Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Rubatsiro rweNgirozi

    Ngirozi dzaMwari uye mwèya yakaipa zvinoratidzwa pachena mumagwaro uye zvinowanikwa munhoroondo yevanhu. Ngirozi tsvene ” dzinoshumira avo vachava vadyi venhaka yeruponeso” (Heb 1:14) dzinoonekwa nevazhinji semweya yevafi. Asi magwaro anoratidza pachena kuti haizi mweya yevafi kwete.TaH 19.3

    Munhu asati asikwa, ngirozi dzaivepo, nokuti apo nheyo dzenyika dzakamiswa, ” Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro” (Job 38:7). Munhu aputsika, ngirozi dzakatumwa kurindira muti wehupenyu pasati pambova nemunhu akafa. Ngirozi dziri pamusoro zvishoma pemunhu, “...nokuti makamuita muduku zvishoma kunaMwari,..(Mapisa 8:5).TaH 20.1

    Muporoflta anoti....”Zvino ndakaona ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru- kuwanda kwavo kwakanga kuri zvuru zvezvuru nezvuru zvamazana”. ” Rumbidzai Jehova imi vatumwa vake, imi mhare dzinesimba, munoita zvaakataura muchiteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehova imi hondo dzake dzose; imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza”. “Asi imi makaswedera kugomo reZioni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi” (Zvaka 5:11; Mapisa 103:20,21; vaHeber 12:22). Senhume dzaMwari, ngirozi dzinoenda sekuonekwa kwechiedza chemheni. Ngirozi yakaonekwa paguva raTenzi, kaonekere kayo kaiita semheni, zvinove zvakakonzera kuti varindi veguva vaite sevafa. Apo Senakerubi akamhura Mwari pamwe nekuvhundutsira Isiraeri, mutumwa waJehova akabuda akavuraya vanhu vane zvuru zvinezana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiriya ( Ezekie 1:14; Mateo 28:3,4; 2 Madzimambo 19:35).TaH 20.2

    Ngirozi dzinotumwa kumabasa enyasha kuvana vaMwari.TaH 20.3

    • Kuna Abrahama, nevimbiso yezvikomborero,TaH 21.1

    • KuSodom, kuzosunungura Roti kubva mukuparadzwa kukuru kwaiuya,TaH 21.2

    • KunaEria ainge oda kuparara murenje,TaH 21.3

    • Kuna Erisha, nemabhiza nengoro dzemoto paainge avharirwa nemhandu,TaH 21.4

    • Kuna Daniel, asiyiwa kuti ave chokudya cheshumba,TaH 21.5

    • Kuna Petro, atongerwa kufira mugomba retorongo raHerude,TaH 21.6

    • Kune vasungwa vai ve mutorongo paF iripi,TaH 21.7

    • Kuna Pauro mumafungu enyanza husiku,TaH 21.8

    • Kuzozarura mifungo yaKoneriyo kuti agamuchire vhangeri,TaH 21.9

    • Kuzotuma Petro neshoko reruponeso kumufambi werumwe rudzi, -TaH 21.10

    Nokudaro ngirozi tsvene dzakashumira vanhu vaMwari.TaH 21.11

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents