Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Zvinotarisirwa Zvinoiswa Pachena

    ” Ndichapa unenyota zvinobva patsime remvura yehupenyu asingatengi. Unokunda uchagara nhaka yezvinhu izvi, ndichawa Mwari wake naiye uchava mwanakomana wangu” ( Zvaka 21: 6-7). Zvimiso zvinoiswa pachena. Kuti ugare nhaka yezvese unofanira kukunda chivi.TaH 40.2

    “Asi wakaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari” ( Mupa 8:13). Mutadzi arikuzviunganidzira ” hasha nezuva rehasha nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari, uyo achapa mumwe nemumwe sezvaakabata”. ” Kutambudzika nemarwadzo zvichava pamusoro paiye unoita zvakaipa” (vaRoma 2:5,6,9).TaH 40.3

    “Nokuti munoziva kwazvo kuti hakune mhombwe, kana munhu unetsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka muvushe hwaKristu naMwari”. ” Vanosuka nguvo dzavo vakaropafadzwa, kuti vave nesimba rokuuya kumuti wovupenyu, kuti vapinde napamasuvo eguta. Kunze ndiko kunembwa navaroyi, nemhombwe navaurayi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoda nhema vachidziita” (vaEfeso 5:5; Zvak 22:14- 15).TaH 41.1

    Mwari akazivisa vanhu nzira dzaachashandisa pakushanda nekuparadza chivi. ” Jehova unochengeta vose vanomuda; asi vakaipa uchavaparadza vose” ( Mapisa 145:20). Simba rehurumende yedenga richaparadza hupanduki, asi kutonga kwekurwadzisa kuchava kwakaenderana senguva dzose saMwari anenyasha, kunzwira nerudo.TaH 41.2

    Mwari haamanikidze chidiso. Haafariri kuteererwa kwekusungikana asi anoda kuti zvisikwa zvemaoko ake zvimude nokuti akakodzera kudiwa. Angada kuti vamuteerere nokuti vanofarira huchenjeri hwake, rudo nekururamisira.TaH 41.3

    Mitemo yekafambisirwe kehurumende yedenga inofambidzana nemirairo yatenzi “Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai” (Mateo 5:44). Mwari anoruramisira nekuranga wakaipa kuitira kunatsira pasi rose uye kunatsira avo vakatadza vacho. Anovaita kuti vafare kana achida. Anovakomberedza nezviratidzo zverudo rwake wovatevera nezvipo zvengoni dzake, asi vanongoshora rudo urwu, voshaisa mirairo yake simba nekurambazve ngoni dzake. Nguva dzose vanoramba vachigamuchira zvipo zvake asi vachishora mupi wazvo. Tenzi vanovaregerera nekuvanzwira nyasha kwenguva refu asi angavasungirira kudivi rake here kana kuvamanikidza kuita zvido zvake?TaH 41.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents