Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    RUPINDUKO

    MUNHU angarurame senyi kuna Mwari? Munyangadzi anga ruramiswe senyi? Zviri kubudikidza na Kristu chete apo tingawe nekunayo na Mwari, nekuyera; asi tinga uye senyiko kuna Kristu? Vazhinji varikubvunza mubvunzo uyu sezvakaita chita chikuru ehe musi we Pentecosti, apo, vakakanwa ne chitema, chavo vakachema vachiti, “Toita senyi?” Izvi ra Pita rekutanga kupindura rakati, “Pindukayi, musanduke kuti zvitema zvenyu zvidzimwe.” Mabasa 3: 19.MKK 16.1

    Kupinduka kunotaura kuva ne urombo hwe chitema, nekupinduka kubva kwachiri. Hatinga siyi chitema kunze kwekuti titange taona kushata kwechitema; kunze kwekuti tichisiye nge mwoyo, hakungavi nekupindukaba mu upenyu hwedu.MKK 16.2

    Vazhinji vanotadza kunzvisisa mamiriro edi ekupinduka. Vazhinji vanonzva urombo hwekuti vaita chitema, dzimwe nguva vachibva vapangidza kupinduka kwe kunze, ngekuti vanotya kuti kutadza kwavo kunga unze matambudziko kwavari. Asi uku handikupinduka kwe mu Baiberiba. Vanochema ngekutambudzika kupinda chitema. Uhu ndiho urombo hwakava na Esau apo akavona kuti udangwe hwamurasikira narini. Balaama, avundutswa ne ngirosi yakange imire pamberi pake ine banga rakazaruka akabvuma kutadza kwake ngekuti aingarasikirwa nge upenyu hwake; asi kwange kusiku pinduka chaiko kwechitema ba, pasina kusanduka kune donzo, pasina kuvenga chitema. Juda Isakarioti, mumasure mekutengesa Tenzi, vake akachema achiti, “Ndanyangadza ndashambadza ropa risina mhosva.” Mateu 27: 4.MKK 16.3

    Kureurura uku kwaka manikidzwa kubva mumweya vemhosva nepfungwa yekutya kuraswa nekutarisika kunotyisa kwe rutongo, Zviro zvakange zvichazoitika kwaari zvakamuzadza nekutya, asi kwakange kusina urombo hunotsemura-moyo wakadzama mumweya vake vekuti ndashambadza Murumbwana va Mwari asina mhosva, nekuramba Iye Mutswene ve Israeri. Faro, arikutambudzika pasi pekutonga kwa Mwari, akabvuma chitema chake kuti atize kumwe kupangirwa zve, asi akadzokera mukushora kwake Denga apo matenda akange abviswa. Vese ava vayichema pamsana pechitema basi, asi vakange vasina urombo hwe chitema pachacho.MKK 16.4

    Asi kana mwoyo uchibvumira mweya we Mudzimu wa Mwari, pfungwa dzino zara ne upenyu, munyangadzi anozo ona chimwe chiro ehe udzamo nekuyera kwe mutemo va Mwari unoyera, uri nheyo ye kutonga kwake kudenga ne pasi. “Kujeka kunojekera wanhu vese vanouya pasi.” (Johane 1:9.) Kuno venekera mumipanda yakavandika ye mweya, nezviro zvakahwandika zve dima zvinooneswa. Pfungwa dze mhosva dzino bata pfungwa ne mwoyo. Munyangadzi ane pfungwa dze kururama kwa Jehova, anonzwa ayine kutya kuti aoneke ari mumhosva, yake nekusachena kwake, pamberi pemutsvagi ve mwoyo yese. Ano ona rudo rwa Mwari, kunaka kwekutsvene, rufaro rwe kucheneseka, anodisisa vo kuti dai achenurwa, kuti adzoswe mukukumbana ne Denga.MKK 17.1

    Munamato va Davida mumasure mekuputsika kwake unopangidza mamiriro e chokwadi e urombo hwe chitema. Kupinduka kwake kwakange kuri kwedi kwakadzama. Kwakange kusina kuyedza kunzvenga mhosva yake ba; hapana kuda kutiza kutongwa kwakambo tyisidzira nekufemera munamato vake. Davida akaona ukuru we kudarika kwake; akaona kusvipiswa kwe mweya vake; akavenga chitema chake. Haana kunamatira kuregererwa chete, asi kuti achenurwe mwoyo zve. Akadisisa rufaro rwe I utsvene kuti adzoserwe mukunzvana nekukumbana zve na Mwari. Uyu ndivo vakava mutauro ve mweya vake:MKK 17.2

    “Akakomborerwa uyo aregererwa kudarika kwake, afukidzirwa zvitcma zvake. Akakomborerwa munhu asingawerengerwi zvitema zvake na Jehova, Asina kunyengedza mumweya vake.” Ndwiyo 32: 1, 2. Ivai nenyasha kuneni O, Mwari, sekuda kwe ’ mutsa wenyu; Dzimai zvinyangadzo zvangu sekuda kwe ngoni dzenyu zhinji. . . . Ngekuti ndinoziva zvinyangadzo zvangu: chitema changu chinogara chiri pamberi pangu. Ndisukei ne isopi, ndive vakachena: Ndisambidzei ndichene kupinda chero. . . . Ndisikei mwoyo wakachena, O Mwari: Muitezve mweya mutsva vakarurama muneni. Regai kundirasa pamberi penyu: Musabise mweya venyu mutsvene kwandiri. Dzoserai zve kwandiri rufaro rwekuponesa kwenyu; Nditsigirei ne mweya venyu vakasununguka. . . . Ndibvisenyi mu mhosva yeropa, O Mwari, Imwi Mwari veruponeso rwangu: Ndizvo rurimi rwangu rucha imbira kururama kwenyu kwazvo.” Ndwiyo 41: 1-14.MKK 17.3

    Kupinduka kwakadari kuri kure kuti tikusvikire nekuita ne simba redu tega; kunovanikwa kubva kuna Kristu chete, uyo akakwira kumusoro, akapa zvipo kuwanhu.MKK 18.1

    Ipapa ndipo pane nzvimbo vazhinji vanotadza, ndizvo votadza kugashira rubatsiro urwo Kristu anoda kuvapa. Vanofunga kuti havanga uyi kuna Kristu kutanga vasati va pinduka, nekuti kupinduka kunogadzirira ruregerero rwe zvitadzo zvavo. Ichokwadi kuti rupinduko runotangira ruregerero rwe zvitadzo; asi mwoyo vakaparuka ne une urombo unozvinzwa uchida Muponesi. Ko Munyangadzi akafanira kumira ambotanga apinduka asati auya kuna Jesu here? Kupinduka kwakafanira kuva chidziviro pakati pe munyangadzi na Muponesi here?MKK 18.2

    Baiberi haridaro kuti munyangadzi akafanira kupinduka kutanga asati aterera kukoka kwa Kristu, Uyayi kuneni mwese munotambudzwa, nemuno remerwa, ndinomupa zororo.” Mateyu 11: 28. Isimba rinobva kuna Kristu rinotungamirira mukupinduka. Pita akataura pachena mukutaura kwake kune va Israeri apo akati, “Uyo Mwari akakudza kurudyi rwake kuti ave Muchinda na Muponesi, kuti ape rupinduko kuna Israeri, nerusununguro rwe zvitema.” Mabasa 5: 31. Hatinga pinduki kusina Mweya va Kristu kumutsa pfungwa sezvo tisinga regererwi pasina Kristu.MKK 18.3

    Kristu ndiye mawambo ezviro zvese izvo tinoita. Ndiye chete ega angagone kudyara mu mwoyo ruvengo rwe chitema. Kwese kudisisa kweidi ne kuchena, yese pfungwa yekuziva kutadza kwedu, ndicho chiwoneso chekuti Mweya vake uri kufamba mumwoyo yedu.MKK 18.4

    Jesu akati, Ini, kuti ndika kwidzwa, ndinopfuva vanhu vese kuneni. Johane 12: 32. Kristu akafanira kupangidzwa kune munyangadzi sa Muponesi arikufira zvitema zve nyika; sezvo tino- nangisa Nyenye ya Mwari pamuchinjiko veKalvari, kuvandika kweruponeso kunovamba kupfutunuka mumitondero yedu, kunaka kwa Mwari kotitungamirira mukupinduka. Ngekufira vanya, ngadzi Kristu akavonesa rudo rusinga nzvisiswi; apo munyangadzi achinangisa urwu rudo, zvinopfavisa mwoyo vake, zvobata pfungwa yake, zvounza urombo hwe kutadza mumweya vake.MKK 18.5

    Ichokwadi kuti dzimwe nguva vanhu vanonyara ngenzira dzavo dzakaipa, vachirega dzimwe tsika dzavo dzakaipa, kutanga ; vasati vaziva kuti varikupfuvirwa kuna Kristu. Asi apo vano edza kuzviumba patsva, ngekuda kuita zvakanaka, isimba ra Kristu rinonga riri kuvapfuva. Mweya uyo vanonga vasinganzwi unonga Ij urikusanda mumweya yavo, zvino pfungwa dzemukati dzo upenyu j hwe kunze hwogadziridzwa. Apo Kristu anova kweva kuti vanangise pamchinjiko Vake, kunangisa Iye uyo zvitema zvavo zvakabaya, mutemo unouya mu pfungwa. Kushata kwe upenyu hwavo, chitema change chigere zvakadzama mu mweya yavo, chinopangidzwa kwavari. Vanovamba kunzvisisa chimwe chiro chekururama kwa Kristu, voti, chitema chinyi ko chingade mupiro vakadaro kuti kuponeswe mhandu yacho? Rwese urwu rwaive rudo here, kwese uko kutambudzika, kwese uku kuderedzwa zvakadari, kwakange kuchida kuti tisa parare, asi tive ne upenyu hwusinga gumi here?”MKK 19.1

    Munyangadzi angarambe kunzwa uru rudo, angarambe kuswendedzwa padyo na Kristu; asi kana asinga rambi, angakweverwe kuna Jesu, uzivi hwe zano reruponeso hwunozo mutungamirira kuti ayende panyasi pemuchinjiko ngekupinduka muzvitema zvake, zvakakonzera kutambudzika kwe Mwanakomana anodikanwa va Mwari.MKK 19.2

    Pfungwa iyoyo ye kudenga iri kusanda pamsoro pezvisikwa zvese iri kutaura mu mwoyo ye vanhu, ichi sika mumwoyo ye vanhu kuti vave nenhomba ye icho vasinaba. Zviro zvenyika hazvinga gutsi kuda kwavoba. Mweya va Mwari uri kunyengererana l navo kuti vatsvake zviro izvo zvinozo vapa runyararo ne zororo j chete tsitsi dza Kristu, ne rufaro rwe kuyera. Kubudikidza ne i mweya uno onekwa ne usinga onekwi, Muponesi vedu ari kusanda i nguva yese kupfuva pfungwa dze vanhu kubva kune rufaro rusi- nga gutsi rwe zvitema kuvaisa kune zvikomborero zvisinga gumi zvichazova zvavo kuna Iye. Kune iyi yese mweya irikutsvaka nhando kuti vamwe kubva muzvirongo zvakaputsika zvenyika ino, soko rekudenga rinoti, “Uyo anenyota, ngawuye, Uyo anoda, ngaatore mvura ye upenyu pachena.” Kuratidza 22: 17.MKK 19.3

    Imwi munonzwa kuti mwoyo yenyu inosuvira chimwe chiro icho nyika isinga goni kukupai makafanira kuziva kuti kuda kwe Izvi ra Mwari mu mweya yenyu. Mukumbirei kuti akupei kupinduka, kuti aonese Kristu kwamuri murudo rwake rusingagumi, mukuchena Kwake kwakaperera. Mu upenyu hwa Muponesi mutemo va Mwari rudo kuna Mwari nekune munhu — zvakapangidzwa nge nzira yakaperera. Kuita zvakanaka, rudo rusina mbayo, zvakange zviri upenyu hwe mweya Vake. Zvakaita sezvo tinoona Iye, sezvo kujeka kunobva kuna Muponesi vedu kuchiputsikira kunesu, naizvozvo tinoona kutadza kwe mwoyo yedu.MKK 20.1

    Tingazvinyengedze hedu se zvakaita Nikodimu, kuti upenyu hwedu hwange hwakaswatuka, nekuti chimiro chedu muutsvene chakanaka, tichi funga kuti hatisakafanira kurerekisa mwoyo yedu pamberi pa Mwari, se munyangadzi ve mazuva ese, asi apo kupenya kunobva kuna Kristu kuchipenyera mumweya yedu, tinozo ona kuti hatina kuchena senyi; tichazo ona kuzvimisira kwe mbayo, upandu kuna Mwari, achipisa mabasa ese e upenyu. Ndipo tinozoona kuti kururama kwedu kune tswina se mitsoto, nekuti basa rc ropa ra Kristu ndiro ringati chenure kubva mukusvipiswa ne chitema, amutse mwoyo yedu mumufananidzo vake mbune.MKK 20.2

    Ranzi rimwe rembiri ya Mwari, kujeka kumwe kwe kuchena kwa Kristu, kuchidura mu mweya, rinopangidza pachena ngekurwadza kavara kamwe ke tsvina kanonga kari mukati, kunyangara ne kuremara kwe chimiro ehe munhu zvese zvino bva zvaiswa pachena. Kuno ita kuwe pachena kuda kwako kwezvisi zvitsvene, kusadairika kwe mwoyo, kusachena kwemiromo. Mabasa emunyangadzi ekushora mutemo va Mwari anoiswa apo anoonekwa, ne mweya vake unorohwa nekurwadziswa nge kutsvaka kwe Mweya va Mwari. Anozviwenga apo anonga atarisa chimiro chakachena, chisina vara cha Kristu.MKK 20.3

    Apo muprofiti Danieri akaona mbiri, yakange yakatenderedz nhumwa yekudenga iyo yakange yatumva kwaari, akakundwa ne pfungwa dzekushaya simba kwake nekusaperera kwake. Achi tsanangura zvinoshamisa zvakaitika izvi anoti, “Ndakapererwa ne simba; ngekuti kunaka kwangu kwakasanduka kuipa ndikasara ndisina simba.” Danieri 10: 8. Mweya unonga vabatwa zvakadaro uno wenga mbayo dzavo, nekuzvida kwawo, unotsvaka kubudikidza ne kururama kwa Kristu, kuchena kwe mwoyo unonzwana ne mutemo va Mwari ne chimiro cha Kristu.MKK 20.4

    Pauro anoti, “ngekururama kwe mutemo,” se mabasa ekunze kwe muwm—akange “asina mhosva” (Wafilipe 3:6) asi apo mamiriro e mweya akazo onekwa, akazvi ona ari munyangadzi. Kutonga nge tsamba ye mutemo sezvo vanhu vano usandisa mu upenyu hwe kunze akange abva muchitema, asi apo akanangisa mu udzamo hwekuzvibata kwavo kunoyera, akazvi ona sezvo Mwari anomuona, akakotama mukuzvideredza, akabvuma mhosva yake. Anoti, “Ndakambenge ndichi pona kamwe ndisina mutemo; asi zvo mutemo vakasvika, kwakamuka chitema ndikafa. Maroma 7: 9. Apo akaona mamiriro e mutemo ve mweya, chitema chakaonekwa mukunyangara kwacho kwedi kuzvida kwake kwakabva kwaenda.MKK 21.1

    Mwari haaone zvitema zvese zvakaenzana mu ukurukune mavambo emhoswa mukutarisa kwake, nekune munhu zveasi kana zvichi nangisika zviri zviduku senyi, mumaziso, e vanhu hapana chitema chiduku pameso pa Mwari. Kutonga kwe munhú n dlvl runwe, hakuna kuperera, asi Mwari anoona zvese zviro se zvo zviri Munyaradzi anoshorwa achiudza kuti chitema chake chinomusiisa kudenga, kuzvikudza, mbayo, ruchiwa zvinonyanya kupfuura zvisina kutseurwa. Asi izvi zvitema zvino tsamwisa M^ari kwazvo; ngekuti zvinopatsana nekunaka kwe chimiro chake, kune rudo rusina mbayo runowa ndirwo rugare mumapasi asina kuputsika. Uyo anoputsikira muzvitema zva kaipisisa anozwa manyada ne urombo nekushaya kwake tsitsi dza Kristu; asi kuzvikudza hakunzwi kushayaba, ndizvo kuno pfiga mwoyo kubva kuna Kristu ne zvikomborero zvisingagumi izvo akauya kuzotipa.MKK 21.2

    Mupetesi akanamata achiti, “Mwari iva ne mutsa kuneni munyangadzi” (Ruka 18:13) akazvi ona se munhu akaipa kwazvo, ne vamwevo vakazwiona nenzira iyoyo; asi akanzwa kushaya kwàke, nemutoro vake ve mhosva ne manyadzi akauya pamberi pa Mwari, achikumbira mutsa vake. Mwoyo vake vakange vaka zarukira Mudzimu va Mwari kuti uyite basa ravo restitsi, umusunungure kubva musimba rechitema. Munamato vekuzvikudza, nekuzviruramisa ve mu Farisi vakapangidza kuti mwoyo vake vakapfigwa kubasare Mudzimu Unoyera. Pamsana pekuva kure na Mwari haana kuva ne pfungwa yekusachena kwake, mukuenzanisa ne kuperera kwe utsvene. Haana kunzwa kushaya kwakeba, ndizvo haana kugashira chiro.MKK 21.3

    Kana uchiona kunyangadza kwako, rega kunonoka uchiti uchazvinatsa. Vazhinji vanofunga kuti havana kunaka zvakakwana kuti vauye kuna Kristu. Munokarira kunaka ne masimba enyu here? “Ko mu Etiopia angasandure ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Kana zvaibvira nemivo maigona kuita zvakanaka, imi makarovedzera kuita zvakaipa. Jer. 13: 23. Kune rubatsiro rwedu kuna Mwari chete. Tisamirire kunyengererwa kune simba, nguva yakanaka, kana kuti tidakare tive ne pfungwa tsvene. Hapana icho tingazviitire pachedu. Takafanira kuuya kuna Kristu takadari.MKK 22.1

    Asi kusawe nevano zvinyengedza ngekuti Mwari, murudo rwake rukuru ne ngoni, anozoponesa kana newarambi ve tsitsidzake. Kuipa kukuru kwechitema kungaonekwe mukupenya kwe muchinjiko chete. Kuti vanhu vachiti Mwari akanaka kwazvo kwekuti haangadzingi munyangadzi, vakafanira kunangisa ku Kalvari. Imhosva yekuti kwakange kusina imwe nzira iyo munhu aizo poneswa nayo, ngekuti kunze kwemupiro uyu zvakange zvisinga zoitiki kuti munhu dzinza ripukunyuke kubva musimba rechitema chino svipisa, adzokere mukukwadzana ne zvisikwa zvinoyera zvaisaitikazve kwavari kuti vave vakoverwi veupenyu hutsvene — pamsana pe izvi saka Kristu akatora mhosva yeasinganzvi, akatambudzikira munyangadzi. Rudo nekutambudzika ne kufa kwe Murumbwana vaMwari zvinopupurira kuukuru huno tyisa hwe chitema, kuchitaura zve kuti hakuna nzira yekupukunyuka nayo kubva musimba racho, hakuna rusimbiro rwe upenyu hwakasimukira, asi basi kuti mweya wa iswa pasi pa Kristu.MKK 22.2

    Vanhu vasingadi kupfidza vano vanzo zviyamura nekuti kune avo vanoti ma Kristu, “Ndakando fanana navo ini. Havaca zvirambi, havachateramiri, kana kungwarira kuzvibata kupinda ini. Vanoda rufaro nekuzvipira munezvinofadza seni.” Ndizvo vanoita mhosva dzevamwe chive chikonzero chekuregeredza basa ravo. Asi zvitema nekutadza kwevamwe hakuregererwi mum we ba; ngekuti Tenzi haana kutipa muenzaniso vemunhu akaipa. Murumbwana va Mwari asina mhosva aka va sechionerero chedu, avo vanochemachema nekutadza kweavo vanoti ma Kristu ndivo vakafanira kupangidza chiratidzo ehe upenyu kwahwo ne vakasimukira.j Kana vayine kuziva kwakakwirira kwekuti mu Kristu akafanira kuti awe akadini, chitadzo chawo hachina kukura kupinda here zvakadaro? Vanoziva chakanaka, asi vanoramba kuzviita, chenjererai kuerengera. Musaregerere basa rekurasa zvitema nekutsvaka kuchena kwe mwoyo kubudikidza na Jesu. Apo ndipo makumi emazana ne makumi emazana vanokanganisa, mukurasika kwavo kusingaperi. Handizorambi ndiri paupfupi ne kusatsarukana kwe upenyu ba; asi kune ngozi inotyisa — ngozi isinga nyatso nzvisisvaba mukunonoka kuzvipira kune izvi rinonyengerera re Mudzimu Unoyera va Mwari, mukusarudza kugara muchitema; kana chingaonekwa sechiduku zvakadini, kuti chaitwa chingarasise zvese. Icho tisinga kuriri chinozotikurira isu, chichi zounza kuparara kwedu.MKK 23.1

    Adamu na Eva Vakazvinyengedza kuti muchiro chiduku chakaïta sekudya muchero Vakarambidzwa hakungavi ne dambudziko gum seiro Mwari akange ataura. Asi iyinyaya duku yakangeiri kudarika mutemo va Mwari usinga pindurwi ne unoyera, zvakaparadzanisa munhu kubva kuna Mwari, zvikazarura mazambara c murove we kufa ne matambudzo asinga tauriki mu pasi redu. Muzero ne zero kunonzwikwa nguva dzese kuchema, zvisikwa zvese zvinogomera nekurwadziwa pamwe chete pamsana pekusaterera kwe munhu. Denga pacharo rakanzwa zviito zvekupandukira Mwari kwake. Kalvari imire sechitondedzo ehe mupiro unosilamisa unodikanwa kuripira kudarikwa kwe mutemo vekudenga 1 isanangise chitema sechiro chiduku.MKK 23.2

    Chese chiito chakaipa, kwese kusava ne hanya kana kuramba tsitsi dza Kristu, kuita pamsoro pako mbune zvichikudzokera zve; kukonjesa mwoyo, kunyangadza zvinodikanwa ne mwoyo, kuuraya kunzvisisa, zvisina kuita kuti usade kuzvipira chete ba, asi kusagona zve kuzvipira, kune kunyengerera kunyoro kwe Mudzimu Unoyera va Mwari.MKK 24.1

    Vazhinji varikunyaradza pfungwa dzavo dzinotambudza ngekuti vanga pindure nzira yekuipa kana vachida zvavo: kuti vangatambe zvavo nekukoka kwe mutsa, asi vachimutswa mu mwoyo yawo nguva ne nguva. Vanofunga kuti mumasure mekusvotesa. Mudzimu ve tsitsi, mumasure mekunge vayisa mweya yavo kudivi ra Satani, munguva yekunge zvanyanya kuipisisa zvino vopindura nzira yavo. Asi izvi hazviitwi nyore ba. Zviro izvo vakambo ita nekuona, nekudzidza, kwe mazuva ako eupenyu zvinonga zvanyatso umba chimiro zvakanaka kwekuti vashoma vanonga vachada kugashira mufananidzo va Jesu.MKK 24.2

    Kana katsika kamwe ke chimiro kakaipa, chidiso chimwe ehe chitema, kakaramba kachidikanwa nguva dzese, kanopedza simba rese re Vangeri. Kuzvipinza kwese muchitema kunosimbisa mweya kuti usade Mwari. Munhu anoonesa kusadairika kukukutu, kana kusaita hanya kana kuvunduka nge idi re kudenga, anokohwa izvo akadyara. Mu Baiberi rese hakuna runyevero runotyisa kupinda rwekutamba ne chitema kupinda mazvi emunhu akangwara, akati, munyangadzi “anobatwa ne tambo dze zvitema zvake.” Mazwi akangwara 5: 22.MKK 24.3

    Kristu akagadzirira kutisunungura muzvitema, asi haamanikidzi kuda, asi nekuramba tichityora mutemo mwoyo ukarerekera kune zvakaipa, tisingadi kuti tisunungurwe, kana tisinga gashiri tsitsi Dzake, chinyi zve icho angatiitire? Tazviparadza mbune ngekuzvimisira kuramba rudo Rwake. “Ona zvino inguva yakanaka; ona zvino musi ve ruponeswa.” “Nhasi kuti muchinzwa izvi rake, musaomese mwoyo yenyu.” 2 Wakorintet 6: 2; Maheberu 3: 7, 8.MKK 24.4

    “Ngekuti munhu anonangisa zviri kunze, asi Tenzi anotarira mu mwoyo” (1 Sam. 16:7), mwoyo ve munhu, nekurwisana kwekunzvira kwavo kwerufaro ne urombo, mwoyo vapumhuka, munova ndimo munogara zvese zvakaipa nekunyengedza. Anoziva izvo mwoyo vakazvimisira, zvese izvo unoda ne zvimiso zvavo. Yenda kuna iye ne mwoyo vako uyine mavara sezvo vakaita. Se muimbi uzarurire kuziso rinoona zvese, uchidaidzira, “Nditswake, O Mwari, muzive mwoyo vangu, ndiedzei muzive pfungwa dzangu; munangise kana paine nzira yakaipa mandiri, munditungamirire munzira isingaperi.” Ndwiyo 139: 23, 24.MKK 24.5

    Vazhinji vanogashira rudaviro rwe uzivi, chimiro cheumwari, asi mwoyo usina kuchenurwa. Ngauve munamato vako, “Ndisikei mwoyo vakachena, Mwari, muitezve patsva mweya vakanaka muneni.” Ndwiyo 51: 10. Gadzira mweya vako paidi. Disisa vavarira, sezvo ungaite vapapfumvu. Iyi inyaya yekugadzirwa pakati pemweya vako na Mwari, kuti igadzirwe nekusingaperi. Rusimbiro rwekufungidzira, pasina zve chimwe, zvino unza kuparara kwako.MKK 25.1

    Dzidza Izvi ra Mwari nge munamato. Iro Izvi rinounza pamberi pako, mumutemo va Mwari nemu upenyu hwa Kristu, mitemo mikuru ye utsvene, pasina izvozvo, “hakuna munhu angaone Tenzi.” Maheberu 12: 14. Rinokonesa chitema; rino pangidza pachena nzira yeruponeso. Ritererei, se izvi ra Mwari rinotaura mumweya venyu.MKK 25.2

    Sezvo muchiona kukura kwe chitema, sezvo uchizvi ona sezvo uri, usa rasikirwe nebanza. Kristu akauya kuzoponesa vanyangadzi. Hatiunzi Mwari kwatiri, asi — O rudo runoshamisa! Mwari muna Kristu.” Ariku dzorera pasi kuna iye.” 2 Wakorinte 5: 19. Ari kunyengerera nge rudo rwake runyoro mwoyo ye vana Vake vakatadza. Hapana baba vepano pasi vanga yifire mhosva ne kutadza kwe vana vake sezviri kuita Mwari kune avo arikutsvaka kuti aponese. Hapana zve anganyengerere munyangadzi zvinyoronyoro zvakadari. Hapana muromo ve munhu vakambotaurao mazvi manyoro ekukumbirira mupumliuki se zvo anoita. Zvese zvitsidzo zvake, runyevero rwake, kuburitsa kwe rudo rwake rusingatauriki.MKK 25.3

    Apo Satani achiuya kuzo kuudza kuti urimunyangadzi mukuru, nangisa kune Mununuri cako, taura ne kunaka kwake. Izvo zvinozo kubatsira kunangisa kupenya Kwake, ziva chitadzo chako, asi uvudze mhandu kuti “Kristu Jesu akauya pasi kuzo ponesa vanyangadzi” (1 Tim. 1: 15), nekuti zve unga poneswa nge va-nhu vayiri vane mingava. Jesu akabvunza Simoni mubvunzo nge vanhu vayiri vane mingava. Mumwe akange ayine mungava va Tenzi Vake mushoma, mumwe akange ayine mungava ve mari zhinji, asi akava regerera vese Kristu akabvunza Simoni kuti ngeupi achada Tenzi vake kunyanya. Simoni akapindura, “Uyo vakasunungurwa zvi zhinji.” Ruka 7:43. Tange tiri vanyangadzi vakuru, asi Kristu akafira kuti tisunungurwe. Kururama kwe mupiro vake kwaka kwana kuti akupangidzire kuna Baba munzvimbo yedu. Avo anonga asunungura zvizhinji vanozo mudao zvizhinji, vanozomira pedyo nechigaro chake wachirumbidza pamsana perudo rwake ne mupiro usingagumi. Ngeapo tingato nzvisisa zvakanaka nekuperera rudo rwa Mwari ndiyo nguva iyo tinoona kuipa kwe zvitema zvedu. Kana tichi ona kureba kwe ngetani yakadzikisirwa isu, kana tave kunzvisisa mupiro usingagumi uyo Kristu akaitira isu, mwoyo unonyungurutswa ne unyoro ne kusuwa kwekutadza.MKK 25.4

    *****

    “Mwenje ve tsoka dzedu, uyo tinofamba navo
    Nzira yedu yotirasisa,
    Rwizi runobva pa tsime re tsitsi kudenga;
    Rukowa panzira pemufambi;

    “Chingwa ehe mweya yedu, apo tinoguta,
    Mana yedi inobva kumusoro;
    Mutungamiri nechiratidzo chedu, umo tinoerenga,
    Ne umambo hurimberi kwe denga;

    “Mutomba ve moto munguva dzedima,
    Gore rinopenya masikati;
    Apo mananda anokunda mwadiya veda anoyerwa
    Chitsiko chedu ne rugare rwedu;

    “Izvi ra Mwari asingagumi
    Rudo rwe Murumbwana Vake anembiri
    Pasina Imwi pasi raifambwa senyi,
    Kana denga pacharo raivanikwa seyi?”
    MKK 26.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents