Chii Kukura muNyasha?
Dzidziso dzenhema dzekukura munyasha dzinonyukawo kubva pakurambwa kwemutemo wedenga. Idzodzi dzidziso dzenhema dzinogamuchirika kwazvo. Pauro anoti, ” Nokuti kuda kwaMwari ndihwo vutsvene hwenyu, murege vupombwe”. ” Muvaite vatsvene muzvokwadi; Shoko renyu izvokwadi”. ” ... kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvaHedeni, ndichiita basa rovuprista paevangeri yaMwari kuti chibairo chavaHedeni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene” ( 1 vaTess 4:3; Johane 17:17; vaRoma 15:16).TaH 65.3
Basa reMweya Mutsvene chii? Jesu akaudza vadzidzi vake.. ” Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yababa vangu ndichigara murudo rwavo”. ” Wakandituma uneni. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza” (Johani 15:10; 8:29). Vateveri vaKristu vanofanira kuva saiye nekuda kwenyasha dzaMwari kuitira kuti vave nezvimiro zvakafanana naye uye zvinoyanana nemutemo wake mutsvene. Uku ndiko kukura munyasha kwemuBaiberi.TaH 66.1