane Evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, nemarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, nevanhu vose. Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nekuti nguva yake yekutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura” Zvakazarurwa 14: 7.KK 196.2

    Shoko iri rinonzi chikamu “cheEvangeri isingaperi”. Basa rekuparidza vhangeri harina kupiwa ngirozi, asi vanhu. Vatumwa vatsvene vakapiwa basa rekuona kuti basa iri rinofamba zvakanaka, ndivo vanotungamirira zvirongwa zvikuru zvekuti vanhu vapone; asi basa chairo rekuparidza vhangeri rinoitwa nevaranda vaKristu panyika.KK 196.3

    Varume vakatendeka, vaiteerera kudenha kwemweya waMwari uye dzidziso dzeshoko rake, vaifanira kuzoparidza yambiro iyi kunyika. Vaive avo vakanga vaterera “shoko rakasimba revuprofita,” “chiedza chinovhenekera mune rima kusvikira vutonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu” 2 Peter 1:19. Ava vaitsvaka kuziva Mwari kupfuura kutsvaka kwavaingaita hupfumi hwakavanzwa, vachiti “kunopfuura kuwana siriva; nekufuma nako kunopfuvura kufuma nendarama” Zvirevo 3:14. Ishe akavazarurira zvinhu zvikuru zvehumambo. “Zvakavanzwa zvaJehova ndezvevanomutya; Achavaratidza sungano yake” Pisarema 25:14.KK 196.4

    Vakanga vasiri vatungamiriri vekereke vakanzwisisa chokwadi ichi vakachiparidza. Dai vaive nharirire dzakatendeka, vachinzvera Magwaro nemunamato nemwoyo wakaperera, vangadai vakaziva kuti inguvai yevusiku; zviprofita zvingadai zvakavazarurira zvinhu zvakananga zvave kuzadziswa. Asi havana kugara pachinzvimbo ichi, Shoko rikaparidzirwa nerimwe boka. Jesu akati, “Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima” Johane 12:35. Vose vanofuratira chiedza chapiwa naMwari, kana kushaya hanya yekuchitsvaka icho chiri pedyo navo, vanosara vari murima. Asi Muponesi anoti, “unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza chehupenyu” Johane 8:12. Vose vanoita nechinangwa chekutsvaka kuita kuda kwaMwari, vachichenjerera kuita zvose pachiedza chavaanacho, vanowana chimwe chiedza chikuru, kune vakadaro vose, nyeredzi ine kupenya kwekudenga inotumwa kuti ivatungamirire kuchokwadi chose. KK 196.5

    Pakuuya kwaJesu kwekutanga, vaprista nevanyori vakanga vakachengeteswa murairo waMwari, vaingadai vakavona zviratidzo zvenguva vakaparidza kuuya kweAkavimbiswa uyu. Chiprofita chaMika chaitura nzvimbo yekuzvarwa kwake (Mika 5:2). Danieri akataura nguva yekuuya kwake chaiyo, Danieri 9:25 inozvitsanangura nemazvo. Mwari akanga apa zviprofita izvi kuvatungamiriri vechiJudha, saka vakanga vasina chikonzero chavaingapa chekusaziva nekusaparidzira vanhu kuti kuuya kwaMessia kwasvika. Kusaziva kwavo kwakakonzerwazve nekushaya hanya kwavo. MaJudha aivaka shongwe dzekurangaridza vaprofita vakaurawa, asi kuremekedza kwavo vakuru ava vepano pasi vaitopa rukudzo kuvaranda vaSatani. Vaipedza nguva yavo yose vachirwira zvinzvimbo nemasimba pakati pevanhu, zvekuti vakabva vatadza kuona rukudzo rwavakanga vapiwa naMambo wekudenga.KK 196.6

    Vakuru vekwaIsraeri vaifanira kudzidza nekuzvininipisa nekuperera kose nezvenzvimbo, nenguva nezviitiko zvose zvaitaura pamusoro penyaya iyi yakakoshesesa munhoroondo yenyika ino yekuuya kweMwanakomana waMwari kuzodzikinura vanhu. Vanhu vose vaifanira kumirira vakagadzirira kuti vave vekutanga kuchingamidza Mudzikinuri wenyika yose. Asi tarira kuBeterehema, vafambi vaviri vaneta vachibva kumakomo eNazareta vakafamba nenzira dzose dzemumusha, dzakadziva kumabvazuva kweguta, vachitsvaka, asi vachishaya nzvimbo yekuzorora neyekurara husiku ihoho. Hapana akabvuma kuvazarurira mudzimba dzavo. Munzvimbo yakadzikira kwazvo yakagadzirirwa mombe, ndipo pavakazowana pekuzororera, ndipo pakazozvarirwa Muponesi wenyika ino.KK 197.1

    Vatumwa vekudenga vakanga vachiziva mbiri yaive naJesu ari kudenga pamwechete naBaba, nyika isati yasikwa, saka vaitarisisa kuti kuuya kwake chaizove chiitiko chaigashirwa nemufaro wakakurisa nevanhu vose panyika. Kwakagadzwa vatumwa kuti vatakure mashoko erufaro achienda kuvanhu vakagadzirira kuagashira uye vaizoita basa rekuavudza vamwevo panyika nemufaro. Kristu akazvidzikisa akatora chimiro chemunhu, aizotakura mutoro mukuru wematambudziko paaizove chibairo chezvivi; asi kunyange zvakadaro vatumwa vaida kuti Mwanakomana weWekumosoro soro asvike pavanhu nechiremerera nekubwinya kunoenderana nechimiro chake. Nyika ivone kuzvininipisa kweMwanakomana waMwari aikudzwa zvakadaro. Ko vakuru vakuru venyika vaizovungana here pamuzinda mukuru waIsraeri kuti vamuchingamidze? Boka revatumwa raizomuratidza boka guru revanhu vakanga vakamumirira?KK 197.2

    Mutumwa akabva kudenga kuzovona kuti ndevapi vakagadzirira kuchingamidza Jesu. Asi haana kuona kana kutarisa kwevanhu. Haana kunzwa izwi rekurumbidza kana rerukuriro nekuti nguva yekuuya kwaMessia yasvika. Mutumwa uyu akambobhururuka ari pamusoro peguta rakasarudzwa, nepatemberi paivonekwa kuvapo kwaMwari kwemakore mazhinji, asi kana ikoko hakuna akaratidza kuti kwaive nechinhu chikuru chaizoitika. Vaprista mukuzvikudza nekuda kuvonekwa nevanhu vari kupira zvibairo zvavo zvakasvibiswa mutemberi. VaFarise vari kutaura kuvanhu nemazwi ari pamusoro, kana kuti vari kuita muminamato yavo yekuzvikudza vari pamharadzano dzenzira. Mudzimba dzemadzimambo nemunzvimbo dzekudzidza kwepamusoro, muzvikoro zvemaRabbi, vose hapana ane hanya nechiitiko chaifadza nekurumbidzwa nevagari vekudenga-chekuuya kwaMuponesi panyika.KK 197.3

    Hapana humboo hwairatidza kuti Kristu akamirirwa, hapana kana gadziriro yekusangana neMuchinda Wehupenyu. Nekushamiswa kukuru mutumwa wekudenga ave kuda kutodzokera kudenga ane mashoko anonyadzisa nekusuwisa zvakadaro, apo anovona vafudzi vaichengeta makwai vusiku, uye pavanotarisa nyeredzi kudenga, vachifungisisa pamusoro pezviprofita zvekuuya kwaMessia, vanoshuvira kuuya kwaMuponesi wavo. Ava ndivo chete vakanga, vakagadzirira kugashira shoko raibva kudenga. Pakarepo mutumwa waMwari akadaidzira mashoko emufaro mukuru. Mbiri yedenga ikazadza bani rose, boka guru guru revatumwa vasingaverengeki rikavonekwa. Kuita sekuti mufaro wakanga usingakwanisi kutakurwa nemutumwa mumwechete kubva kudenga, mazwi mazhinji akabva atanga kuimba rwiyo rukuru urwo ruchaimbwa nevachaponeswa nerimwe zuva: “Mbiri kuna Mwari kumusoro-soro, nerugare ruve panyika, nemwoyo muchena kuvanhu” Ruka 2:14.KK 197.4

    Haiwa chidzidzo chikuru sei chenyaya yepaBeterehema! Inotsiura zvakadii, kuzvikudza, nekusatenda kwedu, nekuzvinzwa takatokwana! Inotiyambira kuti tingwarire kuti nesuvo tisashaya hanya nezviratidzo zvekuuya kwaJesu tichitadza kuziva zuva rekushanyirwa kwedu.KK 198.1

    Hakuzi kuzvikomo zveJudea chete, kwete kuvafudzi chete, vanhu vaitarisirwa pasi, kwakavonekwa nevatumwa vanhu vakanga vakagadzirira kuuya kwaMessia. Munyika yevaHedhenivo maive nevamwe vaimutarisira; vaive vachenjeri vekumabvazuva, vafumi veimba yehumambo vadzidzi vekumabvazuva. Sevadzidzi vezvisikwa nehukuru hwazvo, vachenjeri ava vakanga vavona Mwari mune zvaakasika. Kubva muMagwaro evaHeberu vakanga vadzidza kuti paizobuda nyeredzi kubva kuna Jakobo, saka nechishuvo chikuru vaitarisira kuuya kwake uyo aisazova “munyaradzi waIsraeri” chete, asi “chiedza chevaHedhenivo,” uye “achiponesa kusvika kumigumo yenyika yose” Ruka 2: 25,32; Mabasa 13:47. Vaive vatsvaki vechiedza, saka chiedza chaibva pachigaro chehushe chaMwari chakavhenekera nzira yavo. Panguva vaprista nemaRabbi veJerusarema vaive vachengetedzi nevadudziri vechokwadi ichi vakanga vakaputirwa nerima, nyeredzi yaibva kudenga yakatungamirira vaenzi ava kunzvimbo yakanga yazvarirwa Mambo.KK 198.2

    Zvichaitika kuti Kristu “achavonekwa kechipiri, naivo vanomutarira, asingazotakuri zvivi asi kuti avaponese” VaHeberu 9: 28. Semashoko ekuzvarwa kwaMuponesi, mashoko ekuuya kwake kwechipiri haana kupiwa kuvatungamiriri vezvekunamata pakati pevanhu. Vakanga vakundikana kuchengetedza hukama hwavo naMwari, uye vakanga varamba chiedza chaibva kudenga; saka vaisava muboka rinotaurwa namupostora Pauro: “Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. Nekuti imi mose muri vana vechiedza, nevana vemasikati; hatizi vevusiku, kana verima” 1 VaTesaronika 5: 4, 5.KK 198.3

    Varindi vepamasvingo eZioni ndivo vaifanira kutanga kugashira mashoko ekuuya kwaKristu, vachivazve vekutanga kusimudza mazwi avo kuti ave pedyo, vekutanga kunyevera vanhu kuti vagadzirire kuuya kwake. Asi vakanga vakarivara, vachitorota zvavo nezverugare nekuchengetedzeka, asi vanhu vakarara muzvivi zvavo. Jesu akavona Kereke yake, yakaita semuvonde usingabereki asi ine mashizha ekuda kuvonekwa, asi michero pasina. Paive nekuzvikudza nekushamisira mune zvekunamata, asi mweya wekuzvininipisa kwechokwadi, kuzvidemba nekutenda-izvo zvoga zvinoita kuti kunamata kugashirike kuna Mwari-paiva pasina. Pane kuva nemuchero weMweya, paiva nekuzvikudza, mufananidzo chete wekunamata, kutsvaka mbiri, chindini, neudzvanyiriri. Kereke yakadzokera kumashure yakavhara maziso ayo kuzviratidzo zvenguva. Mwari haana kuvaramwa vakadaro, kana kuita kuti kutendeka kwake kukundikane; asi ivo vakamutiza, vakazvipatsanura kubva kurudo rwake. Pavairamba kuita zvakatarwa, zvitsidzo zvake hazvina kuzadziswa kwavari.KK 198.4

    Izvi ndizvo zvinoitika kana pakashaikwa hanya nekusatambira chiedza nekusashandisa mikana inobva kuna Mwari. Kunze kwekuti sangano ramutevera pane zvaanotanga kupa, vachigamuchira chokwadi chose, nekuita basa rose rataurwa, kunamata kunoguma kwangove kwekuchengeta tutsika, mweya nesimba zvaMwari zvinotama. Chokwadi ichi chagara chichiratidzwa munhoroondo yesangano . Mwari anoda kuti vanhu vake vaite mabasa ekutenda nerudo zvichienderana nezvikomborero nemikana yaanovapa. Kuterera kunoda kuzvipira uye kunotsvaka muchinjikwa; ndicho chikonzero vazhinji vanoti vanonamata vachiramba chiedza chinenge chabva kudenga. Uye semaJudha ekare, havazive nguva yekushanyirwa kwavo, Ruka 19:44. Nekuda kwekuzvikudza nekusatenda kwavo, Mwari akavadarikira, akazarura chokwadi chake kuvanhu vakaita sevafudzi veBeterehema nevachenjeri vekumabvazuva avo vakanga vaterera chiedza chose chavakanga vagashira. KK 199.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents