Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    NGUVA YEKUNAMATA

    Kuburikidza ngekusikwa ne kuratidzva, kurairwa Naye, ne simba re Mweya Wake, Mwari anotaura kunesu. Asi izvi hazvina kukwana; takafanira zve kudururira mwoyo yedu kuna Iye. Kuti tive ne upenyu hwe mweya ne simba, takafanira kukumbana chaizvo na Baba vedu ve kudenga. Pfungwa dzedu dzinga pfuurwe kwaari, tingafunge nge mabasa Ake, tsitsi dzake, zvikomborero zvake, asi izvi hazvisi ngepfungwa dzakazara, kukwadzana Naye. Kuti tikwadzane na Mwari takafanira kuva ne icho tinotaura nge zve upenyu hwedu.MKK 68.1

    Munamato ndivo unozarura mwoyo kuna Mwari se kune shamwari. Kusikuti zvakafanira, pakuti tidakare tizivise Mwari izvo tiri, asi kuti tigone kumugashira. Munamato haudzikisi Mwari kwatiri, asi unoti kwidza kwa Ari.MKK 68.2

    Apo Jesu akange ari pano pasi akadzidzisa vanhu Wake kunamata. Akavaudza kuti vareve nhamo dzavo dze misi yese pamberi pa Mwari, nekuti vapire zvese zvavo kwa Ari. Chisimbiso icho akavapa ngechekuti zvikumbiro zvavo zvichanzvikwa ndicho chisimbiso kunesu nhasi.MKK 68.3

    Jesu pachake, apo akange achigara pakati pe vanhu, aigara achinamata. Muponesi vedu akazvifananidaz ne kushaya kwedu ne unyoro hwedu, ngekuti akava munyengereri, mukumbiri, achitsvaka kubva kuna Baba Wake simba idzva, kuti auye akagadzirira basa ne kuyedzva. Iye muenzaniso vedu mune zviro zvese. Ihama yedu mu unyoro hwedu, “muzviro zvese akayedzva sesu;” asi Iye se munhu asina chitema, kugara kwake akazvigonya kubva kuchitema; akashingirira kurwisva nekunetsva kwe mweya mu pasi re chitema. Vanhu Wake vakaita munamato uve vakafanira ne ve nguva. Akavana runyaro ne rufaro mukusangana na Baba Wake. Zvino kana Muponesi ve vanhu, Murumbwana wa Mwari, akanzva zvakafanira kugara achinamata, zvino isu ndonda, dze vanhu vane zvitema takafanira kunzva zvakafanira sei kugara tichinamata nguva dzose.MKK 68.4

    Baba vedu vekudenga vakamirira kuti dzikisira zvikomborero zvake zvizere! Inguva yedu ye kumwa zvikuru pa tsime re rudo rusingaperi. Zvinoshamisa sei ngekunamata kushoma uko tinoita! Mwari akagadzirira munamato ve zvirokwazvo ve vana Wake vanozvirereka zvikuru, asi kune kuvonesa kukuru kwe kupokana kudivi redu kuti tizivise kushaya kwedu kuna Mwari. Ko ngerosi dzekudenga dzinga-fungei ngevanhu varombo, vasingabatsiri chiro, vari pasi pekuyedzva, apo mwoyo va Mwari ve rudo rusingaperi ruchiva-suvira, akagadzirira kuvapa zvakapfuura izvó vanokumbira kana kufunga, asi vanonamata zvishoma, nekuva ne rudaviro ruduku? Ngerosi dzinoda kukotama pamberi pa Mwari; dzinoda kuva pedyo Naye. Dzinotarisa kukumbana na Mwari serufaro rwadzorukuru kwazvo; asi vana ve pasi, vanova ndivo vanoshaya rubatsiro runova ndirwo Mwari angape chete, vanonangisika se vanogutsva nekufamba vasina kupenya kwe Mudzimu Wake, ushamwari vekuvapo Kwake.MKK 69.1

    Dima rekuipa rinofukidza avo vasina hanya nekunamata. Zviyedzo zvinoitwa ne zeve-zeve zve mhandu zvinova kwezva kuti vatadze; zvese izvi pamsana pekuti hava sandisi nguva iyo Mwari akavapa mu kumisa kwe denga ye kunamata. Ngenyi varumbwana ne vakunda va Mwari vasingadi kunamata, ivo munamato uri kiyi muruvoko rune rudaviro yekuzarura dura rekukotsera, munova ndimo makakotsva pfuma isingaperi yekuvamba kwa Samasimba? Pasina kunamata kusingagumi nekurinda kune simba, tiri mungozi yekusarangarira neye kutsauka kubva munzira kwayo. Mupandutsi anotsvaka nguva dzese kudzivirira nzira inoenda kuchigaro chemutsa, kuti tisagone ngekudisisa kukura kwe kunamata ne rudaviro kuvana tsitsi ne simba rekuramba kuyedzva.MKK 69.2

    Pane nzira idzo tinga karire nadzo kuti Mwari achanzva nekupindura minamato yedu, chimwe chadzo chekutanga ngeche kuti tinonzva kushaya kwedu rubatsiro runobva kwa Ari. Akatsidzira kuti, “Ndichadira mvura pamsoro pa iye anenyota, ne ndwizi pamsoro pevu rakavoma.” Isaya 44: 3. Avo vane nzara ne nyota ye kururama, vanosuva Mwari, vangave nedi rekuti vachagutsva. Mwoyo ngauzarurwe kune mweya ve Mudzimu, dzimwe nguva chikomborero cha Mwari hachinga gashirwi.MKK 69.3

    Kushaya kwedu kukuru ku itirana nharo, kunoti nyengeterera zvinonzvika zvikuru, Asi Tenzi ndiye akafanira kutaurwa naye kuti atiitire izvi zviro isu. Anoti, “Kumbirai, munopiva.” “Iye haasakaramba ne Murumbwana Wake, akamupa pamsana pedu tese, haatipi zviro zvese naye here?” Mateyu 7: 7; Maroma 8: 32.MKK 70.1

    Kana tine chitema mu mwoyo yedu, kana tichiramba takarembera pa chitema icho tinoziva, Tenzi haazotinzvi; asi munamato ve mweya une urombo unogashirwa nguva dzose. Kana kwese kutadza kunozivikanwa kwagadzirwa, tinga davire kuti Tenzi anozo-pindura zvikumbiro zvedu. Kukodzera kwedu hakungatirevereri kuna Mwari; kuyenzanirao kwa Jesu uko kunozotiponesa isu, iropa Rake rinozoti chenura; asi tine basa rekuita kuti tizokwadzana nemitemo yekugashirwa.MKK 70.2

    Chimwe chiro chikuru ehe munamato unokunda, rudaviro. “Uyo anouya kuna Mwari akafanira kudavira kuti aripo, anotusa avo vanomuringa kwazvo.” Mahebru 11: 6. Jesu akati kune vadzidzi Wake, “Zvese izvo munoda kuti muchikumbira, daviranyi kuti munotambira, munova nazvo.” Marka 11: 24. Tinodaira kutaura kwe izvi Rake here?MKK 70.3

    Chisimbiso chipamhi hachina mugumo, Iye anodairika se kutsidza kwake. Kana tisakatambira izvo zvotinonga takumbira, ngenguva takumbira nayo, takafanira kudaira chete kuti Tenzi arikunzva, nekuti achapindura minamato yedu. Tiri vanokanganisa ne kuvona zviri papfupi nguva zhinji kwekuti tinovanzo kumbira zviro zvisingavi chikomborero kunesu, zvino Baba vedu vekudenga nge rudo anopindura ngekutipa izvo zvinozotinakira isu — izvo isu kudai tange tine kuvona kwepachena se kwe kudenga kwe kuvona zviro semumiriro vazvo taifarira kuva nazvo. Kana minamato yedu ikatarisika sekunge isina kupindurwa, takafanira kuramba takarembera pachitsidzo; ngekuti nguva yekupindura zvirokwazvo ichasvika, tinozogashira chikomborero icho tinoda zvikuru. Asi kutaura kuti munamato unozopindurwa nguva dzese nge nzira iyo unoda ne chiro icho tinonga tichida, kufungidzira chete. Mwari akachenjerera kusakanganisa, akanaka kwekusada kuramba ne zviro zvakanakira avo vanofamba zvakasvatuka. Ndizvo musatya kumusimbira, kana nepo musinga voni kupindurwa nge kukasika kwe minamato yenyu. Simbirai pa chitsidzo Chake chedi, “Kumbirai, munopiwa.” Mateyu 7: 7.MKK 70.4

    Kana tikanyaso kufunga zvakanaka ngekupokana kwedu nekutya kwedu, kana kuedza kuvana tsananguro yezvese izvo tinonga tisingavoni zvakanaka, kutanga tisati tave ne rudaviro, kukangaidzika kunozovanda nekudzama. Asi kana tika uya kuna Mwari, tichizvinzva tisina simba rekuzvimirira tega, sezvo tinonga takaita, tichizvirereka, ne rudaviro rwe rusimbiro timuzivise zviro izvo tinonga tichida Iye ane ruzivo rusingagumi, anovona zvese zvekusikwa, anotonga zvese sekuda kwake nge izvi Rake, anokwanisa kunzva kuchema kwedu, achizobvumira kupenya kuti kupenye mu mwoyo yedu. Kuburikidza nge munamato vakakwana tinonzva mukusangana Naye asingagumi. Hatingavi ne umbovo hunovoneka nge nguva iyoyo hwe kuti Muponesi akatinangisa pamsoro pedu nge usu hwake rudo, izvi zvakadaro. Hatinganzvi kubatwa naye ngezvinovonekwa, asi ruvoko rwake ruri pamsoro pedu nge rudo ne tsitsi dze unyoro.MKK 71.1

    Apo tichikumbira tsitsi ne chikomborero kubva kuna Mwari, takafanira kuva ne mweya ve rudo ne ruregerero mu mwoyo yedu isu. Tinganamate sei tichiti, “Utisunungure mhosva dzedu sezvo tinosunungura avo vane mhosva kunesu” (Mateyu 6: 12), asi tichizvipira mu mweya vekusasunungura? Kana tichikarira kuti minamato yedu inzvikwe, takafanira kusunungura vamwe vakafanana, muenzaniso vakafanana zve, se uyo tinokarira kuti tisunungurwevo navo.MKK 71.2

    Kuvavarira nge munamato ndiyo nzira yakaitwa yekugashira. Takafanira kunamata nguva dzese, kana tichida kukuramurudaviro ne kuti tive nekuziva. Takafanira “kusimbisa kunamata” kugara mukunamata nekurinda nekutenda.” Maroma 12: 12; Wakorosi 4: 22. Pita anosimbisa vatendi kuti “Zvirambei murinde ngekunamata.” 1 Pita 4: 7. Pauro anoraira, “Asi muzviro zvese nge minamato nekutenda, zvikumbiro zvenyu ngazvizivike kuna Mwari.” Wafilipi 4: 6. “Asi imwi vadikanwi,” akadaro Tuda, muchinamata nge Mudzimu Unoyera, zvichengetei murudo rwa Mwari” Juda vesi 20, 21. Munamato usingagumi ndivo usmgadimburi kukwadzana kwe mweya na Mwari, ndizvo upenyu hunobvakuna Mwari hurambe huchiverera mu upenyu hwedu; zvino muupenyu hwedu munozobuda kuchena ne kuyera mukuvonesa kuda Mwari.MKK 71.3

    Kune kufanira kwe kuva ne simba mu munamato; pasave nechinoku-dzivirira. Yedza kuita zvese izvo unogona kuti kurambe kwakazaruka nzira yekukwadzana kwa Jesu ne mweya wako. Tsvaka nguva yese kuenda kwakarovedzerwa kuitwa munamato. Avo vanotsvaka ngedi kukwadzana na Mwari, vanovonekwa mumisangano yeminamato, vachiita basa ravo ngekudairika, vaine hana yekudisisa kukohwa zvese izvo vangavane. Vanogadzira zvakanaka nguva yese yekuzviisa apo vangagone kugashira maranzi ekupenya kunobva kudenga.MKK 72.1

    Takafanira kunamata mumisha medu; pamsoro pezvese tisarege minamato ye pakavandika, ngekuti uhu ndivo upenyu hwe mweya. Hazviitiki kuti mweya ukure kana kusingaitwi munamato. Munamato ve mumusha kana kuti mumhuri munamato ve vazhinji, zvino ivoyo vega hauna kukwana. Kana urivega mweya ngauzarurwe pamberi pe ziso rinonanganidza ra Mwari. Munamato ve pakahwandika vakafanira kunzvikwa ne munzvi ve minamato uyo ari Mwari chete, pasave ne imwe nzeve inoda kunzva yakafanira kugashira mutoro uyu ve zvikumbiro. Munamato vekuhwandika unoita mweya usununguka kubva kune zvimwe zvinovundutsa, nekubva mu mweya yese yakatenderedza. Chinyararire, asi ngekudisisa kukuru, unosvikira kuna Mwari. Kutapira ne rugare zvinozova ndizvo zvinobva kwaari Iye anovona zvakahwandika, ane nzeve yakazarukira kunzva munamato unobva mu mwoyo. Ngerudaviro rwe runyararo, nerudaviro ruri pachena, mweya unokwadzana na Mwari, uchizviunganidzira maranzi ekupenya kwe kudenga anozokusimbisa mukurwa na Satani. Mwari ndiye rusvingo rwedu rwe simba.MKK 72.2

    Namata vakazvipfigira; apo unonga uchiita basa rako remisi yese, mwoyo wako nguva zhinji ngausimudzirwe kuna Mwari. Iyi ndiyo nzira yaifamba nayo Enoki na Mwari. Iyi minamato yerunyararo inokwira se utsi hunokosha hunohwirira zvakanaka pamberi pechigaro cheushe che tsitsi. Satani haangamukuriri ane mwoyo ugere kuna Mwari.MKK 72.3

    Hapana nguva kana nzvimbo apo kusina kufanira kupa chikumbiro chako kuna Mwari. Hapana chingati dzivirire mukusimudza mwoyo yedu nge mweya vekudisisa kunamata. Muzvita zve mu migwagwa, pakati penzvimbo dze basa, tingagone kutumira chikumbiro kuna Mwari kumsoro, tinyengerere kutungamirwa ne denga, se zvakaita Nehemia apo akaita chikumbiro chake kuna Mambo Artaxerxes. Kukwadzana kwe pakavandika kungavanikwe kune kwese uko tinonga tiri. Takafanira kugara nguva zhinji musivo ve mwoyo vedu vakazaruka, nekukoka kwedu kuchikwira kuna Jesu kuti auye kuzogara se mweni ve kudenga mu mweya yedu. Kana dai kungave ne rugare runonuhwa zvakaipa, kana kuvora panzvimbo yakatitenderedza, hatisaka fanira kufema utsi hwacho hunokuvadza, asi tinga gare mu mweya vakachena vekudenga. Tingapfige musivo tichipfigira kunze kufungidzira ne pfungwa dzisi dze utsvene kune ngekusimudzira mweya yedu pamberi pa Mwari kuburikidza ngekunamata kwakakwana. Avo vane mwoyo yakazaruka kugashira kutsigisva ne chikomborero cha Mwari vanozofamba munzvimbo tsvene kupinda dze pasi,’ vanozogara vachikwadzana ne denga nguva dzese.MKK 73.1

    Takafanira kuti tivone Jesu pachena, nekunzvisisa kuzere kwe chokwadi asingaperi. Kunaka kwe kutsvene kunozo-zadza mwoyo ye vana va Mwari; kuti izvi zvipedzve, takafanira kutsvaka kupangidzva zviro zve kudenga.MKK 73.2

    Mweya ngausimudzirwe vakakwidzva kudenga, kuti Mwari atipe kufema kwe zviro zve kudenga. Tingagare tiri pedyo na Mwari kwekuti kana nekapi karo kaduku-duku pfungwa dzedu dzinonangisa kuna Mwari sezvo ruva ngekusikwa kwaro rinonangisa kuzuva.MKK 73.3

    Chengeta kuda kwako, rufaro, urombo, kungwarira kwako, nekutya kwako pamberi pa Mwari. Haunga muremeri; haungamunetsi. Iye anoverenga vudzi re musoro wako haanga nyarariri zvino dikanwa ne vana Wake. Tenzi ane nyasha, ne mutsa. Jakobe 5: 11. Mwoyo wake ve rudo unobatwa ne matambudzo edu, kana nekuataura kwedu. Enda kuna Iye nezvese zvinokanganisa pfungwa. Hapana chakamukurira kutakura, ngekuti akasimudza ma pasi mazhinji. Anotonga zvese zve nyaya dze pasi nekudenga. Hapana kana chipi chinofambirana nerunyararo rwedu chingave chiduku kuti asachivone. Hapana chitsauko mukugara kwedu chakasvipa kwekuti haangachivoni kuverenga; hapana kunyongana kana kwakadini kunga mukonjere kuti angatadze kukusonera pamwe. Hapana kana nyatwa ingadzikire vana Wake, kana kuty kunga netse mweya, hapana rufaro rukuru, hapana kana munamato vakakwana unobva pamuromo, uyo Baba vekudenga asinga voni, kana uyo asinga fadzvi navo ngekukasika. “Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, anosunga maronda avo” Mapisarema 147: 3. Ukama pakati pa Mwari ne mweya mumwe ne mumwe huri pachena se kunge pasina zve mumwe mweya uyo akapira Murumbwana Wake anodiva.MKK 73.4

    Jesu akati, “Munokumbira muzita Rangu: handitauri kunemwi, kuti ndinomukumbirira kuna Baba: zvo Baba achimuda Iye mbune. Ndakamusarudzai . . . kuti zvese izvo munokumbira Baba muzita rangu, amupe.” Johane 16: 26, 27; 15: 16. Asi kunamata nge zita ra Jesu kukuru kupinda kundotaura zita Rake chete pakuvamba ne pakuguma kwe munamato. Kunamata mupfungwa ne mu mweya va Jesu, ipapo tichidavira zvitsidzo zvake, tichisimbira mutsitsi dzake, tichiita mabasa Ake.MKK 74.1

    Mwari haatauri kuti tese takafanira kuva vanhu vanozvitsarira kugara tega pamsana pe basa ra Mwari kana kuti tive vamwe ve chita ehe vanogara vega pamsana pekupira upenyu hwedu, kugara kunze kwe zvenyika kuitira kuti tizoita mabasa ekunamata. Upenyu ngahuve se hwa Kristu — pakati pegomo ne chita ehe vanhu. Uyo asina icho anoita kunze kwe kunamata chete mugumo vazvo achazorega kunamata, kana kuti minamato yake ichava seyetsika basi. Kana wanhu vachizvi bvisa mukunzvana kana kugara upenyu ve vazhinji, kure ne nzvimbo ye basa remu Kristu nerekutakura muchinjiko; apo vanorega kusandira Tenzi wavo ngekudisisa Iye akavasandira ngekudisisa kwakadaro, vanorasikirwa ne musoro venyaya yekunamata, vosara vasisina simba re kuda. Minamato yavo inova yavo yekuzvitsara pachavo. Havanga namatiri zvinodikanwa ne vanhu vese kana kuvaka Ushe hwa Kristu, vachinyengeterera simba rekusanda naro.MKK 74.2

    Tinorasikirwa kana tichishaya nguva yekuvungana pamwe kupana simba nekusimbisana mumwe ne mumwe murusando rwa Mwari. Machokwadi e Izvi Rake anorasikirwa ne simba ne kukosha kwavo mu pfungwa. Mwoyo yedu inoguma kupenyesva nekumutsva ne mweya unoyereresa, toramba zve mweya. Mukusangana kwedu se ma Kristu mumwe ne mumwe, tinorasikirwa ne zvizhinji ngekushaya kwedu kuita tsitsi kune mumwe ne mumwe. Uyo anozvipfigira pake ega haasikuzadzisa nzvimbo iyo Mwari akamumisira kuti ave. Kurera kwakanaka kwe upenyu hwedu ne vamwe mumugariro vekubarwa kwedu kunounza kuti tive ne tsitsi kune vamwe, ndiyo zve nzira yekuumba ne simba kunesu murusando rwa Mwari.MKK 74.3

    Dai ma Kristu achisangana pamwe, vachitaura kune mumwe ne mumwe nge rudo rwa Mwari, nema idi anokosha eruponeso, mwoyo yavo ingamutsve patsva, ivo vo vangamutsana mumwe ne mumwe. Tinga dzidze zvakanyanya mazuva ese na Baba vedu ve kudenga, tichi vana kuziva kutsva kwe tsitsi dzake; zvinotozoda kutaura ngezve rudo rwake; apo tinoita izvi, mwoyo yedu inozodziisva ne kusimbisva. Kana tikafunga nekutaura zvikuru na Jesu, nekutaura zvishoma nge zvedu isu, tinozova Naye zvikuru zvakanyanya.MKK 75.1

    Dai tichifunga Mwari se umbovo uho tinaho wekuti chengeta kwake, tingamuchengete ngekusinga peri mupfungwa dzedu, tifadzve ngekutaura nge zvake nekumuvirikidza. Tinotaura nge zviro zve nyika ngekuti tinozvida; rufaro rwedu ne urombo hwedu zvakasungirwa pamwe nazvo. Asi tinechikonzero chisingaperi icho tingadire Mwari nacho pane kuda shamwari dzedu dze pasi; chiro chakafanira kuitwa panyika pano kuda Iye kutanga mupfungwa dzedu dzese, kutaura nge kunaka kwake ne kuudza vamwe nge simba Rake. Zvipo zvakapfuma izvo akaisa pamsoro pcdu hazvina kuitirwa kuti pfungwa dzedu ne rudo zvibve zvakundwa zvikuru kwekuti tingashaye kana nechiro ehe kupa Mwari; ngezve kugara zvichititondedza Mwari nguva dzese, nekutisunga muchisungo ehe rudo nekutenda mukomboreri vedu ve kudenga. Tmonyanya kugara mu nzvimbo dze nyika dzakadzikira mu pasi muno. Ngatisimudzire maziso edu kumusivo vakazaruka ve sanjuwari kumusoro, apo kupenya kwe mbiri ya Mwari kuno penyera ku meso kwa Kristu, uyo, ‘onoponesa kwazvo avo vanouya kuna Mwari ndiye.” Mahebru 7: 25.MKK 75.2

    Takafanira kukudza Mwari zvakanyanya “ngekunaka kwake, ne mabasa Ake anoshamisa ayo akaitira vanakomana ve vanhu.” Mapisarema 107: 8. Kuita kwe kunamata kwedu kusave kwekusimbira pakukumbira nekugashira basi. Tisafunge nguva dzese ngekushaya kwedu, kana ne izvo tinogashira. Hatinamati zvikuru, asi hatipi kutenda kwakakwana. Isu tiri vagashiri ve nguva dzese ve tsitsi dza Mwari, asi kutenda kwedu kuduku senyi, tinomukudza zvishoma senyi nge izvi atiitira.MKK 76.1

    Kare Mwari akaraira va Israeri, apo vakange vaungana pamwe pamusangano Wake, “Ndipo pomunofanira kudya pamberi pa Jehova Mwari venyu, muchifarira zvese izvo munobata nge mavoko enyu, imwi, ne mhuri dzenyu, sezvo makakomborerwa na jehova Mwari wenyu. Deut. 12: 7. Icho chinoitirwa mbiri ya Mwari ngachiitwe ngekufara, ne ndwiyo dze rukudzo nekutenda, kwete nge urombo ne mwoyo mutema.MKK 76.2

    Mwari vedu ndi Baba munyoro, anetsitsi. Rusando rwake rusanangisve se basa rinosuvisa mwoyo, ne rine nhamo. Ngakuve rufaro kunamata Tenzi nekuva ne divi mu basa Rake. Mwari haangadi kuti vana Wake vakapiva ruponeso rwakadari, vaite sekunge Iye ndi Tenzi mukukutu, anonyaso vonorora basa Rake rakakonja. Iye ishamwari kwayo kwazvo; zve kana vachimunamata, Iye anokarira kuva pamwe navo, kukomborera nekuvanyaradza, achizadza mwoyo yavo nge rufaro ne rudo. Tenzi vanoda kuti wave ne runyararo murusando rwake, nekuti vavenerufaro pane kuremerwa mu basa Rake. Anoda kuti avo vanouya kuzomunamata vabve ipapo vakatakura pfungwa dzinokosha dzekuchengeta ne rudo rwake, kuti vafadzva mu mabasa avo emisi yese mu upenyu hwavo, kuti wave ne tsitsi dzekukovera nge kunaka ne kudavira mu zviro zvese.MKK 76.3

    Ngatiungane pamuchinjiko. Kristu uyo akaroverwa ndiye achava chiro chedu chekunangisa nekufungisisa, chemunyaya, nechekuda kwedu kukuru kunofadza. Ngatichengete mu mwoyo yedu chese chikomborero icho tinogashira kubva kuna Mwari, ndizvo apo tinonga tavekuvonesesa rudo rwake, takafanira kubvu- ma kusiya zvese ngerusimbiro muruvoko rwakarovererwa isu pa muchinjiko.MKK 76.4

    Mweya ungakwire kusvendera pedyo ne denga nge mapapiro ekukudza. Mwari anonamatwa nge nzviyo ne marimba mumuzinda vekumusoro, ndizvo apo tinonga tichidudza kutenda kwedu, tirikuda kuyenzanisa nekunamata kwe mbiri dze kudenga. “Uyo anopa rukudzo anokurumbidza Mwari.” Mapisarema 50: 23. Ngatiuye pamberi pa Muponesi vedu nge rufaro rwe rukudzo tine “kutenda ne izvi rekuimba.” Isaya 51:3.MKK 77.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents