Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Njodzi Yekuramba Kudanidzira KweVhangeri

    Kuparadzwa kweJerusarema iyambiro huru kune avo vari kuramba kunyengetedzwa netsitsi dzedenga. Chiporofiti chamuponesi pamusoro pekuparadzwa kweJerusarema chichava nekumwezve kuzadziswa kwacho. Mukuparadzwa kweguta rakasanangurwa tinoona mugumo wakaipa wenyika yakange yaramba tsitsi dzaMwari uye ikatsika-tsika mutemo wake. Nhoroondo yekusuruwara nekutambura kwevanhu yakasviba kwazvo. Tuso rekuramba hushe hwedenga rakanga rakakomba kwazvo. Asi kusviba kwemhindo huru kuriko mberi kwedu. Kana mweya waMwari wekudzivisa zvakaipa uchinge wabviswa panyika zvachose, pasisina chichatadzisa munhu kuita zvese zvaanoda nehuipi hwake hwose huchitungamirirwa nehukasha hwaSatani, pasi rose richazviona haro zvisina kumboonekwa pasi pose tuso rekutonga kwehurumende yaSatani.TaH 92.2

    Muzuva irero semunguva yekuparadzwa kweJerusarema, vanhu vaMwari vachadzikinurwa (Isaya 4:3;Mateo 24:30,31). Kristu achauya rwepiri kuzotora vakavimbika vake kwaari ” Ipapo chiratidzo choMwanakomana wemunhu chichavonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema , achivona Mwanakomana wemunhu achivuya pamusoro pamakore okudenga, nesimba nokubwinya kukuru. Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru; vachaavunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kunorumwe rutivi” (Mateo 24:30,31).TaH 92.3

    Vanhu ngavachenjere kuti varegedze kushaya hanya nemashoko aKristu. Sekuyambira kwaakaita vadzidzi vake pamusoro pekuparadzwa kweJerusarema kuitira kuti vatize, naizvozvo atoyambirawo vanhu pamusoro pekuparadzwa kwekupedzisira kuchaitwa nyika ino. Vose vanoda vangatiza kubva kune hasha dzirikuuya ” Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa”. ” Zvino ndakaona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu, kwakanga kunokudengenyika kwenyika kukuru, zuva rikasviba segudza remvere, nemwedzi wose ukaita seropa, nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuvonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru. Denga rikabva sebhuku, kana ichipetwa; namakomo ose nezvivi zvose zvakabviswa panzvimbo dzazvo. Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiri vehondo, navafumi, navane simba, navaranda vose, navakasununguka vose, vakandovanda mumapako nomumabwe amakomo; vakati kumakomo nokumabwe: Tiwirei mutivige pameso aiye unogara pachigaro chovushe, napakutsamwa kweGwayana, nokuti zuva guru rokutsamwa kwavo rasvika; ndianiko unogona kumira?” Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi mwene weimba waanovuya nawo, kana madeko, kana pakati povusiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani” ( Mateo 24:29; Mako 13:24-26, Zvaka 6:12-17; Mako 13:35) . Vose vanoteerera yambiro havazosari van murima.TaH 93.1

    Nyika haina kugadzirira kugamuchira yambiro yaKristu nhasi semarambiro akaita vanhu yambiro yekuparadzwa kweJerusarema. Zuva raShe richasvikira vakaipa vasina kugadzirira. Hupenyu huchingoita semazuva ose, vanhu vakafiikidzirwa mumafaro, mumabasa, mukugadzira nzira dzekuwana nadzo mari, apo vakuru vemakereke vachisimudzira nyaya dzekubudirira munyika, vanhu vachinyura mukuzvinyengera kwekuzvipa gadzikano yenhema- zvino, apo mbavha yehusiku inopinda paimba isina kuchengetedzwa, kuparadzwa kunovhundutsa kuchasvikira vakaipa nevasina hanya naMwari: “havangapukunyuki” (1 vaTesa 5:2-5).TaH 94.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents