Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 3—Kunyengera Kunotyisa

    Hondo huru pakati paKristu naSatani ichapera nekukasika, nokudaro akaipa achawedzera zvakapetwa kaviri kuti akunde basa raKristu raanoita pachinzvimbo chedu. Kuchengetedza vanhu van murima nekuzvikudza kusvikira kutimiririra kwaJesu kwapera ndicho chinangwa chaSatani. Kana kushaya hanya kotonga mukereke, Satani haana hanya nazvo asi kana vanhu vachibvunza kuti “Ndingaitei kuti ndiponeswe?” iye anobva azvimisira kupikisana kwazvo naKristu uye kudzongonyedza basa reMweya Mutsvene.TaH 26.1

    Paimwe nguva apo ngirozi dzakauya kuzozviratidza pamberi paMwari, Sataniwo akauya kwete kuti azvininipise pamberi paMambo wekusingaperi uyu asi kuti aenderere mberi nekuvandudza basa rake rekuparadza kune hutsinye kuvatsvene( Job 1:6). Aripowo kana vanhu vaungana pakunamata, achishanda nesimba kuti atungamirire pfungwa dzevanamati. Paanoona mutumwa waMwari achitsvagurudza chokwadi mumagwaro, anotarira nyaya irikuda kuzodzidziswa, obva aita kuti chidzidzo ichi chiregedze kusvika kune avo vaagara achinyengera panyaya imwe cheteyo. Uyo anofanirwa kutsiurwa nenyaya iyi anobva abatikana parimwe basa kana kungoshaiswa mukana wekuti anzwe shoko ireri.TaH 26.2

    Satani anoona varanda vaMwari vachiremerwa nokuda kwerima rakavakomberedza, onzwa minamato yavo yekukumbira simba nenyasha dzedenga kuti vasunungurwe. Zvino nesimba idzva anobva akonzera vanhu kuti vawire muzviito zvekufadza nyama yavo zvobva zvagomadza pfungwa kuti vatadze kunzwa izvo zvavaifanirwa kudzidza.TaH 26.3

    Sátani anoziva kuti vose vasingaverengi shoko raMwari nekunamata pachavo vachakundwa nemiyedzo yake. Nokudaro anoronga misungo nenzira dzose kuitira kudhakisa pfungwa. Vashumiri vake vepedyo vanogara varimushishi huru apo Mwari anenge achiita basa rake. Vanokonzera kuti varanda vatsvene vaKristu vaite sevanyengeri kana kuti sevakanyengerwa ivo. Ibasa ravo kudzongonyedza chinangwa chebasa rese rakarurama, kukonzera nyonganiso nekudenha kufungidzira- fungidzira mumifungo yevasina nhoroondo refu yekutenda.TaH 27.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents