Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Mambo weMadzimambo Ànoonekwa

    Inzwi raMwari rinonzwika richisheedzera musi nenguva apo Jesu achauya. Isiraeri yaMwari inoteerera yakamira zviso zvavo zvakajeka nembiri yaMwari. Nguva shoma yapfuura, kunoonekwa kakore kaduku katema kumabvazuva. Ndiro gore rakakomberedza Muponesi. Murunyararo rwekuremekedza, vanhu vaMwari vanoramba vakatarira gore iri richiswedera kusvikira rave gore guru jena chairo pasi paro paine mbiri yakaita semwoto unopfuta uye pamusoro pegore iri paive nemuraraungu uya wesungano. Ikozvino asisiri murume wekusuruwara, Kristu anotasva gore iri ari mukuriri mukuru kwazvo. Ngirozi dzinoera, chita chisingaverengeki dzinomushumira, zviuru zvezviuru zvakapetwa kazhinji. Ziso rose rinoona Muchinda wehupenyu. Korona yembiri inoonekwa pamhanza pake. Kupenya kwechiso chake kunopfuura kupenya kwezuva. ” Panguvo yake napachidya chake pakanga pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WAMADZIMAMBO, NASHE WAMADZISHE” (Zvaka 19:16).TaH 105.1

    Mambo wemadzimambo anoburuka aripamusoro pegore akaputirwa nemurazvo wemwoto. Nyika inodedera pamberi pake ” Mwari wedu unóvuya, haangarambi anyerere. Mwoto unoparadza pamberi pake, dutu guru rinomukomberedza. Unodana denga kumusoro, napasi kuti atongere vanhu vake” (Mapisa 50:3,4).TaH 106.1

    “Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiriri vehondo, navafumi, navanesimba, navaranda vose, navakasununguka vose, vakandovanda mumapako nomumabwe amakomo, vakati; kumakomo nokumabwe: Tiwirei mutivige pameso aiye unogara pachigaro chovushe, napakutsamwa kweGwayana” (Zvaka 6:15-16). Kushora kwese kwevavengi kwapfuura, miromo inoreva nhema yanyaradzwa. Hapana chakaipa chichanzwikwa kunze kwemanzwi ekuchema neeminamato vakaipa vachinamata kuti vavigwe zvavo pasi pematombo pakusangana nechiso cheuyo wavaishora zvikuru. Inzwi rinobaya zvakapinzva richimutsa vatsvene vavete vanotoriziva. Raisivashevedzera zvinyoronyoro kuti vatendeuke makore akapfuura. Raisinzwika kazhinji sei richinyengetedza shamwari, hama. Inzwi iroro rinomutsa ndangariro dzetsiudzo dzakashorwa uye marukoko akarambwa.TaH 106.2

    Kune vaya vakaseka nekusvooredza Kristu mukurwadzwa kwake. Akadaidzira achiti, ” ...: Kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi kwesimba, achivuya namakore okudenga” (Mateu 26:64). Zvino vanomuona mumbiri yake, vachigere kumuona agere kurudyi rwesimba. Kuna Herod mudadi akaseka Jesu nokushoropodza kukuru. Kune vaya varume vakadzika korona yeminzwa inopinza munyama yepamhanza pake uye tsvimbo yetsanga yekushoropodza hushe hwake- vaya vakamupa ruremekedzo rwekushora kwekumhura, vakamupfíra mate muchinda wehupenyu. Ava vose vanotsvaga kutiza pamberi pake. Avo vakamurovera zvipikiri muzvanza nemutsoka dzake vanoona mavanga aya ose vobva vabatwa nekutya nekuzvidemba kukuru.TaH 106.3

    Nekutsimbidzira kukuru, vapirisita nevatongi vanorangaridzwa zveKarivhari apo vaisimudza misoro yavo mukuzvikudza kwaSatani vakadanidzira” Uyu aiponesa vamwe asi haagoni kuzviponesa iye” (Mateo 27:42). Kushevedzera kukuru kwekuti, ” Ngaaroverwe! Ngaaroverwe ” kwavaiita kukazadza Jerusarema rese kunobatanidzwa kuwedzera ruzha zvino, rwekuti ” Mwanakomana waMwari”. Vanotsvaga kutiza pamberi pamambo wemadzimambo uyu. Muhupenyu hwevese vanoramba chokwadi pane nguva iyo mifungo kwayo inombozaruka, apo mweya unonetswa nesarudzo dzenhando dzakapfuura. Asi zvakadai hazvingaenzaniswi nekutambura kwekuzvidemba kwezuva iro. Pakati pekurwadziwa nekutya kwavo vanonzwa vatendi vachishevedzera, ” Uyu ndiye Mwari wedu. Takanga takamumirira, uye uchatiponesa” (Isaya 25:9).TaH 107.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents