Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    BASA NE UPENYU

    Mwari ndiye muvambi ve upenyu nekupenya nerufaro mu pasi rese ne denga. Se maranzi ekupenya kunobva kuzuva, se ndwizi dze mvura dzino buda kubva mu chisipiti chinopona, zvikomborero zvinoverera zvichibva kuna Iye kuenda kune zvisikwa zvake zvese. Ne kwese uko rudo rwa Mwari ruri mu mwoyo ye vanhu, runozoverera kuenda kune vamwe nge rudo ne chikomborero.MKK 56.1

    Rufaro rwa Muponesi vedu rwakange ruri mukusimudzira nekuponesa munhu akaputsika. Pamsana pe izvi haana kuvane mhaka ne kukosha kwe upenyu Hwake, asi akashingirira muchinjiko, achishora manyadzo. Ndizvo ngerosi dzinogara dzichisanda kufadza vamwe nguva dzese. Urwu ndirwo rufaro rwadzo. Urwo avo vane mwoyo ye mbayo vangafunge kuti ibasa rakadzikira, kusandira marombe munzira dzese vakadzikira mu mugariro ne zvimiro, ibasa re ngerosi dzisina chitema. Mweya va Jesu vekuzvipira ndivo mweya vakapararira mudenga rose, ndivo mavonekero akanaka erufaro rukuru rwavo. Uyu ndivo mweya vateveri va Jesu vachava navo, ndiro basa iro vachaita.MKK 56.2

    Kana Kristu aisva munzvimbo tsvene mu mwoyo, se munuhwiri unonaka haunga goni kuvandika. Mweya vawo mutsvene unozo-nzvikwa ne vese avo tinosangana navo. Mweya va Kristu mu mwoyo vakaita se chisipiti che mvura mu gwenga, chinoverera kusimbisa vese, nekuita avo wave pedyo ne kuparara, vadisise kumwa mvura ye upenyu.MKK 56.3

    Rudo kuna Jesu runozo vonesva nge kuda kusanda sezvo Iye akashanda, kukomborera ne kusimudzira munhu. Runozotungamirira kurudo, unyoro, ne tsitsi kune zvisikwa zvese zvinochengetwa na Baba vedu vekudenga.MKK 56.4

    Upenyu wa Muponesi pano pasi vakange husi hwenyore nekuzvipira kwake, asi akasanda nge kuvavarira, nekuda zvikuru, ne simba asinga neti kuti aponese munhu akarasika. Kubvira mumba ye kudyira ngombe dakara pa Kalvari akatevedza nzira ye- kuzviramba, asakatsvaka kuti asunungurwe kubva mu mabasa anorema, ne nzvendo dzinorwadza, nekuchengeta mabasa anonetesa. Akati, “Sezvo Murumbwana ve munhu asaka uya kuzonamatwa, asi kunamata, nekupa upenyu Hwake kuti huve chiripo ehe vazhinji.” Mateyu 20:28. Ichi ndicho chakange chiri chimwe basi chimiso chikuru mu upenyu Hwake. Zvimwe zvese zvakange zviri zvechipiri mu masure nekubatsira basi. Yakange iri nyama yake ne kumwa kwake kuita rudo rwa Mwari nekupedza basa Rake. Kuzvida nekuzvidza mbune zvakange zvisina divi mu mabasa Ake.MKK 56.5

    Ndizvo vese avo vari vakoverwi mutsitsi dza Kristu wanozo gadzirira kuita mupiro kana upi kuti vamwe vo avo akafira wave vakoverwi ve chipo chekudenga. Vanozo ita zvese izvo vangagone kuti pasi rinakire kugara kwavo. Mweya ndiko kukura kwekunze kwe mweya unonga vapinduka zvechokwadi. Pekarepo kana munhu achiuya kuna Kristu munobarwa mu mwoyo wake kudisisa unozivisa vamwe kuti ishamwari inokosha iyo avana muna Jesu, idi rinoponesa nerino yeresa haringa goni kupfigirwa mu mwoyo. Kana takapfekedzva ne kururama kwa Kristu, takazadzva zve ne rufaro rwe Mudzimu Wake unogara mukati medu, hatinga goni kunyarara. Kana tambo ravira takavona kuti Jehova akanaka, tinozova ne zvekutaura. Sa Filipi apo akaona Muponesi, tinozo koka vamwe kuti vauye pamberi pake. Tinozo tsvaka kuvapangidza zvinodakadza zva Kristu, ne machokwadi asinga vonekwi epasi richauya. Kunozova nekuda kukuru kwekutevera nzira ya Jesu akafamba. Kunozova nekudisisa kukuru kuti avo vakatitenderedza wavone “Nyenye ya Mwari, inobvisa zvitema zve pasi.MKK 57.1

    Kuedza kukomborera vamwe kunozosanda mukuti-komborera isu. Iri ndiro rakange riri zano ra Mwari mukutipa divi rekuita muzano re ruponeso. Akapa munhu nguva yekuti ave mukoverwi ve ma miriro ekudenga, zve, rava janha ravo, rekuparadzira zvikomborero kune vamwe wavo. Uru rukudzo rukuru kwazvo, rufaro rukuru kwazvo, kuti zviitike kuti Mwari adzikisire izvi pamsoro pe vanhu. Ndizvo avo vanova ne divi mu mabasa erudo vanounzva pedyo ne Musiki wavo.MKK 57.2

    Mwari angadai akapa soko re Vangeri, ne basa rese re ufundisi verudo, kune ngerosi dzekudenga. Angadai akaita dzimwe nzira dze kupedzisa basa Rake. Asi murudo Rwake rusingaperi akasarudza kutiita isu vasandi naye pamwe, na Kristu ne ngerosi, kuti tikoverwe chikomborero rufaro, kusimudzirwa kwe mweya, zvinobva mu ufundisi Hwake husina mbayo.MKK 58.1

    Tinounzva mukuva ne tsitsi na Kristu pamsana pevunhengo vedu mukutambudzika Kwake. Chese chiito chekuzvipira kune zvakanaka kune wamwe chinosimbisa mweya ve kunatsa mu mwoyo ve mupi, kumubatanidza zvikuru pamwe ne Mununuri ve pasi, uyo, akange akapfuma, asi pamsana pako akava murombo, kuti nge urombo Hwake muve vakapfuma.” Basi ngekuzadzisa basa re denga mukusikwa kwedu, upenyu hungave chikomborero kunesu.MKK 58.2

    Kana uchienda kundobata basa sezvo Jesu akamisira vadzidzi Wake, uwunze mweya kuna Iye, unozonzva uchidisisa kuziva zvekuita kwakadzama ne uzivi ukuru nezve kudenga, unozova ne nzara ne nyotaye kururama. Unozo nyengerera Mwari, rudaviro rwako runozosimbisva, mweya wako unozomwa zvakadzika mutsime re ruponeso. Kana uchisangana nekudzivirirwa ne kuedzva zvino-kutungamirira ku Baiberi ne ku munamato. Unozokura mutsitsi ne uzivi hwa Kristu, unozova nekuziva kwakapfuma kwazvo.MKK 58.3

    Mweya ve basa rekusatsara wamwe unopa kudzama kudzikama nekunaka kwakaita sekwa Kristu mu chimiro, zvinounza runyararo nerufaro kune anazvo. Pfungwa dze zvakakwirira dzinozo-simudzirwa. Hapachina nzvimbo ye unyope ne mbayo. Avo vanosandisa tsitsi dze u Kristu vachakura vachisimba kusanda basa ra Mwari. Vanozova ne kuvona kwakanaka kwe mwey kukura kwakadzikama, kwe rudaviro, nesimba rakatutsirwa mù munamato Mudzimu va Mwari, uchifamba mu mweya yavo unodaidza kukwadzana kunoyera kwe mweya, ichi daira kunzve-nzverwa kwayo ne denga. Ndizvo avo vanozvipira mukuedza kusinga tsari kwe kunatsa kune vamwe, zviro kwazvo varikusandira ruponeso rwavo.MKK 58.4

    Nzira basi yekukura nayo mutsitsi kusanda usina hanya basa iroro Kristu akasanganisa pamsoro pedu kuita, sekugona kwedu kwese, mukubatsira nekukomborera avo vanotsvaka rubatsiro urwo tingavape. Simba rinouya ngekupfakanyika; kupfakanyika ndivo ma miriro eupenyu. Avo vanoedza kuvana upenyu ve uKristu ngekugashira zvikomborero zvinouya nge nzira ye tsitsi basi, vasina icho vanoitira Kristu, varikuda kuedza kupona nge kudya chete vasinga zvisevenzeri izvozvo. Zvino mu mweya vose munyika yekusikwa, izvi nguva dzese zvinovanzo guma nekudzikira ne kuvora. Munhu anoramba kusandisa nhengo dzemuviri wake anozozvivona ngekukasika arasikirwa nesimba rekudzisandisa zve. Ndizvozvo mu Kristu asina sandisi simba rekupiva na Mwari, haatadzi kukura kuna Kristu basi, asi anorasikirwa ne simba iro ange ayinaro kutanga.MKK 58.5

    Sangano ra Kristu mu miriri akasarudzva va Mwari muruponeso rwe vanhu. Basa raro ngerekufambisa vangeri mu pasi rese. Mutoro uyu uri kune mu Kristu vese. Munhu vese sepanosvikira tarenda ne nguva yako, kuzadzisa murairo va Muponesi. Rudo rwa Kristu, ruchiratidzva kunesu, runotiita tive ne mungava kune avo vasingamuzivi. Mwari akatipa kupenya kuti kusave kwedu tega, asikuti tikupe kwavari.MKK 59.1

    Dai vateveri va Mwari vakamuka pabasa, kungadai kuine makumi emazana panzvimbo pane mumwe chete nhasi, vachitaura vangeri kunyika dze vasinga dairi. Ne avo vanonga vasinga goni kuita basa pacharo vanga gone kurisimudzira ngedzimwe nzira dzavo, tsitsi dzavo, neminamato yavo. Kungave ne basa zhinji kwazvo re mweya munyika dze ma Kristu.MKK 59.2

    Hazvidikanwi kuti tidzikane tiende kure kune dzimwe nyika kana kubva pa nhanga ye pamusha pedu, kana basa redu paripo pariri, kuti tisandire Kristu. Tingagone kuita izvi pamusha pakare, musangano, pakati pe avo takarovedzerana navo, ne avo tinoita navo basa redu re kunze.MKK 59.3

    Divi guru re upenyu hwa Muponesi vedu rakapedzerwa mubasa rinorema rekuzvirereka mu imba ye kuvezera mu Nazareta. Ngerosi dzinosanda dzakange dzakanangisa upenyu hwa Tenzi apo akange achifamba divi ne divi pamwe nekuvengana vengana nevarombo nevabati ve basa, asingazivikanwi kana kukudzva. Akange arikuzadzisa basa Rake apo ayisanda pabasa Rake rakadzikira se apo ayi rapa vanorwara ne apo aifamba pamsoro pe mananda anehasha enyanza ye Garire. Ndizvo, mumabasa ekuzvirereka ne nzvimbo dzakadzikira dze upenyu, tinga fambe ne kusanda na Jesu.MKK 59.4

    Muponesi anoti, “Vanhu vese, apo vakadaidzva, ngavagare na Mwari. 1 Wakorinte 7: 24. Munhu ve basa angaite basa rake nge nzira ingatunhidze, Tenzi wake pamsana pekudairika kwake. Kana arimuteveri ve chokwadi va Kristu, anozo takura rutendo rwake mune zvese zvinoitwa, avonese vanhu Mudzimu va Kristu. Mugadziri ve micheni angave mumiriri anesimba ne anodairika kuna Iye akafamba zvinorema munzira dzakadzikira dze upenyu pakati pe makomo e Garire. Vese uyo anotaura zita ra Kristu akafanira kusanda ne nzira inoti, vamwe ngekuona mabasa ake akanaka, vatungamirirwe mukuvirikidza Musiki wavo ne Mununuri.MKK 60.1

    Vazhinji vakazvibvisa mukupira zvipo zvavo kurusando rwa Kristu ngekuti vamwe vane zvipo zvakakwirira ne zvibatidzo zvakanaka. Pfungwa dzichibva dzasimba dzekuti chete avo vane matarenda akasarudzva ndivo vakafanira kupira kugonakwavo murusando rwa Mwari. Zvadakara zvikanzvisisva ne vazhinji sekuti matarenda anopiva kune chita chakasarudzva basi, vamwe vachisiiva kunze, avo, zvirokwazvo, vasingadaidzvi mukukoverana basa rinorema kana nemumibairo. Asi hazvipangidzvi ne nzira yakadaro mukutaurwa kwe nyaya yacho yemuenzaniso. Apo tenzi vemba vakadaidza varanda wake, akapa kune mumwe nemumwe basa rake.MKK 60.2

    Nge mweya ve rudo tinga ite mabasa eupenyu ekuzvirereka se kuna Tenzi. Wakorosi 3: 23. Kuti rudo rwa Mwari ruri mu mwoyo, runozovonesva mu upenyu. Kunhuvirira kwakanaka kwa Kristu kunozoti-tenderedza, ne zviito zve upenyu hwedu zvinozo-simudzira nekukomborera.MKK 60.3

    Hauna kufanira kumirira kuti kudakare kusvike nguva huru, kana kuti udakare ugone zvakapfurikidza kutanga kwekuti uendè kundo sandira Mwari. Hausakafanira kuti ufunge kuti nyika inozorungei neve. Kana upenyu hwako hwe mazuva ese huehiita umbovo vekucheneseka ne uchokwadi murudaviro rwako ne vamwe vachigutsva nekuti urikuda kuva batsira, kuedza kwako hakuzovi nhando.MKK 60.4

    Mudzidzi va Jesu anozvirereka ne murombo kune vese angave chikomborero kune vamwe. Havangazvizivi kuti varikuita chiro chakanaka, asi nge magariro avo iwayo vasinga zivi vangavambe mananda ezvikomborero anozo pamhama nekudzama, nezvikomborero zvezviito zvavo izvo vanonga vasinga zivi dakara pamusi vekugumisira vekupa mibairo. Havanzvi kana kuziva kuti varikuita chiro chikuru. Havadikanwi kuti vasuve pamsana pekugara vaine hana ye kubudirira. Vanodikanwa kuti vafambire mberi chinyararire, vachiita ngekudairika basa ra Mwari sekuraira kwake, upenyu hwavo hauzovi ve nhando. Mweya yavo inozonga ichikura zvikuru mukufanana na Kristu; vari vasandi pamwe na Kristu mu upenyu huno, zvino vanongavarikuzvi gadzirira basa ra kakwirira ne rufaro rusinga dzikatirwi rwe upenyu hunouya.MKK 61.1

    *****

    “Jesu, zvinyorei mu mwoyo wangu,
    Kuti ndimwi chiro chikuru chinodikanwa.
    Kune zviro zvese ndinga bvisve,
    Asi kwete, kwete, kunemwi.”
    MKK 61.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents