Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Chitsauko 4—Hupenyu Husingaperi

    Satani uyo ainge akonzeresa hupanduki mudenga akada kuti vagari vepasi vabatane naye mukurwisa Mwari. Adamu naEva vainge vagere nemufaro uzere mukuteerera murairo waMwari- kupupura kwenguva yose kuti mutemo waMwari wainge usingadzvanyiriri munhu. Satani akashingirira kukonzera kudonha kwavo kuitira kuti agotora nyika nekudzika matende ehushe hwake hwekupandukira vedenga.TaH 35.1

    Adamu naEva vainge vakatoyambirwa kare pamusoro paiyo mhandu inengozi iyi. Naizvozvo Satani akashanda murima achivanza chinangwa chake. Achishandisa nyoka chisikwa chakaisvonaka, akataura na Eva, ” Nhai ndizvo here kuti Mwari akati, musadya miti yose yemunda?’ Eva akada kukurukura naye ndokuwira mumusungo wake; “Mukadzi akati kunyoka: Tingadya hedu miti yose yemunda, asi muti uri pakati pemunda, Mwari akati musaudya kana kuubata kuti murege kufa”. Nyoka ikati kumukadzi,” Hamungafi zvirokwazvo; Mwari anoziva kuti nemusi wamuchaudya nawo meso enyu achasvinudzwa mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa” (Gen 3:1-5). Eva akadya ndokukonzerawo Adamu kuti apinde muchivi. Vakagamuchira mashoko enyoka, vakarasa vimbo naMwari wavo vachifunga kuti aivadzvanyirira rusununguko rwavo. Asi Adamu akazoona zvaireva mashoko ekuti, ” Musi waunoudya nawo, uchafa zvirokwazvo”. Aizopinzwa munduramo yakakwidziridzwa here? Adamu haana kuona izvi sezvairehwa nemurango wedenga. Mwari akasheedzera kuti munhu aifanira kudzokera muvhu semurango wechivi chake; ” Sezvo uri ivhu, uchadzokera kuvhu” (Gen 3:19). Mashoko aSatani, ” Meso ako achazaruka” akave echokwadi pakuti chete; meso avo akavhurwa kuti aone misikanzwa yavo. Vakaziva zvakaipa vakaravirawo muchero unovava wekudarika.TaH 35.2

    Muti wehupenyu waive nesimba rekupa hupenyu husingaperi. Adamu aingadai airamba achisvika pamuti uyu uye aizotoramba achirarama nekusingaperi. Asi paakatadza akarambidzwa kusvika pamuti wehupenyu akave munhu anogona kuzofa. Kusafa kwakange kwatorerwa Adamu nokuda kwekutadza. Kwaingadai kusina kuzowa netariro kumunhu akatadza dai Mwari asina kutipazve mukana wekusvikira kusafa kuburikidza neMwanakomana wake. “Rufu rwakapinda kuvanhu vese mukuti vese vakatadza, asi Kxistu wakaunza hupenyu nekusafa kubudikidza nevangeri”. Kusafa kunowanikwa kubudikidza naKristu chete. “Uyo anotenda muMwanakomana ane hupenyu uye asingatendi muMwanakomana haana hupenyu”( VaRoma 5:12; 2 Tim 1:10; Jon 3:36).TaH 36.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents