Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 6—Rugare Rwechokwadi

    Kwese kwakaparidzwa shoko raMwari nemazvo, kwakawanikwa zvibereko zvine chidhindo chaMwari. Vatadzi vakadenhwa pamwoyo yavo. Kuzvipira kwakabata pfungwa dzavo. Vakava nekunzwa zvekururama kwaMwari “Ndiri munhu ari pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu uyu?” (vaRoma 7:24). Apo muchinjikwa wakaoneswa vakaona kuti hapana chaingavachenura zvivi zvavo kunze kwekushanda kwaKristu. Vakawana kuchenurwa nekuregererwa kwezvivi kubudikidza neropa raJesu ” Iye wakagadzwa naMwari kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregererwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu” (vaRoma3:25).TaH 58.1

    Mweya iyi yakabvuma ikabhabhatidzwa ndokutanga kufamba muhutsva hwehupenyu, nekuda kwekutenda kweMwana waMwari, kuteedza matsiko ake, kuratidza chimiro chake uye kuzvinatsa sezvo iye ari mutsvene. Vanotanga kufarira izvo zvavaimbovenga, vovenga izvo zvavaimbofarira. Vaidada vakava vanyoro, vainge vachiita nekunyengera vakatanga kuita nemwoyo wose. Zvidhakwa zvakava vanhu vakati tsvikiti, uye vakange vazere nezvivi vakava vakachena. MaKristu akatanga kutsvaga zvisingaori, iwo mweya wakadzikama uneunyoro nerugare unowe mutengo mukuru pamberi paMwari. “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vudzi, nokushonga ndarama kana kupfeka nguvo; asi ngakuve munhu wakavanzika womwoyo, wakashonga zvisingavori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari” ( lPet 3:3,4).TaH 58.2

    Marumutsiriro akange azere kusheedzera kwechokwadi kuti munhu atendeuke. Zvibereko zvakawanikwa mukutendeuka kwevazhinji vaifara kuti vainge voverengwa kuti vachatambudzwa nokuda kwaKristu. Vanhu vakaona shanduko muavo vaitenda muzita raKristu. Ndizvo zvibereko zverumutsiriro rwemakore ekare.TaH 59.1

    Asi marumutsiriro emazuva ano anoratidza mutsauko mukuru. Ichokwadi kuti vazhinji vanoti vatendeuka uye vozadza makereke. Zvakadaro hazvo zvibereko zvacho hazviratidzi kuti kwavanikwa nhendeuko nemwoyo wose muvanhu ava. Chiedza chinombopfuta zvishoma chinokurumidza kudzima.TaH 59.2

    Marumutsiriro akakurumbira anonyautsa nekumutsa-mutsa zviri pamunhu, zvisingabati mweya wemunhu. Vatendi vatsva ava vanechidiso chiduku chekuteerera chokwadi cheBaiberi. Kana rusando rwekereke rusina zvinofadza nyama harukwanisi kuvabata.TaH 59.3

    Pane mweya wakatendeuka muzvokwadi, hukama naMwari nezvehupenyu husingaperi ndizvo zvichava musoro wenyaya yehupenyu. Mweya wekuzvipira kuna Mwari uripiko mumakereke akakurumbira nhasi? Vatendi vatsva vanoramba vachizvida nekuda nyika. Havachadi kuzviramba kuti vatevere Jesu akazvirereka. HuMwari hwakatotama kubva mumakereke mazhinji.TaH 59.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents