Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Havana Kugadzirira Kupinda Denga

    Vakasarudza Satani kuva mutungamiri wavo havana kugadziriravo kupinda pamberi paMwari. Kuzvikudza, kunyengera, hutsinye zvatove tsika dzavo. Vangapinda denga here kuzogara nevaya vavaivenga panyika? Zvokwadi haizomboyanani nenhema, kuzvininipisa hakuzogutsi kuzvikudza, kuchena kwemwoyo hakugamuchiriki neuyo anehuwori, rudo kwaro haruyemuriki kune ane chindini. Rufaroi rungachengeterwa avo vazere nechindini?TaH 42.1

    Vaya vane mwoyo yakazara kuvenga Mwari, zvokwadi nehutsvene vangatandara nekuyanana nechita chedenga vachiimbawo pamwe chete navo here? Makore emukana wekutendeuka vakaapuhwa asi havana kudzidzisa pfungwa dzavo kuda zvakachena. Havana kumbodzidza zvavo mutauro wekudenga. Zvino hapachina mukana wacho.TaH 42.2

    Hupenyu hwekumukira Mwari hwakavatadzisa kupinda denga. Hutsvene, nerugare zvingatove marwadzo kwavari, mbiri yaMwari ingatove mwoto unovaparadza. Vangazoshuva kutiza nzvimbo iyi inoyera votogamuchira zvavo kuparadzwa kuti vavanzwe kubva pamberi paiye wakafa kuti vadzikinurwe. Mugumo wevakaipa unobva pakusarudza kwavo. Kusava kwavo mudenga kunobva pakuda kwavo uye zvakavafanira pakutonga kwekururamisira kwaMwari. Semvura yemurove mwoto wezuva iri guru unodaidzira kutonga kwekupedzisira kwaMwari kwekuti vakaipa havarapiki. Sarudzo yezvidiso zvavo yakange yashandisirwa mukumukira Mwari. Pakupera kwehupenyu hwavo zvinenge zvisingachabviri kutendeutsa mifungo yavo kubva mukutadza kuuya mukuteerera, kubva muruvengo kuuya murudo.TaH 42.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents