Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

KURWISANA KUKURU

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 11—CHIMURENGA CHEMACHINDA

    Kumwe kwekupupura kwakange kwakakosha kuri kwaikudzwa nokuremekedzwa kukuru, kakaitwa navanakomana, machinda eumambo ku Germany. Machinda aya akataura zvaiva nesimba kutaridza rutsigiro rwavo rukuru muhushumiri hweshanduko yokururama pamusangano mukuru we Spires mugore ra 1529. Hushingi, kutenda noumhare hwavanhu ava vaMwari, hwakawanira vamwe munguva dzaizotevera rusununguko rwendangariro uye nemaererano nenyaya dzokunamata. Kupupura kwemachinda kwakaita kuti sangano rine shanduko yokururama, rakazvitsaura kubva kuRoma, ridaidzwe kunzi: Purotestenti. Zvimiso zvesangano iri ndidzo dzakava nheyo dzemasangano ose anonzi Purotestenti.” D’Aubgne,. b.13.ch.6.KK 127.1

    Pakambosvika nguva yaiva izere rima hehuipi mukufamba kwebasa reshanduko yokururama. Zvisinei neChirevo chamambo panzvimbo ye Worms chakanga chaparura pachena kuti Luther akanga ari munhu aisafanirwa kuchengetedzwa nomutemo aifanira kufa, uye kuti dzidziso nezvinyorwa zvake zvaiva zvinhu zvinorambidzwa munyika, pakange paine kuremekedza zvitendero zvevamwe mumatunhu ose ehumambo. Nokuda kwokuita kwaMwari, zvaiva pachena masimba aipikisa kufamba kwevhangeri akange akabatwa naIye kuti chokwadi chirege kumiswa. Mambo Charles V. akanga akazvipira kuti aizoshanda kuti rumutsiriro rwokururama rwuparadzwe asi kazhinji paaisimudza ruwoko rwake kuti aputse iri basa, aimanikidzwa kuti ruoko rwake rwuwire divi. Nguva nenguva zvaitaridzika pachena kuti avo vose vaizvimisira kupokana neveRoma kuparara kwaive padyo zvikurusa, asi pazvaitarisirwa kuti zviitike, ipapo-ipapo hondo dze Turkey dzaiuya nokumabvazuva, kana kuti Mambo we France kana Pope pachake, nokuda kwegodo rake namambo, aisimukira nokubudirira kupfuurira iye, aizorwa namambo. Nokudaro mukati mehondo, bope guru nemhirizhonga mundudzi dzavanhu, basa guru revhangeri norumutsiriro rakasimba rikatandira nyika.KK 127.2

    Pakupedzisira, veboka raana Papa vakazodzikamisa nhunha dzavo, kurwa kukambomira vakaisa misoro pamwe kuti vagone kuwirirana zano rimwechete rokurwisa shanduko yokururama. Pamusangano mukuru we Spires mugore ra 1526 wakanga wapa nyika imwe neimwe rusununguko ruzere maererano nenyaya dzokunamata kusvikira pamusangano mukuru we Kanzuru; asi hazvina kutora nguva refu zvisati zvatanga kuonekwa nemutongi kuti mumwe musangano ugarwe. Musangano wechipiri we Spires wakaitwa mugore ra 1529 uyu waiva uinechinangwa chokuparadza hupanduki mudzidziso. Mambo Charles V akati machinda anofanira kupihwa fufuro kuti agorwisa Vhangeri nevairitsigira, izvi zvaifanira kuti zviitwe murunyararo asi zvikaramba, mambo vakange vachigadzira kushandisa munondo kana bakatwa.KK 127.3

    Boka ra Pope rakanga riine kupembera kukuru. Vakauya kumusangano waiva ku Spires nohuwandu hukuru, vaimhura vavhangeri pamwe nevavaidzidzisa kururama nokuzvidza basa rose reshanduko yokururama. Melanchthon akati: “tiri zvituko ne marara enyika; asi Kristu uchatarira pasi pamusoro pavanhu vake varombo, iye amene uchavadzivirira nokuchengeta.”—Ibid., b.13.ch.5. Machinda vana vamadzimambo vaiva veboka re Evangelicals vakanga vauyawo pamusangano mukuru we Spires, vakange vakarambidzwa mumatunhu enyika dzavo kuti kuparidzwe Shoko raMwari madziri. Vanhu venzvimbo ye Spires vaive nenzara nenyota yeshoko raMwari, zvokuti kunyangwe hazvo zvakanga zvakarambidzwa, vakaenderera mberi kuungana mutemberi ye Saxony kuti vanzwe Shoko raMwari richiparidzwa.KK 127.4

    Izvi zvakakudza dambudziko raivapo. Chirevo chamambo chakauya pamusangano chikaverengwa zvichinzi, senzira yokugadzirisa nhau yokusununguka pakunamata mundangariro, hazvichatenderwi kubva ikozvino nokuda kwokuti kodzero iyi yaunza kusateramira kwezvinhu kukuru. Ichi chirevo chamambo mukuru chakauya, chakatsamwisa nokushamisa zvikurusa machinda aiva ma Evangelicals. Mumwe wavo akataura akati; “Kristsu Jesu apindazve mumavoko a Ciaphas na Pirato.” VaRoma vakatanga kuita mhirizhonga nehasha. Umwe weboka ra Pope akataurawo achiti; “vanhu ve Turky varinani pane vanotevera Luther nokuti ve Turky vanemazuva avanozvitsaurira kutsanya, asi vanhu vanotevera Luther vanoamhura. Kana takafanira kusarudza chatingada pakati pemagwaro matsvene aMwari nenzira dzakarashika dzekare, tinofanira kurasha magwaro matsvene.” Melanchthon akati: “Zuva nezuva, pamberi peungano huru, Faber anopotsera matombo kwatiri isu vavhangeri.”—Ibid., b.13. cb .5.KK 128.1

    Kusununguka kunamata kwakange kwatekeshera munzvimbo zhinji zvaiva pamutemo. Mumatunhu ose ehumambo makanga muine ma Evangelicals, vakazvimisira kuti vaizopokana naani nani aizovarambidza kunamata vakasununguka. Luther akanga achiri pasi pechirevo chamambo chakaitwa ku Worms achinzi mudariki womurauro. Haana kukwanisa kuuya kumusangano we Spires. Asi nzvimbo yake yainge yakamiririrwa nehama dzake mubasa uye namachinda akanga asimudzwa naMwari kuti varwire basa rake munguva dzaiva dzisina kujairika. Mukuru airemekedzwa zvikurusa Frederick we Saxony, akanga ari muchengeti wa Luther akange abviswa nokuda kworufu; asi munin’ina wake Duke John akamutevera pahutungamiri, iye akange akagashira nomufaro shanduko yokururama, uye ari mukurudziri werunyararo, akataridza Simba guru neumhare panhau dzose dzaiva nechokuita nokutenda.KK 128.2

    Vapirisita vakatema chirevo chavo chokuti matunhu ose muhumambo uhwu akanga agashira vhangeri vakurumidze kuzviisa pasi poutungamiri hweRoma. Norumwe rutiviwo, vaVhaingeri vakanga vachida rusununguko rwavakambopiwa zvaiva pamutemo kare. Vakaramba kubvuma kuti matunhu avo akange amboratidza nomufaro mukuru kudaira kwavo kuVhangeri kuti vadzokezve muutongi hweRoma. KK 128.3

    Zvakazotenderanwa kuti kwose uko kwakange kusati kwasvika vhangeri reshanduko yokururama, Chirevo chamambo chakaita ku Worms chaizosimbiswa nesimba guru; uye kuti munzvimbo idzo maityorwa mutemo uyu, uye kuti vasingautevedzi havo pasina dambudziko rokumukira vatongi paisazounzwa mitemo mitsva, hapana aizoisa kohomedzo pamusoro penyaya dzagara dzichipesanisa vanhu, hapana aitenderwa kupokana nechirango kana mutambo we Masi, hapanazve muRoma aitenderwa kuve muteveri wa Luther.”—Ibid., b.13.ch.5. Zvirevo izvi zvose zvakafadza nokugutsa vapirisita nemakurukota avo.KK 128.4

    Kana zvikanzi Chirevo ichi chapiwa simba rokuti chishande, basa guru revhangeri rokushandura nokusunungura haraizofambira mberi ... Kwese kwainge kusina Vhangeri haraizosvika uye raitadza kumiswa panheyo dzaro chaidzo ... uko kwaive neVhangeri racho nechekare.” Ibid., b.13.ch.15. Kodzero yokusununguka kutaura yaizorambidzwa. Hapana kutendeuka kwaizotenderwa uye pazvirango zvose izvi shamwari dzeshanduko yokururama dzaisungirwa kuti dzizviise pasi pavaRoma. Tariro yenyika yose yaitaridza kuti yaiva pedyo kudzimwa. “Kudzoredzerwa kwehukuru hwemasimba eRoma … kwaidzosa kushungurudzwa kwavanhu sepamazuva akare pasina rimwe simba raigona kuzvimisa.” Uye kuti chikonzero chaigadzirwa nokuwanikwa chaizoparadza zvachose basa guru revhangeri rakambenge razununguswa nemanyawi uye kupanduka kwevasingarevesi. —Ibid., b.13.ch.15.KK 129.1

    Boka remaKristu e Evangelical rakasangana kuti ripangane mazano, umwe akatarisa umwe nokusuwa uye nokupererwa kukuru. Umwe aibvunza mumwe kuti: “todini?” Nhau huru dzine chekuita nepasi rose dzakanga dzava pamazivandadzoka. Vatungamiri veVhangeri vangazvininipisa vakagashira chirevo here? Nenguva iyi yedambudzo, zvaiva nyore sei kuti boka revhangeri ripinde mukati menharo nevanhu uye kuzvipinza painge pakavaomera zvikuru. Zvainge zvakawanda sei zvikonzero zvaifadza nezvaitaridza kuisa vanhu pakaenzana zvaigona kutaurwa kuti vavhangeri vagashire kuenda pasi peRoma! Machinda akanga achigashira dzidziso dza Martin Luther, akatenderwa kuramba achinamata Mwari nenzira yavo. Chirevo chimwechetecho chakatenderawo Machinda nevanhu vavo vakanga vachigashira dzidziso dza Martin Luther, Chirevo chamambo chokurambidza chisati chatemwa. Izvi hazvifaniri kuunza kugutsikana here? Akawanda sei madambudziko achapedzwa nokuzviisa pasi peRoma! Ndiyani angaziva mikana inogona kuunzwa yakanaka muneramangwana? Tose ngatigamuchirei runyararo; ngatigamuchirei mukana wakanaka wakatambanudzirwa kwatiri neRoma, tivhare mavanga namaronda e Germany. Nokutaura kwakadai vavhangeri vaigona kunge vakachenura danho rokuteera vaRoma, rinova raizova zano raitora nguva shoma kuti zvose zvavaimiririra zviwisirwe pasi.KK 129.2

    “Nomufaro vakatarira hwaro pakagadzirirwa zano iri vakabva vaita nokutenda. Zano raivepo raiva rei? Rakanga riri rokuti, ikodzero yeRoma kuudza nokupa vanhu zvokufunga nokuita mundangariro dzavo uye kuti hakuna unotenderwa kuzvitsvakira zivo kana kubvunza kuti chakati chaitirwei. Ko iwo machinda pamwe nevanhu vakange vasiri kuzofanira kunamata vakasununguka here? Chokwadi, asi semukana wokupiwa pawirirano mubumbiro rechirongwa ichi asi isiri kodzero yavo. Pane zvimwe zvose zvakanga zviri kunze kwechirongwa ichi shoko guru raiva rokuti panofanira kuva nomutongi; kana zviri zvine chekuita nendangariro; Roma ndiyo mutongi asingatadzi, uye anofanira kuteerwa. Kugashira zvakange zvatemwa mumusangano, kwaive kuri kubvuma pachena kuti kunamata vakasununguka kwaingoitwa mudunhu re Saxony bedzi; kana kuri kumwe kwese kune maKristu, kusununguka kunamata uye kugashira Vhangeri reshanduko yokururama yaitove mhosva huru kwazvo. Mhosva idzi dzaizoita kuti vapari vadzo vapiswe nemoto kana kuvharirwa mumatirongo. Kuti votendera here kuti rusununguko rwokunamata rwungobata nzvimbo duku bedzi? Kuti kutaurwe kuti rumutsiriro rwokururama rwawana munhu anotendeuka wekupedzisira? Uye kuti vhangeri ravo ratosvika panzvimbo yokupedzisira mupasi rino? Nokuti zve kwese kune kutonga kweRoma, ikoko simba rayo haraizova nemagumo? Ko ivo vaVhangeri vaizopupura here kuti vakange vasina mhaka neropa ravasina mhosva raisvika mazana nezviuru zvavanhu, avo vaishingairira Vhangeri vakafira mumatunhu enyika aitongwa navaRoma? Izvi dai zvaiitwa, kwaiva kutengesa, panguva yakakosha zvakadaro, nzira nezano zvevhangeri uye kutengesa kodzero dzamaKristu pasi tenderere.” D’Aubigneb, 13.ch.5.KK 129.3

    “Ngatirambei chirevo ichi,” akadaro machinda. “Kana dziri nhau dzokunamata murusununguko rwendangariro, ruzhinji rwavanhu haruna simba.” Vatevedzeri vavatongi vakati: kuchirevo chegore ra 1526 ndokwatakabatira, ndiko kune nheyo dzerunyararo rwuri mukati mehumambo huno nanhasi: kuramba mutemo nechirevo ichi zvichaunzira nokuzadza nyika ye Germany nenhamo nokupesana. Musangano weku Diet hauna simba rakakwana kuchengetedza rusununguko rwendangariro nokunamata kusvikira musangano we Kanzuru wagarwa.”— Ibid., b.13.ch.15. Kuchengetedzwa kwerusununguko rwendangariro ibasa renyika, uye apa ndopanogumira simba rayo kana pava panyaya dzokunamata. Hurumende yese yenyika inoyedza kumanikidzira vanhu tsika nemitemo zvemanamatiro vachishandisa simba rehurumende inenge ichirasa nheyo huru idzo maKristu eEvangelical ari kuedza kuchengetedza.KK 130.1

    Wungano yeboka rekwaPapa vakashingaira nesimba rose kuedza kuputsa zvavaiti “kusindimara kune zviwindi nenharo.” Vakatanga kuzama kuisa kupokana pakati pavanhu vakanga vachitsigira vhangeri pamwe nokutyisidzira avo vakanga vasina kubuda pachena kuti vaitsigira zvipi. Vaimiririra maguta akasununguka pakupedzisira vakazodanirwa musangano we Diet uko vaitarisirwa kuti vapupure pachena kuti vaiwirirana here nezvakanga zvatemwa kana kuti kwete. Vakambokumbira chinguva asi hazvina kushanda. Pavakaiswa pakuedzwa kukuru, zvakaonekwa kuti pahuwandu hwavo hwose, inenge hafu yavo, yakanga iri kutsigira vavhangeri. Vose vakaramba kurasha rusununguko rwendangariro uye simba romunhu rokuzvitonga vakaziva kuti danho irero ravakange vasarudza raizovaisa munguva dzokuyedzwa pamberi apo. Kushoorwa, kutambudzwa nokusekwa zvose zvaiva munzira dzavo. Mumwe wevaivapo akati: “tinogona kuramba Shoko raMwari, kana kutsva.”-Ibid., b.13,ch.5.KK 130.2

    Mambo Ferdinand, akange arimumiririri wamambo mukuru pamusangano we Diet, akaona kuti chirevo chaizounza kupokana nokupesana kukuru kunze kwekunge machinda akanyengetedzwa kuchigashira nokuchimisa. Nokudaro akazama zano rekukurudzira, achiziva kuti kuvamanikidza neruzha zvaitovaomesa moyo. Akakumbira machinda kuti agamuchire chirevo akavimbisa kuti vakabvuma, Mambo Mukuru aizofadzwa nazvo zvikurusa. Asi Machinda akanga ari pasi perimwe simba guru kupfuura ose mamwe ari panyika. Vakapindura nounyoro vachiti: “Isu tichateerera Mambo Mukuru muzvinhu zvose zvinowedzera nokuvaka runyararo nekumbiri yaMwari.” -Ibid., b.13.ch.5.KK 130.3

    Pamberi peungano mumusangano we Diet, mambo akataura kuMusarudzi neshamwari dzake kuti chirevo chakange chave kuda kunyorwa sechirevo nomurairo waMambo mukuru. Akatsanangurazve kuti chakange chasara kuti vanhu vazviise pasi pezvido zvagashirwa nevoruzhinji. Mushure mokutaura uku akabva pavanhu, vaVhangeri vakasara vasina nguva nemukana wekubvunza kana kupa zvichemo zvavo. Vakazama kukumbira mambo kuti adzoke asi iye haana. Pakutaura kwose kwaiitwa namachinda, shoko ramambo raingova rokuti iyi nyaya yapera imi zviisei kuzvido zvavamwe.KK 131.1

    Veboka ramambo vaiva nechokwadi chokuti machinda ose echiKristu vakanga vakamira padzidziso yeshoko raMwari bedzi, uye kuti kwese kwese kwaizova mechimiro chakadai, zvose zvine chekuita nehuPapa zvaikoromoka zvichiwira pasi. Kunyangwe hazvo zvaive zvakadaro, sevamwe vanhu zviuru nezviuru panguva yavo kunyangwe nakare, vakazvifadza vachiti gwara ramambo mukuru naPapa raive rakasimba ravavhangeri riine simba shoma. Dai vavhangeri vaivimba nesimba ravanhu bedzi, vaizova vasina simba sokutaura kweRoma. Kunyangwe hazvo vaive vashoma pahuwandu, vachipesana neRoma, simba vaiva naro. “Vakakwidza nyaya yavo kubva kuchirevo chepamusangano mukuru we Diet kuenda kushoko raMwari, uye kubva kunamambo mukuru Charles kuenda kuna Kristu Jesu, Mambo waMadzimambo naIshe wamadzishe.” Ibid., b.13,ch.6.KK 131.2

    Nokuda kwokuti Ferdnand akanga asina kugashira zvidiso zvamachinda zvichitsigirwa nomurairo uye kufunga kwakaperera, machinda haanavo kukoshesa kusavapo kwake saka vakaenderera mberi kundotura kutsutsumwa kwavo nokuratidzira pamusangano weKanzuru pasina kunonoka. Chirevo chaiva nesimba nokurevesa chakanyorwa namachinda ndokunoverengwa kumusangano we Diet: KK 131.3

    “Tirikuratidza kutsutsumwa kwedu, pamberi Mwari, musiki wedu ega, muchengetedzi wedu, Muponesi, Mudzikinuri, naIye uchazova mutongi wedu nerimwe zuva, uye nepamberi pavanhu nezvisikwa zvose, kuti, isu, nevanhu vedu, hatibvumi chero neipi nzira kuti tigashire chirevo chatemwa namambo mukuru. Hatitenderani nechero chinhu chinopikisana naMwari, neshoko raMwari dzvene, nekufunga kwakanaka kwendangariro dzedu, uye nekuruponeso rwemweya yedu.” KK 131.4

    Vakaenderera mberi vachiti tinogashira kuti, kana Mwari Samasimba achidanira munhu kuhuchenjeri nezivo Yake, munhu uyo kunyange zvakadaro haakwanisi kugashira kuziva zvaMwari!” “Hakuna dzidziso ine chokwadi kunze kweiyo inobvumirana neshoko raMwari … Mwari haatenderi kudzidziswa kwedzidziso dzimwewo … Magwaro matsvene anofanira kuturikirwa nemamwe magwaro nemamwezve anonyatso jekesa. Magwaro matsvene aya, akafanira muKristu pazvinhu zvose. Ari nyore kunzwisisa, uye akaitwa kuti adzingire dima kure. Tinozvimisira, nenyasha dzaMwari, kuchengetedza kuparidza kwakachena uye kusina kuvhenganiswa kweshoko raMwari kwoga, sezvazviri muTestamende yekare neItsva, pasina chinopesanisa chinowedzerwa. Shoko raMwari iri ndiro chokwadi chiri chega; ndiro rinotonga dzidziso dzose neupenyu, shoko iri harikundikani kana kunyengera. Uyo anovakira paneiyi nheyo anogona kumira asingaputswi namasimba egehena, nerimwewo divi, zvose zvisina maturo zvinoitwa navanhu zvichawira pamberi pechiso chaJehovah.”KK 131.5

    “Nokuda kwezvikonzero izvi, tirikuramba joko raiswa pamitsipa yedu isu tisingade.” “Munguva imwecheteyo tine tarisiro yokuti Mambo wedu Mukuru abate nokushanda nesu, semuchinda muKristu uyo anoda Mwari kupfuura zvimwe zvese; uye kuti isu, takazvimisira nazvino kuti tiripire kuna mambozve nekunemi imi makurukota ake anokudzwa norudo rwose, nokuteerera kwose izvo zvatakafanirwa nomutemo kuti tiite sebasa redu.” — Ibid., b.13,ch.6.KK 132.1

    Kudzamirwa kukuru kwakavapo kune vaiva pamusangano we Diet. Ruzhinji rwavanhu rwakazadzwa nokushamiswa kukuru pamwe nokutya vachiona hushingi hwakanga hwaratidzwa nevakange vachiratidzira. Ramangwana kwavari raivimbisa dutu nekusajeka. Kumukira hurumende, hondo, nekudeurwa kweropa zvaiita sokuti yaiva garoziva. Asi vachiona kutonga kwakarurama mugwara ravaifamba naro, vaive vakazadzwa noushingi uye kusimba pakutenda.”KK 132.2

    Zvimiso zviri mukati mekuratidzira uku kwakakurumbira, ndizvo zvitori chimiro chaicho chechiProtesitenti. Kuratidzira uku kwaipokana nokumbunyikidzwa kuri mumapoka maviri, kwokutanga kwaive kushandiswa kwaiitwa makurukota ezvenyika munyaya dzokunamata. Chechipiri kuwandisa kwesimba rekereke kusingapikiswi. Panzvimbo yokumbunyikidzwa uku, vevhangeri vakaisa simba kumunhu umwe neumwe kuti ave nokusununguka mundangariro pane kuti izvi zviitwe namakurukota. Vakatizve, Shoko raMwari ndiro rine simba kudarika kereke iyi iri rinopasi inoonekwa. Vakaramba kugashira Simba raipiwa kune venyika muzvinhu zvokunamata. Vakati tinoda kuteerera Mwari pane munhu. Panzvimbo yokusimudzira chiremba chamambo Charles V, vavhangeri vakakudza chiremba chaJesu Kristu. Pfungwa huru inokosha yakavazve yokuti, dzose dzidziso dzinouya navanhu dzinofanira kuenda pasi peshoko raMwari.” Ibid., b.13. ch.6. Machinda akakohomedza kodzero yavo yokutaura vakasununguka maererano nokunzwisisa kwavo chokwadi. Vaisazongotenda nokuteerera bedzi, asi kudzidzisa izvo zvairehwa neshoko raMwari, vachiramba kodzero dzamapirisita nekupindira kwevematare edzimhosva. Kuratidzira kwakaitwa namachinda ku Spires, chakava chapupu chakakosha chaipokana nenhau yekusaremekedza kodzero dzavanhu kuva nezvitendero zvavaida. Kuratidzira uku kwakakohomedza kodzero dzavanhu kuti vanamate Mwari zvichienderana nokunzwisisa kwendangariro nehana dzavo.KK 132.3

    Chirevo chamachinda chakanga charehwa, chaitwa, chikanyorwawo mundangariro dezviuru zvavanhu nemumabhuku okudenga, uko akange asingakwanisiki kudzimwa nokuda kwamabasa kana mano avanhu. maKristu eEvangelical ose aiva munyika ye Germany vakagashira kuratidzira kwakaitwa namachinda sechiratidzo chaiva pachena chebumbiro rezvavanotenda. Vanhu vazhinji vakanga vachiona mukati mechirevo chamachinda, vimbiso youpenyu hutsva hwurinani kumberi. Umwe wemachinda akanga ari pamusangano mukuru we Spires akati kune vakanga varatidzira: “dai Samasimba, Iye akupai nyasha kuti mupupure nesimba, makasununguka, uye musingatyi, akuchengetedzei mukusimba kweuKristu kusvikira nokusingaperi.” — Ibid.,b. 13. Ch.6.KK 132.4

    Dai hushumiri hweshanduko yokururama, mushure mokutaridza kubudirira zvishoma pazvinhu zvishoma, vakatsvaga hushamwari nenyika hahwaizova nechokwadi kuna Mwari nokunaihwo mbune, asi kuti hwaizoshandira kuputsika kwahwo. Nhorondo nehupenyu hweava vavhangeri vanokudzwa ine chidzidzo chakakosha kumarudzi ose avanhu munguva dzose dzinoteverana. Kushanda kwaSatani achipokana naMwari neshoko raKe hakushanduki; nazvino anopokana neshoko raMwari kuti risave iro rinotungamirira hupenyu hwavanhu sezvaaiita mumakore mazana makumi nematanhatu emunhorondo yamaKristu. Munguva yedu zvino, pane kupumhuka kukuru kubva kuzvitsidzo, zvikohomedzo nedzidziso yemagwaro matsvene zvakadaro zvokuti panotodiwa kudzokera kukohomedzo dzekare apo vavhangeri vaivimba nesimba guru reshoko raMwari vachiti: Shoko raMwari uye Shoko raMwari roga ndiro rakafanira kuti ritonge kutenda kwavanhu namabasa. Satani achiri kushandisa nzira dzose dzaanokwanisa kushandisa kuti abate nokuparadza kusununguka kwavanhu kunamata. Simba reMupikisi waKristu rakarambwa nokuzvidzwa navaratidziri veku Spires, zvino rawandudza simba raro kuti rigonezve kudzorera hutongi hwaro hwakamborashika pakutanga. Simbavo rokurambira pashoko raMwari, sezvakaitwa nevavhangeri ndiyo yoga taririro inosarira vanoda rumutsiriro rwokururama nhasi.KK 133.1

    Kwakawa nezviratidzo zvenjodzi kuvavhangeri; zvimwe zvikavapowo zvaitaridza kuti ruwoko rwaMwari rwainge rwakatambanudzwa kuchengetedza vanhu vake vakatendeka. Yaiva nguva yakaita seiyoyi Melanchthon aiperekedza shamwari yake vachifambisa munzira dzemumusha ku Spires vakananga kurwizi Rhine. Shamwari yake Simon Grynaeus achishingaira zvikurusa kuti amuyambukise rwizi. Grynaeus akashamiswa nekukasika kushanduka kwaiita zvinhu musi uyu. Melanchthon akati kwaari, mumwe murume achembera asi anotara zvakanaka uye anoremekedzeka zvikurusa, asi ini ndisingamuzivi, “ati ari pamberi pangu, Melanchthon munguva shoma-shoma mapurisa atumwa na Ferdinand kuti vabate nokusunga Grynaeus.”KK 133.2

    Mukati mezuva iroro kusati kwasviba, Grynaeus akange apupurirwa zvakaipa na Faber, uyo aitsigira zvekubato rekwaPapa. Faber akaita izvi paakange achiparidza. Grynaeus akapokana zvikuru nemharidzo iyi nokuti yakanga iine nhema idzo dzaitsigirwa na Faber pakutaura kwaaiita. Faber akaviga hasha dzake, asi ndokukasika kundomhan’ara kuna mambo uko akanobva negwaro rokusungwa kwa Grynaeus uyo akangevo ari munhu wedzidzo airambira pachokwadi asingasundwi achivazve mudzidzisi ku Heidelberg. Melanchthon haana kupokana nepfungwa yokuti Mwari akange atumira mutumwa kuzoyambira shamwari yake nezvaida kuzoitika. KK 133.3

    Melanchthon akamira pamahombekombe erwizi Rhine kusvikira shamwari yake Grynaeus abira mhiri. Achimuona ari mhiri akadaidzira achiti, “pakupedzisira abvutwa kubva pashaya dzine hasha dzeavo vanenyota yeropa risina mhaka.”—Ibid. b.13. Hushumiri hweshanduko yokururama hwaizopinda pachimiro chokusimudzirwa zvikuru pakati pavane masimba panyika. Machinda maKristu eEvangelical akange arambirwa kuti mambo avateerere—Ferdinand; asi vakapiwa mukana wokundotura chirevo chavo pamberi pamambo mukuru, nepamberi pavanhu vanokudzwa venyika uye nekereke. Mukuyedza kunyaradza kumuka kwebope nemhirizhonga muhumambo hwake, Charles V, mugore rakatevera kutsutsumwa kwamachinda ku Spires, akadanira vanhu musangano we Diet muguta re Augsburg, akati zve iye amene ndiye aizova sachigaro pamusangano mukuru uyu. Kumusangano uyu, vatungamiri verumutsiriro rwokururama vakadanirwako.KK 133.4

    Njodzi huru dzaitaridza kuda kuzowira vamiririri veVhangeri nerumutsiriro; asi kunyangwe hazvo zvaive zvakadaro, vavhangeri vaivimba nesimba guru reshoko raMwari uye kusabvuma kuzunungurwa kubva kwariri. Havanazve kurasha tariro yokurwirwa pamwe nokuchengetwa naMwari. Musarudzi we Saxony, akurudzirwa nevaimupanga mazano, akanzi arege kuvapo pamusangano we Diet. Vakati, Mambo Mukuru anoda kusangana nevose machinda kuti avapinze mumuteyo. “Hakuzi kuisa zvinhu zvose pakaipa here kuti munhu aende achinozvipfigira mukati meguta rakakombwa namadziro iye aine mhandu ine simba mukati?” Asi vamwe vakarevavo noumhare vachiti, “Machinda ngaazvishonge bedzi nokushinga, nokudaro basa guru raMwari richachengeteka.” “Mwari akatendeka; haazotirashi isu,” akadaro Luther. —Ibid, b. 14,ch.2. Musarudzi we Saxony akabuda iye nemakurukota ake ndokupinda munzira vakananga Augsburg. Vose vaiziva njodzi nokuiisa kwavaiita hupenyu hwavo pakamanikana. Vazhinji vevaaiva navo vakafamba naye nemoyo yakapwanyika nezviso zvizere kusuwa. Asi Luther akange achifamba navo nhambwe huru kusvikira kunzvimbo ye Coburg, akamutsirira mweya yavo nokutenda, achivaimbira rwiyo rwaakanyora parwendo urwu, “nharirire ine simba ndiMwari wedu.” Mifungo yemanenji netsaona zvakabuda mundangariro dzavo, nemoyo yavanhu yakange yakaputsika yakawaniswa mufaro nemanzwi erwiyo.KK 134.1

    Machinda akanga agashira vhangeri rokumutsirira vakadisa zvikurusa kuti vaise mashoko avo ezvavaitenda murugwaro rwakarongeka, aine huchapupu huzere hweshoko raMwari, kuti vagopira kugungano re Diet. Basa iri rokuronga zvinyorwa nenzira iyi vakaripa kuna Luther, na Melanchthon nevamwe vavo. Gwaro iri rakagashirwa nevanhu vose vakatambira rumutsiriro rwokururama setsananguro yezvimiso zvokutenda kwavo. Vose vakaungana ndokuisa mazita avo parugwaro urwu senzira yokutsinhira zvairehwa nechinyorwa ichi chinokosha. Yakanga iri nguva yaidzamira uye iine kuyedzwa kukuru nokuoma. Machinda evhangeri vaiyedza zvikurusa kukumbira nokujekesa kuti basa ravo rirege kuvhenganiswa nokuda kwekusanzwisisika kunomboitwa nyaya dzezvematongerwo enyika. Vakadisa zvikurusa kuti basa rorumutsiriro rirege kuva nerimwe simba kupfuura iro rega rinobva mutsigiro yeshoko raMwari. Apo Machinda akanga achiuya kuzoisa mazita avo parugwaro, Melanchthon akambovamisa achiti: “ibasa ravafundisi nevakadzidza zvehumwari kuti vaite iri basa; ngatichengeterei vanokudzwa venyika ino rimwe basa kwete iri.” “Mwari ngaazvirambidze,” akadaro Johane we Saxony, “kuti ini mundivharire panze. Ndakazvipira kuti ndiite chinhu chakanaka, ndisingazvitambudzi nokuda kwechiremba changu chokutonga. Ndinodisa kupupura Tenzi. Simba rangu rokusarudza, nenguvo dzangu dzoushe, hazvina kukosha kwandiri sezvakaita muchinjiko waKristu.” Achipedza kutaura izvi, akanyoravo zita rake pasi. Mumwevo muchinda achitora chinyoreso akati: “kukudzwa kwaTenzi kuchitendera izvi … ini ndakagadzirira … kuti ndisiye zvandinazvo neupenyu.” Ndingasva ndaramba vandinotungamirira, nematunhu angu, ndorambazve nyika yamadzibaba netsvimbo muruvoko, pane kugashira imwe dzidziso isiri murugwaro urwu.”—Ibid., b.14,ch.6. Uku ndiko kwakava kutenda noumhare hwavanhu vakange vakasanangurwa naMwari.KK 134.2

    Nguva yokuti vanhu vasangane naMambo Mukuru yakasvika. Charles V akagara pachigaro chake chokutonga, akakombwa naVasarudzi namachinda, akateerera vashumiri veshanduko yokururama vachitaura. Gwaro rezvavaitenda rakaverengwa. Mumusangano mukuru uyu waiva nohukoshi hwose, munhorondo yechiKristu neye marudzi avanhu.”—Ibid. b. 14, ch.7.KK 135.1

    Makore mashomanene akange apfuura kubvira pakamira mumwe weboka rekuzvipira kukushaya, kuchena, nekuteerera we Wittenberg ari ega pamusangano weku Worms pamberi pedare rekanzuru yenyika yose. Ikozvino, panzvimbo yake pakamira vanokudzwa venyika nevane simba guru—machinda emuhumambo. Luther akanga akarambidzwa kuti avepo mumusangano we Augsburg, asi akange aripo nemashoko ake uye nomunamato. Akanyora achiti; “ndine mufaro mukuru kwazvo kuti ndakatenderwa kurarama kusvikira ikozvino apo Kristu achisimudzirwa nokupupurwa pachena nevanhu vepamusoro vanokudzwa vari mugungano rembiri huru kwazvo.”—I of., b.14. ch. 7. Izvi zvakazadzisa Shoko dzvene rinoti: “ndichatauravo zvipupuriro zvenyu pamberi pamadzimambo.” Mapisarema 119:46.KK 135.2

    Mumazuva aPauro vhangeri iro raakanga asungirwa rakaunzwa pamberi pamachinda nevaikudzwa vemaguta ehumambo hweRoma. Saizvozviwo, izvo Mambo Mukuru akange arambidza kuti zviparidzwe mumakereke zvakaparidzwa mumuzinda wamadzimambo. Izvo zvainzi hazvifaniri kunzwikwa navaranda, zvakazenge zvoteererwa nokushamiswa kukuru nevakuru vehumambo. Madzimambo nevanokudzwa ndivo vakanga vari vateereri, machinda anehutongi ndivo vakanga vari vaparidzi, mharidzo yacho rakanga riri shoko rinoyera rechokwadi chaMwari. “Kubvira panguva yavaapostora hakuna kuzombova nebasa guru kana chapupu chakakosha chepamusoro seichi.”—Ibid., b.14 ,ch.7.KK 135.3

    “Zvose zvataurwa nevanotevera Luther ichokwadi; hatigoni kuzviramba.” Akadaro mumwe Bhishopi webato rekwaPapa. “Mungaramba here nokushandisa kufunga kwakadzama chapupu chakakosha chaitwa nomusarudzi nevanhu vake?” Akabvunza mumwezve akanga auya na Dr. Eck, “kana kuchishandiswa zvinyorwa zvevaapostora nevaporofita, kwete! Iyi ndiyo yakava mhinduro. Asi kana tiine dzidziso dzamadzibaba uye nemakanzuru esangano—hongu!” Aibvunza mibvunzo akazoti; “Ndinonzwisisa kuti kana zvichienderana nemi muri pano, vanotevera Luther vari muMagwaro Matsvene isu vamwe tinotori kunze kwawo.”—Ibid., b.14,ch.8.KK 135.4

    Vamwe vemachinda e Germany vakakwezverwa kukutevera kutenda kweshanduko yokururama. Naiye mambo mukuru akatsinhira pachena kuti zviga zvokutenda zvemaProstestenti zvaiva nechokwadi chizere. Chinyorwa chechapupu chemachinda, chakaturikirwa mundimi zhinji chikatenderera munyika dzose dze Europe uye chikagashirwa namamiriyoni avanhu nemarudzi ose aitevera sechiratidzo chiri pachena chokutenda kwavo. Varanda vaMwari vakatendeka vakange vasiri kubatikana nebasa vasiri voga. Apo madzimambo, nemasimba uye nemweya yakaipa iri munzvimbo dzakakwirira zvaibatana kurwisa vatendi, Mwari haana kusiya vanhu vake. Dai zvaibvira kuti meso avo avhurike, vaingadai vakaona seumbowo hunobatika huvepo hwaMwari nerubatsiro rwaanopa sezvazvaiva mumazuva emaporofita ekare. Apo muranda waErisha akamunongedzera wungano yehondo yakaipa yakavakomba zvokuti vashaye kupukunyuka kana rudzikinuro, muporofita akanamata: “Tenzi, ndinonamata, zarurai meso ake kuti awone” 2 Madzimambo 6:17. Tarira gomo rose raive rakazadzwa nengoro namabhiza emoto, hondo yokudenga yakanga yakamira kuti ichengetedze munhu waMwari. Uku ndikowo kwakava kuchengeta kwengirozi avo vose vaiva vorumutsiriro rwokururama.KK 135.5

    Chimwe chezvinhu zvikuru chaikosha chaitsinhirwa na Martin Luther kwaive kuti hazvaizofanira kuti vanhu vashandise masimba enyika kuti vanhu vasimudzire basa rerumutsiriro rwokururama. Hapanazve pazvaizotenderwa kuti Masimba enyika ashandiswe kudzivirira rumutsiriro nehondo. Luther akafara zvikurusa kuti vhangeri rakange ragashirwa namachinda ehumambo hwose. Asi pavakarangana kuti vave nehondo inovadzivirira, iye akati dzidziso dzevhangeri dzinodzivirirwa naMwari ega. Kana vanhu vakasabatikana nebasa iri, ndipo panonyanya kuonekwa kusimudzirwa kwebasa raMwari achizviita amene. Kuronga kwose kwaiitwa kwaitaurwa kwokuda kuzvidzivirira, mumaonero a Luther, kwaiva kutya kusina maturo uye kusavimba naMwari kuzere zvivi.”—D’Aubigne, London ed., b.10,ch..14.KK 136.1

    Apo mhandu dzaiva nesimba guru dzakabatana kuwisira kutenda pasi uye zviuru zvemabakatwa zvakaburitswa mumihara kuti zviriparadze, Luther akanyora achiti; “satani arikupupa nehasha huru. Vapirisita vasingadi Mwari vari kupangana, isu tinoedzwa nokuvimbiswa hondo. Kurudzirai vanhu kuti vamire varwe semhare pamberi pechigaro chaMwari, nokutenda nekunamata kuitira kuti mhandu dzedu dzikundwe nemweya Mutsvene waMwari vanogona kutsvakavo runyararo. Chinhu chikuru chatinoda, basa guru munamato nokunamata, vanhu ngavazive kuti, vakange vaiswa pamberi pemunondo unopinza uye nekuhasha dzaSatani, naizvozvo vanofanira kunamata.” D'Aubigne, b.10,14.KK 136.2

    Nerimwe zuva achitaura pamusoro pehondo yaida kugadzirwa namachinda, Luther anoti, chombo chega chinofanira kushandiswa muhondo iyi ibakatwa remweya Mutsvene. Akanyora kuMusarudzi we Saxony: “Hatigoni isu nendangariro dzedu kuti titenderane nezano remubatanidzwa rakarongwa, tingasva tafa hedu kakapetwa kagumi pane kuti vhangeri rikonzere kudonha kwedonhwe rimwe chete reropa. Isu basa redu nderekumira samakwai anoenda kundobaiwa. Muchinjikwa waKristu unofanira kusimudzwa. Regai henyu kutya imi tenzi wangu anokudzwa. Tichaita zvizhinji nokunamata kupfuurira vavengi vedu zvavanoita nokuzvikudza. Kwoga regai henyu kuti mawoko enyu asasvibiswe neropa rehama dzenyu. Kana mambo mukuru achinge ati zvakafanira kuti tigoiswa kuvatongi, takagadzirira kundomira. Hamugoni kudzivirira kutenda kwedu: umwe neumwe anofanira kuti atende achisangana nenhamo dzake ega amene.”—Ibid., b.14,ch.1.KK 136.3

    Kubvira panzvimbo yakavanda yemunamato ndipo pakasimuka simba rakazunungutsa nyika yose munyaya yorumutsiriro rukuru. Ipapo nohutsvene hwakadzikama varanda vaMwari vakamisa tsoka dzavo pa dombo rezvitsidzo. Munguva yemhirizhonga ku Augsburg, Luther aisapedza zuva asina kunamata kwemaawa matatu pazuwa. Nguva iyi aiitora pane yaainyanyisa kukoshesa pakurava Magwaro Matsvene. Ari mukati nemba yake yemukati ainzwikwa achidurura mwoyo wake kuna Mwari nemanzwi azere kurumbidza, kutya, netariro sezvinoita munhu achitaura neshamwari yake. “Ndinoziva kuti imi muri Baba vedu naMwari wedu, uye kuti muchapesanisa vanotitambudza kuti vabve kuvana venyu; nokuti Imi pamwechete nesu tiri mudambudziko rimwe. Nhau iyi yose ndeyenyu uye kuti kuburikidza nekusimbisa kwenyu kwoga zvaita kuti tiise mawoko edu pairi, tirwirei henyu Baba!”—Ibid., b.14,ch.6.KK 136.4

    Kuna Melanchthon, uyo akange awisirwa pasi nomutoro wekufunganya uye kutya, Luther akanyorawo achiti; “Nyasha nerunyararo zviri munaKristu—muna Kristu Jesu bedzi kwete munyika. Amen. Ndinovenga nokuvenga kukuru nhunha idzo dziri kukupedza. Kana basa iri riri rakaipa, rirashire kure newe, asi kana riri rakanaka, tadireiko kuita nhema vimbiso yaIye anotiraira kuti tivate tisingatyi? ... Kristu haazoshaiwi simba kuti ashande mubasa rokururamisira nechokwadi. Iye anorarama, anotonga, kutya kupi zvino kwatingave nako?”—Ibid., b.14, ch.6.KK 137.1

    Mwari akateerera kuchema kwevaranda vake. Akapa kumachinda nevaparidzi nyasha nekushinga kuti vachengetedze chokwadi kubva kuvatongi vedima venyika ino. Ishe unoti: “Tarirai, ndinoisa muZioni Ibwe rekona, rakasanangurwa, rinokosha; nounotenda kwaari haanganyadziswi.” 1 Petro 2:6. Vashumiri veshanduko yokururama vakange vavakira pana Kristu, masuwo egehena haana kuvakunda.KK 137.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents