Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Zvokwadi Inodzoredzaniswa.

    Kuvandudzwa patsva kweSabata kunoporofítwa nalsaya, ” Zvanzi naJehova: Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodokusvika, kururama kwangu kworatidzwa. Wakaropafadzwa munhu unoita izvozvi, nomwanakomana womunhu unozvibatisisa, unochengeta sabata kuti arege kurimhura, nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chakaipa”. ” Navatorwavo vanonamatira Jehova, kuti vamushumire, nokuda zita raJehova, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe unochengeta sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu, ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera, zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibairo zvavo zvichagamuchirwa paaritari yangu, nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose” (Isaya 56:1,2,6,7).TaH 80.1

    Mashoko aya anorarama munguva yedu maKxistu sezvinorehwa nevhesi 8. Apa panoporofìtwa kuunganidzwa kwevasiri maJudha nevhangeri pakuparidzwa kweshoko nevaranda vaMwari kumarudzi ose.TaH 80.2

    Tenzi vanoti, ” Sunga chipupuriro, namatidza murairo nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu” ( Isaya 8:16). Chisimbiso chemutemo waMwari chinowanikwa pamurairo wechina. Iwoyu wega pakati peyose gumi ndiwo unopa kushevedzwa kwakakwana kwezita reMupi wemutemo. Apo Sabata rakashandurwa nesimba ravanaPapa, chisimbiso chakabva chabviswa pamurairo. Vadzidzi vaJesu vanodaidzirwa kuti vadzoredzanise uyu mutemo kubudikidza nekusimudzira Sabata sechinhu chinotirangaridza Musiki nekuvezve chiratidzo chesimba rake.TaH 80.3

    VechiProtestant vanoti nemhaka yekuti Jesu akamuka nemusi weSondo, saka Sabata rakabva rashandurwa kuenda pamusi weSondo uyu. Asi hapana kuremekedzwa kwakaitwa musi weSondo naiye Kristu kana vadzidzi vake. Kuchengetwa kweSondo kune manyuko mu”chakavanzika chekusateerera” ( 2 vaTesa 2:7) change chatotanga basa racho munguva yaPauro. Tingapa chikonzero chipi panekushandura kusina kurongwa nedenga?TaH 81.1

    MaProtestant anobvuma kuti hapana mushoko raMwari panoratidza pachena uye zvizere kuti Sabata rakashandurwa kubva paMugovera ( Saturday) kuenda paSondo rinova zuva rekutanga repavhiki. Kusvikira pakufa kwaJesu hapana shanduko yakadero yakaitika.TaH 81.2

    MaKaturike anobvuma kuti shanduko yeSabata yakaitwa nesangano ravo, votivo, kuchengetwa kweSondo seSabata kunoitwa nemaProtestants uku kunotoratidza kuti vese ivava vanokudza simba rechiKaturike. Soko rinorehwa rekuti, “Pamutemo wekare, Saturday ndiro zuva raiyereswa, asi sangano rakaudzwa naJesu Kristu richitungamirirwa neMweya waMwari rakaisa musi weSondo pachinzvimbo cheSaturday; saka zvino tinoyeresa zuva rekutanga kwete rechinomwe. Zvino Sondo ndiro ratove zuva raShe”.TaH 81.3

    Rairo inopuhwa, “Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakobo zvivi zvavo. Kunyange zvakadaro vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirairo yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasiyi zvakarairwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kunaMwari” (Isaya 58:1-2). Avo vanonzi “vanhu vangu” naMwari vanofanirwa kutsiurwa pazvakaipa zvavo nokuti vanozviona sevakarurama mumunda waMwari. Asi tsiudzo inobva kunaiye anovheneka mwoyo inoratidza kuti varikuputsa mirairo yake. Muporofíti anobva anongedzera chaipo pakaputswa nevanhu vaMwari, ” Vachaberekwa newe vachavakazve matongo akare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa: Mugadziri wopakakoromoka, muvandudzi wenzira kuti vanhu vagone kugarapo. Kana uchidzora gumbo rako pazuva reSabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehova rinofanira kukudzwa, uchirikudza usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako; ipapo uchafarira Jehova kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobo, nokuti muromo waJehova wakataura izvozvo” (Isaya 58:12- 14).TaH 81.4

    Ruzhowa rwemurairo rwakakoromorwa apo Sabata rakashandurwa nemasimba eRoma. Nguva yakwana zvino yekuti pakakoromorwa apa pavakurudzwe.TaH 82.1

    Sabata rakachengetwa muEden naAdam asati atadza uye paakange aputsika asi azotendeuka kunyangwe akadzingwa zvake kubva mubindu raaigara in. Rakachengetwa nembiru dzechitendero, Aberi, Nowa, Abrahama naJakobho. Apo Mwari akadzikinura valsiraeri akaparidzirazve mitemo yake kwavari.TaH 82.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents