Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Baiberi Rose ndiyo Nhungamiri

    Pose panodzidza magwaro pasina mweya wekudzidza uye wekunamata, magwaro ari pachena- chena anogona kubvutirwa chokwadi chezvaanoreva. Baiberi rose rinofanira kupihwa kuvanhu sezvariri.TaH 28.2

    Mwari akapa shoko reuporofíta rechokwadi, ngirozi, kunyangwe Kristu mbune akauya kuzozivisa Danyeri naJohani zvinhu ” zvaifanira kukurumidza kuitika” (Zvaka 1:1). Nyaya dzakakosha dzezveruponeso rwedu hadzina kubudiswa nenzira yekunetsa nekushungurudza uyo anotsvaga chokwadi nemwoyo wese. Shoko raMwari riripachena kune vose vanoridzidza nemwoyo izere nemunamato.TaH 28.3

    Vazhinji vanopofumadzwa kubva pamatandi emazano emuvengi wedu nokuda kwekuchemera kwavo kusununguka. Satani anobudirira pakutsoropodza Baiberi nenzira yekukonzera kafungiro kasina kururama kuvanhu. Mutemo waMwari unosiiwa padivi uye makereke anova pasi pehutapwa hwechivi asi achizviti akasununguka.TaH 29.1

    Mwari akabvumira chiedza chitsva kudururwa panyika mukuzarurwa kwezivo dzescience. Asi kunyange pfungwa huru chaidzo dzikasatungamirirwa neshoko raMwari dzinorasika nekupwitiridzwa padzinenge dzichizama kubatanidza nekutsvagurudza hukama huripo pakati pescience nezvakazarurwa.TaH 29.2

    Ruzivo rwevanhu rwakarerekera divi rimwe uye haruna kuzara. Naizvozvo vanhu havagoni kuenzanisa maonero avo science nemagwaro. Vazhinji vanogamuchira mafungire evanhu sechokwadi chescience vobva vafunga kuti shoko raMwari rinofanirawo kuedzwa nescience (1 Tim 6:20). Nhoroondo yemuBaiberi inonzi haivimbwe nayo nokuti vanhu havagoni kutsanangura chimiro chemusiki nebasa rake remitemo yezvisikwa. Vanopokana neBaiberi vanopokanawo zvakare nehuvepo hwaMwari. Vabvisa gwinyiso yavo nenzira iyi vanotanga kufamba munzira yekusaateerera nehunzenza.TaH 29.3

    Inhongonya yekunyengera kwaSatani kuti vanhu varambe vachida kuziurura zvisingazivikanwi zvaMwari. Rusifa akatanga kusagutsikana nokuti zvose zvakavanzika zvezvinangwa zvaMwari zvakange zvisina kuziviswa kwaari ukuwo akashaya hanya nezviya zvakanga zvaiswa pachena kwaari. Zvino anotsvaga kusutsa vanhu nemweya mumwe cheteyo wobva avatungamirira kuti vashore mitemo yaMwari.TaH 29.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents