Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Umbowo Hwakakwana

    Mwari akapa shoko rake umbowo hwakakwana hunoratidza kuti rakabva kwaari asi pfungwa dzinoguma hadzigoni kunzwisisa chinangwa chaMwari asingagumi. ” Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi” (vaRoma 11:33). Zvakadaro tinogona kuziva rudo rusingagumi nenyasha dzakabatanidzwa pasimba risina magumo. Baba vedu vekudenga vachatizarurira zvakawanda zvakatifanira. Zvimwe zvakavanzika zvotoda kuti tivimbe neruoko rune simba rose, mwoyo wakazara nerudo. Mwari haazobvisi zvikonzero zvekusaatenda. Vose vanotsvaga zvinotadzisa kutenda vachazviwana. Avo vanoramba kuteerera kusvikira zvese zvingatadzise kutenda zvabviswa havazombosviki pachiedza. Mwoyo usina kuvandudzwa uri pahondo naMwari. Asi kutenda kunosutswa neMweya Mutsvene uye kunokura zvichibva pakufarirwa kwakunoitwa. Hakuna anokomba mukutenda asina kutsunga kuti akure mukutenda. Vanhu vakazvipira kusagutsikana nechokwadi vanowana kusagutsikana kuchiramba kuchitonga mumwoyo mavo.TaH 32.4

    Vose vanokahadzika nekusagutsikana vachishora Kristu miti isingabereki inodzikatira mimwe kubva kuzuva kuikonzera kuti ife muchando. Basa revanhu ava richaoneka sechapupu chisingagumi.TaH 33.1

    Pane chimwe chete chingatevedzerwa neavo vanotsvaga kusunungurwa kubva mukusagutsikana. Panzvimbo yekubvunzurudza zvavasinganzwisisi ngavatende kuchiedza chiri kuva vhenekera kare ndiko kuti vagamuchire chimwe chiedza chikuru.TaH 33.2

    Satani anogona kuunza chiedza chemanyepo chakada kufanana nechokwadi zvekuti chinonyengera avo vanoda kunyengerwa, vanofarira kuramba kuzvipira kunodiwa nechokwadi. Asi hazvikwanisiki kunaSatani kubata mumisungo yake mumwe chete anodisa kuziva chokwadi. Kristu ndiye chokwadi, ” Chiedza chinovhenekera munhu wese anouya panyika” “Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari kana ndichizvitaurira ndimene” (Johani 1:9; 7:17). Mwari anobvumira vanhu vake kuti vaiswe pakuidzwa kunotyisa, kwete nokuti anofarira kutambura kwavo asi kuitira kuti vazobatsirikane kusvika pakukurira kwavo kwekupedzisira. Haaigona kuvadzivirira nekubwinya kwake nokuti chikoro chekuidzwa chinovagadzirira kukurira miyedzo yakaipa zvikuru. Kunyangwe Satani kana vanhu vakaipa havagoni kudzivisa huvepo hwaMwari pavanhu vake kana ivo vakareurura nekurasa zvivi zvavo vobva vatora zvivimbiso zvaakapa. Kuedzwa kumwe nekumwe kunogona kukurirwa nemunhu, ” Hazviitwe nehondo kana nesimba asi nemweya wangu ndizvo zvinotaura Jehovah wehondo” (Zecharia4:6).TaH 33.3

    “Ndianiko uchakuiitirai zvakaipa kana muchishingairira zvakanaka?” ( 1 Pet 3:13). Satani anoziva kuti mweya wakaneta unogara munaKristu anokunda hondo huru yerima. Nokudaro anotsvaga kukwezva mauto emuchinjikwa kutama panheyo yavo yakasimba, paanohwandira akagadzirira kuparadza vose vanotambira munzanga yake. Mukuvimba naMwari chete nekuteerera mirairo yake ndiko kunotipa kotsekano.TaH 34.1

    Hapana munhu akakotsekana kwezuva rimwe kana nhambo imwe asina munamato. Kumbira Mwari kuti uwane njere dzokumunzwisisa iye neshoko rake. Satani inyanzvi mukushandisa magwaro, achiisa tsanangudzo dzake izvo zvinoita kuti tigumburwe tigowa. Tinofanira kuverenga nemwoyo wakazvirereka tichinamata mumwoyo nguva dzese tichiti, ” Musatiisa pakuyedzwa” (Matt 6:13). TaH 34.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents